Dhuteronomi 31:4-6
Dhuteronomi 31:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo. Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai. Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.”
Dhuteronomi 31:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza. Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai. Simbai, mutsunge mwoyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.”
Dhuteronomi 31:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi achaita kwavari zviya zvaakaita kuna Sihoni naOgu madzimambo avaAmori nenyika yavo paakavaparadza. Tenzi achavaisa mumaoko enyu, saka imi itai kwavari zvose zvandakakuudzai kuti muite. Shingai, mutsunge mwoyo, murege kuvatya kana kuvadedera nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye ari kukuperekedzai, haambokufuratirai kana kukusiyai moga.”
Dhuteronomi 31:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova ucaʋaitira iʋo seɀaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo aʋaAmori, nenyika yaʋo, ʋaakaparadza. Jehova ucaʋaisa mumaʋoko enyu, nemi munofanira kuʋaitira ɀose seɀandakakurairai. Simbai, mutsuŋge mŋoyo, musatya kana kuvunduswa naʋo; nokuti Jehova Mŋari wako ndiye unoenda newe, haaŋgakuregi, haaŋgakusiyi.
Dhuteronomi 31:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)