ƲaEfeso 2
2
Makaponeswa nenyasha.
1 Wakakuraramisai imi, makaŋga makafa nokuɗarika kwenyu neɀiʋi ɀenyu, 2iɀo ɀamaifamba mukati maɀo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomucinda wesimba reɗeŋga, dzomŋeya unoɓata ɀino muʋana ʋokusaterera; 3ʋataifamba tose pakati paʋo kare, mukuciʋa kwenyama yeɗu, ticiita kuɗa kwenyama nokwokufuŋga kweɗu, napakuɀarwa kweɗu isu naʋamŋe ʋose taiʋa ʋana ʋokutsamŋirwa. 4Ɀino Mŋari unenyasha zhinji‐zhinji, nokuɗa kworuɗo rwake rukuru, rwaakatiɗa narwo, 5kunyaŋge takaŋga takafa mukuɗarika kweɗu, wakatiraramisa pamŋe cete naKristu (makaponeswa nenyasha); 6akatimutsa pamŋe cete naye, akatigarisa kuɗeŋga pamŋe cete naye munaKristu Jesu; 7kuti neŋguʋa dzinoʋuya aratidze fuma huru‐huru yenyasha dzake paʋunyoro bgake kwatiri munaKristu Jesu; 8nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; iɀo ɀisiŋgabvi kwamuri, asi cipo caMŋari; 9haɀibvi pamaɓasa, kuti kurege kuʋa nomunhu unoɀikudza. 10Nokuti tiri ɓasa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite maɓasa akanaka, akagadzirwa kare naMŋari kuti tifambe maari.
ƲaJuda naʋahedeni ʋakayananiswa munaKristu Jesu.
11Naiɀoɀo raŋgarirai, kuti imi ʋahedeni munyama, mainzi ʋasina‐kudziŋgiswa naiʋo ʋanonzi ʋokudziŋgiswa, kuri munyama, kunoitwa namaʋoko; 12kuti neŋguʋa iyo makaŋga musinaKristu, muri ʋatorwa paʋushe bgaʋaIsraeri, muri ʋaeni pasuŋgano dzecipikirwa, musinetariro, musinaMŋari panyika. 13Asi ɀino munaKristu Jesu imi, makaŋga muri kure kare, makasweɗedzwa muropa raKristu. 14Nokuti ndiye rugare rweɗu, iye wakaita ɀinhu ɀiʋiri kuti ciʋe cinhu cimŋe, akaputsa ruȿiŋgo rwapakati rwaiparadzanisa; 15ɀaakaparadza munyama yake kuʋeŋgana, iwo murairo weɀakarairwa paɀireʋo; kuti asike aʋa ʋaʋiri ʋaʋe munhu mutȿa maari, aite rugare saiɀoɀo; 16kuti mumucinjikwa ayananise ɀe ʋose ʋaʋiri, ʋaʋe muʋiri mumŋe kunaMŋari, ɀaakaʋuraya kuʋeŋgana naiwo mucinjikwa; 17akaȿika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiʋa kure, norugare kunaiʋo ʋaiʋa pedyo; 18nokuti isu tose tinopinda naiye noMŋeya mumŋe kunaƂaɓa. 19Naiɀoɀo, hamuzati muciri ʋaeni naʋatorwa, asi ʋobgo pamŋe cete naʋatȿene, naʋeimba yaMŋari. 20Makaʋakwa pamsoro penheyo dzaʋaapostora naʋaprofita, Kristu Jesu amene ari ibge rapakona. 21Maari imba yose yakasoŋganiswa kwaɀo, inokura, iʋe tembere tȿene munaShe. 22Maari nemi ʋo makaʋakwa pamŋe cete, kuti muʋe ʋugaro bgaMŋari muMŋeya.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaEfeso 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018