Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 31

31
Joshuwa anotora nzvimbo yaMosesi mukutungamirira vanhu
1Zvino Mosesi akaenderera mberi achitaura mazwi aya kuvaIsiraeri vose 2achiti, “Pari nhasi uno, ndava namakore zana namakumi maviri okuberekwa. Handichakwanisa kumhanya-mhanya nebasa. Tenziwo akanditi, ‘Iwe hauyambuke Jorodhani iyeyu.’ 3Tenzi Mwari wenyu pachake achakutungamirirai pakuyambuka. Ndiye achakuparadzirai ndudzi idzodzi kuti muvatorere nyika yavo. Joshuwa ndiye achakutungamirirai sokutaura kwakaita Tenzi. 4Tenzi achaita kwavari zviya zvaakaita kuna Sihoni naOgu madzimambo avaAmori nenyika yavo paakavaparadza. 5Tenzi achavaisa mumaoko enyu, saka imi itai kwavari zvose zvandakakuudzai kuti muite. 6Shingai, mutsunge mwoyo, murege kuvatya kana kuvadedera nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye ari kukuperekedzai, haambokufuratirai kana kukusiyai moga.”
7Mosesi akadaidza Joshuwa pamberi pevaIsiraeri vose akamutaurira achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe wava kuzoenda navanhu ava munyika yakatsidzirwa madzitateguru avo naTenzi kuti vapiwe. Ndiwe uchavabatsira kutora nyika kuti ive yavo. 8Tenzi ndiye achakutungamirira, achava newe, haazokufuratira kana kukusiya woga. Usatye kana kuzeza.”
Mutemo ngauverengwe pakupera koga koga kwamakore manomwe
9Mosesi akanyora mutemo uyu akaupa vapristi, vaRevhi, vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, navakuru vakuru vavaIsiraeri. 10Mosesi akavati, “Pakupera koga koga kwamakore manomwe, panguva yakatemwa yegore rerusununguko pamazuva makuru amatumba, 11panounganidzana vaIsiraeri vose pana Tenzi Mwari wenyu panzvimbo ichasarudzwa naTenzi, unofanira kuverengera vaIsiraeri vose mutemo uyu vachinzwa. 12Unganidza vanhu varume navakadzi navana navatorwa vaunenge unavo mumaguta ako kuti vanzwe, vadzidze kuremekedza Tenzi Mwari wenyu, nokunyatsochengeta zvinorehwa nomutemo uyu. 13Uyewo kuti vana vavo vasingauzivi vaunzwe, vadzidzewo kuremekedza Tenzi Mwari wenyu mazuva ose amuchagara munyika yamuri kuyambukira kundotora kuti ive yenyu kumhiri kwaJorodhani.”
Tenzi anorayira Mosesi kwokupedzisira
14Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chitarisa uone kuti mazuva ako okuti uchifa ava kusvika. Chidaidza Joshuwa muende kutendhe rokusanganira kuti ndimuturire basa.” Mosesi naJoshuwa vakaenda kutendhe rokusanganira. 15Ipapo Tenzi akazviratidza mushongwe yegore mutendhe iroro. Shongwe yegore iyoyo yakandomira kumusuo wetendhe.
16Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chinzwa, nguva yako yokuti uchizorora namadzibaba ako, vachakabvu, yava padyo. Asi vanhu ava vachasara vopindwa nounzenza hwokundonamata vamwe vamwari venyika dziri kwavari kundogara mukati madzo. Vachasiyana neni vachityora chitenderano changu chandakaitirana navo. 17Pazuva iroro ndichavavirukira nehasha dzangu. Ndichavasiya ndovafuratira vagoparadzwa. Nhamo namatambudziko zvichavawira zvokuti vachati, ‘Hatina kuwirwa nenhamo idzi here pamusana pokuti Mwari wedu haachisiri pakati pedu?’ 18Asi ini pazuva iroro ndichanyatsokuvafuratira nokuda kwezvakaipa zvavanenge vaita zvokunamata vamwe vamwari.
19“Saka zvino chinyora rwiyo urwu, urwudzidzise vaIsiraeri, rugare ruri parurimi rwavo kuti ruve chapupu changu kuvaIsiraeri ivava. 20Ndinodaro nokuti kana ndavasvitsa munyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi yandakatsidzira madzibaba avo, vadya vakora vachapanduka votevera vamwe vamwari. Ndivo vavachashandira ini vachindishora zvavo, nokutyora chitenderano changu. 21Kana nhamo namatambudziko zvazovamomotera, rwiyo urwu rwuchamira sechapupu changu kwavari nokuti haruzombobva parurimi rwavana vavo. Ndiri kuziva zvangu zvavari kuronga kuita, izvozvi, ndisati ndavayambutsira munyika yandakavatsidzira.”
22Saka Mosesi akanyora rwiyo urwu pazuva rakarero akarudzidzisa vaIsiraeri.
23Ipapo Tenzi akaudza Joshuwa mwana waNuni achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe uchasvitsa vaIsiraeri munyika yandakavatsidzira. Ini ndichava newe.”
24Kuzoti Mosesi anyatsopedza kunyora bumbiro rose mutemo uyu mubhuku, 25akataurira vaRevhi vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi achiti, 26“Torai bhuku romutemo iri muriise parutivi pebhokisi rechitenderano kuti rigarepo sechapupu kwamuri. 27Ndinodaro nokuti ndinoziva umhandupandu hwenyu, noundambakuudzwa hwenyu. Zvamakatopandukira Tenzi ndichiri mupenyu nemi kudai kokutozoti ndafa! 28Ndiunganidzirei vakuru vakuru vose vamadzinza enyu, nemakurukota enyu kuti ndivaudze mashoko iwaya vachizvinzwira, ndiite kuti denga nenyika zvive chapupu changu kwavari. 29Ndinozviziva ini kuti kana ndafa muchasara zvenyu moipa zvokuipa zviya, muchitsauka munzira yandakakuudzai. Asi pamazuva achauya nhamo dzichakuwirai nokuti munenge maita zvakaipa kuna Tenzi muchimushatirisa netwamunobata namaoko enyu.”
Rwiyo rwaMosesi
30Mosesi akadetemba mazwi erwiyo urwu kusvikira apedza, gungano rose revaIsiraeri richizvinzwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 31: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda