Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 6:20-24

Kutsinhira Mutemo 6:20-24 SCLBD

“Panguva ichauya kana mwana wako ozokubvunza achiti, ‘Ko zvakambouya seiko kuti tive nechitenderano nemitemo nemirao yamakapiwa naTenzi Mwari wenyu?’ Ipapo uchamutaurira kuti, ‘Taiva varanda vaFarao muIjipiti ndokubva Tenzi atiburitsa muIjipiti nesimba guru, Tenzi, akaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvairwadza vaIjipiti naFarao nemhuri yake yose tichizviona. Akatiburitsamo kuti atiunze nokutipa nyika yaakatsidzira madzibaba edu. Saka Tenzi akatiudza kuchengeta mirao iyoyi yose, nokuremekedza Tenzi Mwari wedu kuti zvitinakire nguva dzose, uye kuti atichengete tiri vapenyu sezvatiri iye nhasi uno.