Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 6:20-24

Deuteronomio 6:20-24 SUB1949

Ɀino kana mŋanakomana wako akakubvunza pashure, aciti: Ko iɀi ɀipupuriro, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀamakarairwa naJehova Mŋari weɗu, ɀinoɗiniko? Unofanira kuti kumŋanakomana wako: Isu takaŋga tiri ʋaranda ʋaFarao, Jehova akatiɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba; Jehova akaita ɀiratidzo neɀinoshamisa kwaɀo, ɀakaipa, paEgipita, nokunaFarao, nokuimba yake yose, ticiɀiʋona; akatiɓuɗisa’po, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madziɓaɓa eɗu. Jehova akaraira kuti tiite iɀi ɀose ɀaakatema, titye Jehova Mŋari weɗu, kuti tiitirwe ɀakanaka ŋguʋa dzose, aticeŋgete tiʋe ʋapenyu, seɀatakaita nhasi.