Dhuteronomi 6:20-24
Dhuteronomi 6:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinorevei?” Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba. Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo nezvishamiso zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose. Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu. Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi.

Dhuteronomi 6:20-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino kana mwanakomana wako akakubvunza pashure, achiti, ‘Ko izvi zvipupuriro, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvamakarairwa naJehovha Mwari wedu, zvinodiniko?’ Unofanira kuti kumwanakomana wako, ‘Isu takanga tiri varanda vaFarao, Jehovha akatibudisa paIjipiti nechanza chine simba; Jehovha akaita zviratidzo nezvinoshamisa kwazvo, zvakaipa, paIjipiti, nokuna Farao, nokuimba yake yose, tichizviona; akatibudisapo, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madzibaba edu. Jehovha akaraira kuti tiite izvi zvose zvaakatema, titye Jehovha Mwari wedu, kuti tiitirwe zvakanaka nguva dzose, atichengete tive vapenyu, sezvatakaita nhasi.
Dhuteronomi 6:20-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Panguva ichauya kana mwana wako ozokubvunza achiti, ‘Ko zvakambouya seiko kuti tive nechitenderano nemitemo nemirao yamakapiwa naTenzi Mwari wenyu?’ Ipapo uchamutaurira kuti, ‘Taiva varanda vaFarao muIjipiti ndokubva Tenzi atiburitsa muIjipiti nesimba guru, Tenzi, akaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvairwadza vaIjipiti naFarao nemhuri yake yose tichizviona. Akatiburitsamo kuti atiunze nokutipa nyika yaakatsidzira madzibaba edu. Saka Tenzi akatiudza kuchengeta mirao iyoyi yose, nokuremekedza Tenzi Mwari wedu kuti zvitinakire nguva dzose, uye kuti atichengete tiri vapenyu sezvatiri iye nhasi uno.
Dhuteronomi 6:20-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana mŋanakomana wako akakubvunza pashure, aciti: Ko iɀi ɀipupuriro, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀamakarairwa naJehova Mŋari weɗu, ɀinoɗiniko? Unofanira kuti kumŋanakomana wako: Isu takaŋga tiri ʋaranda ʋaFarao, Jehova akatiɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba; Jehova akaita ɀiratidzo neɀinoshamisa kwaɀo, ɀakaipa, paEgipita, nokunaFarao, nokuimba yake yose, ticiɀiʋona; akatiɓuɗisa’po, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madziɓaɓa eɗu. Jehova akaraira kuti tiite iɀi ɀose ɀaakatema, titye Jehova Mŋari weɗu, kuti tiitirwe ɀakanaka ŋguʋa dzose, aticeŋgete tiʋe ʋapenyu, seɀatakaita nhasi.
Dhuteronomi 6:20-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)