Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 31

31
Joshua unofanira kuteʋera Mosesi.
1Ɀino Mosesi akaenda kundotaura mashoko awa kuʋaIsraeri ʋose, 2akati kwaʋari: Ndaʋa namakore anezana namakumi maʋiri nhasi, handicagoni kuɓuɗa nokupinda; ɀino Jehova wakati kwandiri: Iwe hauŋgayambuki Joridani urwu. 3Jehova Mŋari wako ndiye ucakutuŋgamirira pakuyambuka; iye ucaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzicaʋa dzako; Joshua ndiye ucakutuŋgamirira pakuyambuka, seɀakataurwa naJehova. 4Jehova ucaʋaitira iʋo seɀaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo aʋaAmori, nenyika yaʋo, ʋaakaparadza. 5Jehova ucaʋaisa mumaʋoko enyu, nemi munofanira kuʋaitira ɀose seɀandakakurairai. 6Simbai, mutsuŋge mŋoyo, musatya kana kuvunduswa naʋo; nokuti Jehova Mŋari wako ndiye unoenda newe, haaŋgakuregi, haaŋgakusiyi. 7Ɀino Mosesi akaɗana Joshua, akati kwaari pamberi paʋaIsraeri ʋose: Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti iwe ucaenda naʋanhu aʋa panyika yakapikirwa madziɓaɓa aʋo naJehova, kuti ucaʋapa iyo; iwe ucaʋagarisa nhaka iyo. 8Jehova ndiye unokutuŋgamirira, iye ucaʋa newe, haaŋgakuregi, haaŋgakusiyi; usatya kana kuvunduswa.
Murairo unofanira kurabga kana makore manomŋe apera.
9Ɀino Mosesi akanyora murairo uyu, akaupa ʋaprista naʋana ʋaRevi, ʋaitakura areka yesuŋgano yaJehova, naʋakuru ʋose ʋaIsraeri. 10Mosesi akaʋaraira, akati: Ŋguʋa dzose pakupera kwamakore manomŋe, paŋguʋa yakatarwa pagore resunuŋguro, pamutambo wemisasa, 11kana ʋaIsraeri ʋose ʋaʋuya kuɀiratidza pamberi paJehova Mŋari wako panɀimbo icatsaurwa naye, unofanira kuraʋa murairo uyu pamberi paʋaIsraeri ʋose, ʋaunzwe. 12Ʋuŋganidza ʋanhu, ʋarume naʋakadzi, nepxere, naʋatorwa ʋako ʋari pakati pamasuʋo ako, kuti ʋanzwe, ʋadzidze, ʋatye Jehova Mŋari wenyu, ʋacenjere kuita mashoko ose omurairo uyu; 13ʋuye kuti ʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi ʋanzwe, ʋadzidze kutya Jehova Mŋari wenyu, ŋguʋa yose yamucazogara panyika yamunoyambuka Joridani kwairi, kuti iʋe yenyu.
ƲaIsraeri ʋacatsauka panzira dzaJehova.
14Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tarira, mazuʋa okufa kwako asweɗera; ɗana Joshua mundomira mutente rokusoŋgana, kuti ndimuraire iye. Mosesi naJoshua ʋakandomira mutente rokusoŋgana. 15Jehova akaɀiratidza muTente mushoŋgwe yegore, shoŋgwe yegore ikamira pamsoro pomukoʋa weTente. 16Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, iwe ucaʋata namadziɓaɓa ako; ɀino ʋanhu aʋa ʋacasimuka ndokupata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋatorwa ʋenyika, kwaʋanondogara pakati paʋo; ʋacandisiya, nokuputsa suŋgano yandakaita naʋo. 17Ɀino kutsamŋa kwaŋgu kucaʋamukira neŋguʋa iyo, ndicaʋasiya nokuʋaʋanzira ciso caŋgu, ʋacaparadzwa, neɀakaipa ɀizhinji nenhamo zhinji ɀicaʋawira; naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋacati: Ko ɀinhu ɀakaipa iɀi haɀina‐kutiwira nokuti Mŋari weɗu haazi pakati peɗu here? 18Neŋguʋa iyo ndicaʋanza ciso caŋgu nokuɗa kweɀakaipa ɀose ɀaʋakaita pakutsaukira kwaʋo kunaʋamŋe ʋamŋari. 19Naiɀoɀo ɀino munofanira kuɀinyorera rwiyo urwu, ugorudzidzisa ʋana ʋaIsraeri; uruise mumiromo yaʋo, kuti rwiyo urwu rundipupurire kuʋana ʋaIsraeri. 20Nokuti kana ndaʋapinza panyika yandakapikira madziɓaɓa aʋo, iyo inoyerera mukaka noʋuci, iʋo ʋakadya, ʋakaguta, ʋakakora, ipapo ʋacatsaukira kunaʋamŋe ʋamŋari nokuʋashumira, ʋakandiɀidza ini, nokuputsa suŋgano yaŋgu. 21Ɀino kana ɀakaipa ɀizhinji nenhamo zhinji ɀikaʋawira, rwiyo urwu rucaʋa capupu kupupura pamberi paʋo; nokuti haruŋgakaŋganikwi pamiromo yaʋana ʋaʋo, nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzaʋanoruka nhasi, ndicigere kuʋapinza panyika yandakaʋapikira. 22Naiɀoɀo Mosesi wakanyora rwiyo urwu nomusi iwoyo, akarudzidzisa ʋana ʋaIsraeri. 23Akaraira Joshua, mŋanakomana waNuni, akati: Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti iwe ucapinza ʋana ʋaIsraeri panyika yandakaʋapikira; neni ndicaʋa newe.
24Ɀino Mosesi wakati apedza kunyora mashoko omurairo uyu mubuku, kuȿikira apera, 25Mosesi akaraira ʋaRevi, ʋaitakura areka yesuŋgano yaJehova, akati: 26Torai buku iyi yomurairo, muiise parutiʋi rweareka yesuŋgano yaJehova Mŋari wenyu, kuti ikupupurire’po. 27Nokuti ndinoziʋa kusanzwa nokusaterera kwenyu; tarirai, ini ndiciri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehova; hamucanyanyisi here kana ndafa? 28Ʋuŋganidzai kwandiri ʋakuru ʋose ʋamarudzi enyu, naʋatariri ʋenyu, kuti ʋanzwe ndicitaura mashoko awa nokuɗana ɗeŋga napasi ɀiʋapupurire. 29Nokuti ndinoziʋa kuti kana ndafa mucaɀishatsa kwaɀo, nokutsauka panzira yandakakurairai; ɀakaipa ɀicakuwirai pamazuʋa okupedzisira, nokuti makaita ɀakaipa pamberi paJehova, mucimutsamŋisa namaɓasa amaʋoko enyu.
30Ɀino Mosesi akataura mashoko orwiyo urwu, kuȿikira apera, ʋuŋgano yose iciɀinzwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 31: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda