Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 30

30
Kana ʋaciterera ʋacanzwirwa tsitsi.
1Ɀino kana ɀinhu iɀi ɀose ɀicikuwira, iko kuropafadzwa nokutukwa, kwandakaisa pamberi pako, ukaɀiraŋgarira pakati pendudzi dzose, pawakadziŋgirwa naJehova Mŋari wako, 2ukadzokera kunaJehova Mŋari wako, ukaterera inzwi rake, seɀandinokuraira ɀose nhasi, iwe naʋana ʋako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose; 3ipapo Jehova Mŋari wako ucashandura kutapxa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuʋuŋganidza ɀe pandudzi dzose, kwaakakurashanyira kwadziri, iye Jehova Mŋari wako. 4Kunyaŋge ʋamŋe ʋenyu ʋakaŋga ʋadziŋgirwa kumagumisiro okuɗeŋga, Jehova Mŋari wako ucakuʋuŋganidza’po, ucandokutora’po; 5Jehova Mŋari wako ucakuʋuyisa munyika, yakaŋga iri yamadziɓaɓa ako, kuti iʋe yako; ucakuitira ɀakanaka, nokukuwanza kupfuʋura madziɓaɓa ako. 6Jehova Mŋari wako ucadziŋgisa mŋoyo wako, nemŋoyo yaʋana ʋako, kuti uɗe Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, kuti urarame. 7Jehova Mŋari wako ucatuka ʋaʋeŋgi ʋako nokutuka uku kwose, naʋose ʋanokuʋeŋga ʋanokutambudza. 8Ɀino iwe ucadzoka nokuterera inzwi raJehova, nokuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi. 9Jehova Mŋari wako ucawanza ɀinoɓatwa namaʋoko ako, neɀiɓereko ɀomuʋiri wako, neɀiɓereko ɀeŋombe dzako, neɀiɓereko ɀevu rako, kuti ɀifare; nokuti Jehova ucakufarira ɀe ɀakanaka, seɀaakafarira madziɓaɓa ako; 10kana uciterera inzwi raJehova Mŋari wako, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema, ɀakanyorwa mubuku iyi yomurairo; kana ukadzokera kunaJehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose nomŋeya wako wose.
11Nokuti murairo uyu wandinokuraira nhasi hauŋgakuremeri ɀikuru, ʋuye hauzi kure. 12Hauzi kuɗeŋga, kuti uti: Ndianiko ucatikwirira kuɗeŋga, kundotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, kuti tiuite? 13Hauzi mhiri kweguŋgwa, kuti uti: Ndianiko ucatiyambukira mhiri kweguŋgwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite? 14Asi shoko riri pedyo kwaɀo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako, kuti uriite.
15Tarira ndaisa pamberi pako nhasi ʋupenyu neɀakanaka, norufu neɀakaipa. 16Ɀandinokuraira nhasi ndiɀo, kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema neɀaakatoŋga, kuti urarame, uwande, ʋuye kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti iʋe yako. 17Asi kana mŋoyo wako ukatsauka, ukaramba kuterera, ukatsauswa kunamata ʋamŋe ʋamŋari nokuʋashumira, 18ndinokuʋudzai nhasi, kuti mucaparadzwa ɀirokwaɀo; hamuŋgaʋi namazuʋa mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti iʋe yako. 19Ndinoɗana kuɗeŋga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako ʋupenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naiɀoɀo tsaura ʋupenyu, kuti urarame, iwe naʋana ʋako; 20kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokuterera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndibgo ʋupenyu bgako, nokuwanzwa kwamazuʋa ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehova madziɓaɓa ako, Abrahama naIsaka naJakobo, kuti ucaʋapa iyo.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 30: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda