Dhuteronomi 8:11-18
Dhuteronomi 8:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako uchirega kuchengeta zvaakarayira, mirayiro yake nemitemo yake yandinokupai nhasi. Nokuti zvichida kana wadya ukaguta, kana ukavaka dzimba dzakanaka uye wagadzikana, uye kana mombe dzako namapoka amakwai ako zvawanda, nesirivha negoridhe rako zvawanda uye zvose zvaunazvo zvikawanda, ipapo mwoyo wako uchazvikudza zvino uchakanganwa Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva kuIjipiti, kubva kunyika youranda. Akakutungamirirai murenje guru rinotyisa, munyika iyo yakaoma isina mvura, nenyoka dzayo nezvinyavada zvine uturu. Akakubudisirai mvura kubva padombo rakaoma. Akakupai mana kuti mudye murenje, chinhu chakanga chisingambozivikanwi namadzibaba enyu, kuti akuninipisei nokukuedzai kuitira kuti zvikuitirei zvakanaka pakupedzisira. Ungati mumwoyo mako, “Simba rangu nesimba ramaoko angu ndizvo zvakandiitira upfumi uhu.” Asi urangarire Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye anokupa simba rokuita upfumi, naizvozvo achisimbisa sungano yake, yaakapikira madzitateguru enyu, sezvazviri nhasi.
Dhuteronomi 8:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Chenjerera kuti ungadaro ukazokanganwa Tenzi Mwari wako, worega kuchengeta zvirevo nemitemo nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno. Ungazoti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka uchigaramo, kana zvipfuwo zvako zvawanda, wava nesirivha nendarama yakawanda, zvose zvaunazvo zvikange zvawanda, wova nomwoyo wokuzvikudza, wokanganwa Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti muuranda. Ari iye akakutungamirira nomuzigwenga guru rinotyisa, makaoma, musina mvura, mune nyoka dzino uturu, mune marize. Akakubudisira mvura pabwe regwenya. Mugwenga imomo ari iye, akakupa mana yokudya, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako. Aida kukuninipisa nokukuedza kuti pakupedzisira azokuitira zvakanaka. Chenjerera kuti urege kufunga mumwoyo mako woti, ‘Upfumi uhu hwakabva musimba ramaoko angu.’ Naizvozvo unofanira kurangarira Tenzi Mwari wako nokuti ndiye anokupa simba rinokuwanisa upfumi. Anoita izvi kuti achengete chitenderano chaakapika kumadzitateguru ako sezvazviri pari nhasi.
Dhuteronomi 8:11-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri, nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda, mwoyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda; iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura; iye wakakubudisira mvura padombo romusarasara; wakakugutsa murenje nemana, yakanga isina kuzikanwa namadzibaba ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire zvakanaka pakupedzisira; kuti urege kuzoti mumwoyo mako, ‘Simba rangu nokugona kworuoko rwangu ndizvo zvakandiwanisa pfuma iyi.’ Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokupfuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi.
Dhuteronomi 8:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chenjerera kuti ungadaro ukazokanganwa Tenzi Mwari wako, worega kuchengeta zvirevo nemitemo nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno. Ungazoti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka uchigaramo, kana zvipfuwo zvako zvawanda, wava nesirivha nendarama yakawanda, zvose zvaunazvo zvikange zvawanda, wova nomwoyo wokuzvikudza, wokanganwa Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti muuranda. Ari iye akakutungamirira nomuzigwenga guru rinotyisa, makaoma, musina mvura, mune nyoka dzino uturu, mune marize. Akakubudisira mvura pabwe regwenya. Mugwenga imomo ari iye, akakupa mana yokudya, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako. Aida kukuninipisa nokukuedza kuti pakupedzisira azokuitira zvakanaka. Chenjerera kuti urege kufunga mumwoyo mako woti, ‘Upfumi uhu hwakabva musimba ramaoko angu.’ Naizvozvo unofanira kurangarira Tenzi Mwari wako nokuti ndiye anokupa simba rinokuwanisa upfumi. Anoita izvi kuti achengete chitenderano chaakapika kumadzitateguru ako sezvazviri pari nhasi.
Dhuteronomi 8:11-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cenjera kuti urege kukaŋganwa Jehova Mŋari wako, ukasaceŋgeta mirairo yake, neɀaakatoŋga, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi; kuti kana wadya ukaguta, ukaʋaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri, neŋombe dzako namakwai ako akawanda, nesirveri yako nendarama yako ikawanda, neɀose ɀaunaɀo ɀikawanda, mŋoyo wako ukaɀikudza, ukakaŋganwa Jehova Mŋari wako, wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita, paimba yoʋuranda; iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makaŋga munenyoka dzinopeŋga neɀinyaʋaɗa, nevu rakawoma risinemvura; iye wakakuɓuɗisira mvura paɗombo romusarasara; wakakugutsa murenje nemana, yakaŋga isina‐kuzikanwa namadziɓaɓa ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire ɀakanaka pakupedzisira; kuti urege kuzoti mumŋoyo mako: Simba raŋgu nokugona kworuʋoko rwaŋgu ndiɀo ɀakandiwanisa fuma iyi. Asi unofanira kuraŋgarira Jehova Mŋari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise suŋgano yake, yaakapikira madziɓaɓa ako, seɀaanoita nhasi.