Dhuteronomi 33:13-29
Dhuteronomi 33:13-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Akakomborera Josefi achiti, “Nyika yake ngaikomborerwe naTenzi, matenga ngaamupe mvura inonaya zvakanaka, neimwe inobvinina ichibva pasi. Ngaawane zvose zvakanaka zvinoibviswa nezuva, nezvinoibva mwedzi nomwedzi. Ngaawane gomborero remichero yokutanga mumakomo ekare, zvakanakisisa zvechinyakare. Ngaakomborerwe nezvose zvakanyanya kunaka zvinowanika panyika. Mwoyochena wouya aitaura ari mugwenzi. Makomborero aya ngaadurururukire pana Josefi, nokuti aiva mutungamiriri pakati pavakoma vake. Achava mukono wenzombe pakati pavo, nyanga dzake dzichinge dzenyati, imwe yacho ndizvo zviuru nezviuru zvedzinza raManase, imwe yacho ndiwo mazana akazanirana edzinza raEfuremu; nadzo achatunga marudzi avanhu kusvikira kwakaperera nyika.” Akakomborera Zebhuruni achiti, “Zebhuruni pembera ufare zvako pane zvaunoita, newewo Isakari fara zvako uri pamatendhe ako. Vachakokera ndudzi dzavanhu kugomo, kuzopira zvibayiro zviri pamutemo, nokuti vachawana upfumi huzhinji hwomugungwa, noupfumi hwuzhinji hwakavanzwa mujecha.” Akakomborera Gadhi achiti, “Akakomborerwa zvake Gadhi akawana nyika huru! Achagaramo akati hwatata seshumba, achibvambura ruoko nokutsemura dehenya. Akazvisarudzira pachake nyika yakanakisisa, yakanga yakachengeterwa mutungamiriri wehondo; akauya somutungamiriri wavanhu, achinyatsochengeta zvirevo nemitemo yaTenzi navaIsiraeri.” Akakomborera Dhani achiti, “Dhani mwana weshumba chaiye anoita zvokuuruka achibva kuBhashani.” Akakomborera Nafutari achiti, “Nafutari akagutsikana nomwoyochena waakaitirwa, azere namakomborero aTenzi; gungwa nenyika yokumaodzanyemba ndezvake.” Akakomborera Asheri achiti, “Asheri ngaakomborerwe kupfuura mamwe madzinza ose. Ngaave wapamwoyo kuvakoma navanun'una vake aite mafuta okutsika netsoka. Zvihuri zvapamisuo yako ngazvive zvesimbi nezvomundarira kusimba, urarame upenyu hwako hwose uri chirambakusakara. Chinzwa Isiraeri, iyewe Jeshuruni, hakuna mumwe akaita saMwari anofamba nomumatenga, anofamba nechiremera chake nomumakore kuzokubatsira. Mwari, Nyakugaraaripo ndiye bako rako, anokutakura mumaoko ake nokusingaperi. Anofanokudzingira vavengi vako achiti, ‘Vaparadze.’ Saka Isiraeri agere zvake murugare oga, vana vaJakobho vagere zvavo pavo voga, munyika yomaguta embesa newaini, ina matenga anonayisa dova. Zvako iwe Isiraeri wakakomborerwa! Ndianiwo zvake angaenzaniswe newe, rudzi rwakaponeswa naTenzi ndiye nhoo yako inokubatsira, ndiye bakatwa rinokuita kuti ukunde. Vavengi vako vachauya vachiteterera kwauri. Nzvimbo dzavo dzakatunhumara dzokuteurira uchaita zvokudzitsikirira zvako.”
Dhuteronomi 33:13-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamusoro paJosefa akati: “Jehovha ngaaropafadze nyika yake nedova rinokosha rokudenga kumusoro nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi; nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi; nezvipo zvakanakisisa zvokumakomo ekare uye nezvibereko zvemakomo okusingaperi; nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta. Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa, pahuma yomuchinda pakati pehama dzake. Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe; nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati. Nadzo achatunga ndudzi, kunyange vaya vari kumagumo enyika. Ava ndivo zviuru zvaManase.” Pamusoro paZebhuruni akati: “Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isakari mumatende ako. Vachadanira vanhu kumakomo uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama; vachaguta nezvizhinji zvamakungwa, nepfuma yakavigwa mujecha.” Pamusoro paGadhi akati: “Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi! Gadhi anogaramo seshumba, achibvambura ruoko kana musoro. Akazvisarudzira nyika yakanakisisa; mugove womutungamiri waakachengeterwa iye. Vakuru vavanhu pavakaungana, iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama, uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.” Pamusoro paDhani akati: “Dhani mwana weshumba, anokwakuka achibva muBhashani.” Pamusoro paNafutari akati: “Nafutari azere nenyasha dzaJehovha uye azere kuropafadza kwake: achatora nhaka nechezasi kugungwa.” Pamusoro paAsheri akati: “Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri: ngaadikanwe nehama dzake, uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta. Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira, uye simba rako richafanana namazuva ako. “Hapana akafanana naMwari waJeshuruni, iye anotasva denga kuti akubatsire uye namakore muumambo hwake. Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’ Naizvozvo Israeri achagara murugare oga; tsime raJakobho rakachengetedzeka munyika yezviyo newaini itsva, ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga. Wakaropafadzwa, iwe Israeri! Ndiani akafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha? Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye nomunondo wako unobwinya. Vavengi vako vachazviisa pasi pako, uye iwe uchatsika-tsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”

Dhuteronomi 33:13-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pamusoro paJosefa wakati, “Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha; Ipiwe zvinhu zvakanakisa zvokudenga, nedova, Nemvura inogara makadzika; Nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva, Nezvinhu zvakanakisa zvinomedzwa nomwedzi; Nezvinhu zvakanaka zvamakomo ekare, Nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvingaperi, Nezvinhu zvakanakisa zvenyika nokuzara kwayo, Nomwoyo wakanaka waiye wakanga agere mugwenzi; Kuropafadzwa ngakuuye pamusoro waJosefa, Napamusoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake. Mwana wemhongora wemombe dzake, ndihwo umambo hwake; Nyanga dzake inyanga dzenyati; Nadzo uchabaya ndudzi dzose dzavo, namagumisiro enyika; Ndivo vane zviuru zvamazana zvine gumi zvaEfuremu, Ndivo vane zviuru zvaManase.” Pamusoro paZebhuruni wakati, “Chifara, Zebhuruni, pakubuda kwako, Newe Isakari, pamatende ako. Vachadanira vanhu kumakomo; Ipapo vachauya nezvibayiro zvokururama; Nokuti vachanwa pfuma zhinji yamakungwa, Nepfuma zhinji yakavanzwa nejecha.” Pamusoro paGadhi wakati, “Unokurisa Gadhi ngaaropafadzwe; Iye unogara seshumbakadzi, Unobvambura ruoko, kunyange nomusoro. Wakazvitsaurira mugove wokutanga; Nokuti ndipapo pakachengetwa mugove womubati; Wakauya navakuru vavanhu; Wakaita zvakarurama zvaJehovha, Nezvaakatonga pamusoro paIsiraeri.” Pamusoro paDhani wakati, “Dhani ndiye mwana weshumba, Unokwakuka achibva Bhashani.” Pamusoro paNafutari wakati, “Iwe Nafutari, wakaguta nyasha, Uzere nokuropafadzwa naJehovha; Tora mavirazuva nenyasi zvive zvako.” Pamusoro paAsheri wakati, “Asheri ngaaropafadzwe apiwe vana; Ngaadikanwe nehama dzake, Ngaanyike rutsoka rwake mumafuta. Zvipfigiso zvako zvichava zvamatare nendarira; Nesimba rako richaenzana namazuva ako. Iwe Jeshuruni, hakuna wakafanana naMwari, Iye unotasva denga kuti akubatsire, Napamusoro pamakore noukuru hwake. Mwari usingaperi ndihwo ugaro hwako, Pasi pako kuna maoko asingaperi; Iye wakadzinga vavengi pamberi pako”, Akati, “Paradzai. Isiraeri unogara akachengetwa, Tsime raJakobho riri roga, Panyika yezviyo newaini; Denga rake rose rinonisa dova. Isiraeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakachengetwa naJehovha? Ndiye nhoo inokubatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Vavengi vako vachazviisa pasi pako, Newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.”
Dhuteronomi 33:13-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakomborera Josefi achiti, “Nyika yake ngaikomborerwe naTenzi, matenga ngaamupe mvura inonaya zvakanaka, neimwe inobvinina ichibva pasi. Ngaawane zvose zvakanaka zvinoibviswa nezuva, nezvinoibva mwedzi nomwedzi. Ngaawane gomborero remichero yokutanga mumakomo ekare, zvakanakisisa zvechinyakare. Ngaakomborerwe nezvose zvakanyanya kunaka zvinowanika panyika. Mwoyochena wouya aitaura ari mugwenzi. Makomborero aya ngaadurururukire pana Josefi, nokuti aiva mutungamiriri pakati pavakoma vake. Achava mukono wenzombe pakati pavo, nyanga dzake dzichinge dzenyati, imwe yacho ndizvo zviuru nezviuru zvedzinza raManase, imwe yacho ndiwo mazana akazanirana edzinza raEfuremu; nadzo achatunga marudzi avanhu kusvikira kwakaperera nyika.” Akakomborera Zebhuruni achiti, “Zebhuruni pembera ufare zvako pane zvaunoita, newewo Isakari fara zvako uri pamatendhe ako. Vachakokera ndudzi dzavanhu kugomo, kuzopira zvibayiro zviri pamutemo, nokuti vachawana upfumi huzhinji hwomugungwa, noupfumi hwuzhinji hwakavanzwa mujecha.” Akakomborera Gadhi achiti, “Akakomborerwa zvake Gadhi akawana nyika huru! Achagaramo akati hwatata seshumba, achibvambura ruoko nokutsemura dehenya. Akazvisarudzira pachake nyika yakanakisisa, yakanga yakachengeterwa mutungamiriri wehondo; akauya somutungamiriri wavanhu, achinyatsochengeta zvirevo nemitemo yaTenzi navaIsiraeri.” Akakomborera Dhani achiti, “Dhani mwana weshumba chaiye anoita zvokuuruka achibva kuBhashani.” Akakomborera Nafutari achiti, “Nafutari akagutsikana nomwoyochena waakaitirwa, azere namakomborero aTenzi; gungwa nenyika yokumaodzanyemba ndezvake.” Akakomborera Asheri achiti, “Asheri ngaakomborerwe kupfuura mamwe madzinza ose. Ngaave wapamwoyo kuvakoma navanun'una vake aite mafuta okutsika netsoka. Zvihuri zvapamisuo yako ngazvive zvesimbi nezvomundarira kusimba, urarame upenyu hwako hwose uri chirambakusakara. Chinzwa Isiraeri, iyewe Jeshuruni, hakuna mumwe akaita saMwari anofamba nomumatenga, anofamba nechiremera chake nomumakore kuzokubatsira. Mwari, Nyakugaraaripo ndiye bako rako, anokutakura mumaoko ake nokusingaperi. Anofanokudzingira vavengi vako achiti, ‘Vaparadze.’ Saka Isiraeri agere zvake murugare oga, vana vaJakobho vagere zvavo pavo voga, munyika yomaguta embesa newaini, ina matenga anonayisa dova. Zvako iwe Isiraeri wakakomborerwa! Ndianiwo zvake angaenzaniswe newe, rudzi rwakaponeswa naTenzi ndiye nhoo yako inokubatsira, ndiye bakatwa rinokuita kuti ukunde. Vavengi vako vachauya vachiteterera kwauri. Nzvimbo dzavo dzakatunhumara dzokuteurira uchaita zvokudzitsikirira zvako.”
Dhuteronomi 33:13-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pamsoro paJosefa wakati: Nyika yake ŋgairopafadzwe naJehova; Ipiwe ɀinhu ɀakanakisa ɀokuɗeŋga, neɗoʋa, Nemʋura inogara makadzika; Neɀinhu ɀakanakisa ɀeɀiɓereko ɀezuʋa, Neɀinhu ɀakanakisa ɀinomedzwa nomŋedzi; Neɀinhu ɀakanaka ɀamakomo ekare, Neɀinhu ɀakanakisa ɀeɀikomo ɀisiŋgaperi, Neɀinhu ɀakanakisa ɀenyika nokuzara kwayo, Nomŋoyo wakanaka waiye wakaŋga agere mugwenzi; Kuropafadzwa ŋgakuʋuye pamusoro waJosefa, Napamsoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake. Mŋana wemhoŋgora weŋombe dzake, ndibgo ʋumambo bgake; Nyaŋga dzake inyaŋga dzenyati; Nadzo ucaɓaya ndudzi dzose dzaʋo, namagumisiro enyika; Ndiʋo ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi ɀaEfraimi, Ndiʋo ʋaneɀuru ɀaManase. Pamsoro paZeburuni wakati: Cifara, Zeburuni, pakuɓuɗa kwako, Newe Isakari, pamatente ako. Ʋacaɗanira ʋanhu kumakomo; Ipapo ʋacaʋuya neɀiɓayiro ɀokururama; Nokuti ʋacanwa fuma zhinji yamakuŋgwa, Nefuma zhinji yakaʋanzwa nejeca. Pamsoro paGadi wakati: Unokurisa Gadi ŋgaaropafadzwe; Iye unogara seshumbakadzi, Unobvambura ruʋoko, kunyaŋge nomusoro. Wakaɀitsaurira mugoʋe wokutaŋga; Nokuti ndipapo pakaceŋgetwa mugoʋe womuɓati; Wakaʋuya naʋakuru ʋaʋanhu; Wakaita ɀakarurama ɀaJehova, Neɀaakatoŋga pamsoro paIsraeri. Pamsoro paDani wakati: Dani ndiye mŋana weshumba, Unokwakuka acibva Bashani. Pamsoro paNaftari wakati: Iwe Naftari, wakaguta nyasha, Uzere nokuropafadzwa naJehova; Tora maʋirazuʋa nenyasi ɀiʋe ɀako. Pamsoro paAsheri wakati: Asheri ŋgaaropafadzwe apiwe ʋana; Ŋgaaɗikanwe nehama dzake, Ŋgaanyike rutsoka rwake mumafuta. Ɀipfigiso ɀako ɀicaʋa ɀamatare nendarira; Nesimba rako ricaenzana namazuʋa ako. Iwe Jeshuruni, hakuna‐wakafanana naMŋari, Iye unotaȿa ɗeŋga kuti akuɓatsire, Napamsoro pamakore noʋukuru bgake. Mŋari usiŋgaperi ndibgo ʋugaro bgako, Pasi pako kunamaʋoko asiŋgaperi; Iye wakadziŋga ʋaʋeŋgi pamberi pako, Akati: Paradzai. Israeri unogara akaceŋgetwa, Tsime raJakobo riri roga, Panyika yeɀiyo newaini; Ƌeŋga rake rose rinonisa ɗoʋa. Israeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakaceŋgetwa naJehova? Ndiye nhoʋo inokuɓatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Ʋaʋeŋgi ʋako ʋacaɀiisa pasi pako, Newe ucatsika panɀimbo dzaʋo dzakakwirira.