chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako uchirega kuchengeta zvaakarayira, mirayiro yake nemitemo yake yandinokupai nhasi. Nokuti zvichida kana wadya ukaguta, kana ukavaka dzimba dzakanaka uye wagadzikana, uye kana mombe dzako namapoka amakwai ako zvawanda, nesirivha negoridhe rako zvawanda uye zvose zvaunazvo zvikawanda, ipapo mwoyo wako uchazvikudza zvino uchakanganwa Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva kuIjipiti, kubva kunyika youranda. Akakutungamirirai murenje guru rinotyisa, munyika iyo yakaoma isina mvura, nenyoka dzayo nezvinyavada zvine uturu. Akakubudisirai mvura kubva padombo rakaoma. Akakupai mana kuti mudye murenje, chinhu chakanga chisingambozivikanwi namadzibaba enyu, kuti akuninipisei nokukuedzai kuitira kuti zvikuitirei zvakanaka pakupedzisira. Ungati mumwoyo mako, “Simba rangu nesimba ramaoko angu ndizvo zvakandiitira upfumi uhu.” Asi urangarire Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye anokupa simba rokuita upfumi, naizvozvo achisimbisa sungano yake, yaakapikira madzitateguru enyu, sezvazviri nhasi.
Verenga chikamu Dhuteronomi 8
Terera ku Dhuteronomi 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 8:11-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo