Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vaefeso 2:4-9

Vaefeso 2:4-9 SCLB

Asi Mwari, azere netsitsi, pamusana porudo rwake rukuru rwaakatida narwo, kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha. Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu, kuti mumazuva achauya, norudo rwake, aratidze upfumi husingaverengeki hwenyasha dzake kwatiri muna Kristu Jesu. Pamusana penyasha makaponeswa nechitendero, asi musiri imi munozviponesa; chipo chaMwari, kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza

Verenga chikamu Vaefeso 2

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neVaefeso 2:4-9