ƲaEfeso 1
1
Kwaziso.
1Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, kuʋatȿene ʋari [paEfeso], nokunaʋanotenda munaKristu Jesu: 2Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
Mikomborero iri munaJesu Kristu, Musoro weKereke.
3Ŋgaaʋoŋgwe Mŋari naƂaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMŋeya, kuɗeŋga munaKristu, 4seɀaakatisanaŋgura maari nyika isati yaʋambga, kuti tiʋe ʋatȿene ʋasinemhoȿa pamberi pake muruɗo; 5akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe ʋanakomana ʋake, seɀaakafadzwa pakuɗa kwake, 6kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakaŋgotipa hake muMuɗikanwa wake, kurumbidzwe; 7uyo watinedzikinuro maari neropa rake, iko kukaŋganwirwa kwokuɗarika kweɗu, nokuwanda kwenyasha dzake; 8dzaakawanza kwatiri nokucenjera kwose nokuziʋa; 9akatiziʋisa ɀakaʋanzika ɀokuɗa kwake, seɀaakafadzwa pakufuŋga kwake maari; 10kuti afambise kuzara kweŋguʋa, aʋuŋganidze munaKristu ɀose ɀiri kuɗeŋga, neɀiri pasi; 11munaiye, watakaitwa ʋo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita ɀose nokufuŋga kwokuɗa kwake; 12kuti tirumbidze kubginya kwake, isu takatarira kare kunaKristu; 13munaiye, nemi ʋo, makanzwa shoko reɀokwaɗi maari, iyo Evaŋgeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa cisimbiso noMŋeya Mutȿene wamakapikirwa; 14uri ruɓatso rwenhaka yeɗu, kuratidza kudzikinurwa kwaʋanhu ʋaMŋari caiʋo, kuti kubginya kwake kurumbidzwe.
15Saka neni ʋo, ndakati ndanzwa kutenda munaShe Jesu kuri pakati penyu, noruɗo kuʋatȿene ʋose, 16handiregi kuʋoŋga pamsoro penyu, ndicikuraŋgarirai paminyeŋgetero yaŋgu; 17kuti Mŋari waShe weɗu Jesu Kristu, Ƃaɓa ʋokubginya kukuru, akupei mŋeya wokucenjera nowokuzarurirwa pakumuziʋa; 18mavenekerwa meso omŋoyo wenyu, kuti muziʋe kuti kuɗana kwake kunetariro yei, nefuma yokubginya kwenhaka yake pakati paʋatȿene, 19noʋukuru bgakapfuʋurisa bgesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokuɓata kwesimba rake guru, 20raakaɓata munaKristu, acimumutsa kuʋakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kuɗeŋga, 21kumsoro‐soro kwaʋaɓati ʋose, noʋukuru, nesimba, noʋushe, namazita ose anorebga, pasati pari panyika ino ɓedzi, asi paneinozoʋuya ʋo; 22akaisa ɀose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti aʋe musoro waɀose, 23ndiwo muʋiri wake, kuzara kwaiye unozadzisa ɀose munaʋose.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaEfeso 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018