Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 31:4-6

Dhuteronomi 31:4-6 BDSC

Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo. Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai. Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.”