Dhuteronomi 30:2-3
Dhuteronomi 30:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye kana iwe navana vako ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako ukamutereera nomwoyo wako wose nomweya wako wose maererano nezvose zvandakurayirai nhasi, ipapo Jehovha Mwari wenyu achakudzorerai pfuma yenyu agokunzwirai tsitsi nokukuunganidzai kubva kundudzi dzose kwaakakuparadzirai.
Dhuteronomi 30:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera izwi rake, sezvandinokuraira zvose nhasi, iwe navana vako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose; ipapo Jehovha Mwari wako uchashandura kutapwa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuunganidzazve pandudzi dzose, kwaakakurashanyira kwadziri, iye Jehovha Mwari wako.
Dhuteronomi 30:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ukadzokera kuna Tenzi Mwari wako, iwe navana vako mukamuteerera mochengeta zvose zvandiri kukuudzai nhasi uno nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose, ipapo Tenzi Mwari wenyu achashandura nhamo yenyu youtapwa, achakunzwirai tsitsi agokukokorodzai zvakare kubva kumarudzi avanhu ose kwamakamboparadzirwa naTenzi Mwari wenyu.
Dhuteronomi 30:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ukadzokera kunaJehova Mŋari wako, ukaterera inzwi rake, seɀandinokuraira ɀose nhasi, iwe naʋana ʋako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose; ipapo Jehova Mŋari wako ucashandura kutapxa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuʋuŋganidza ɀe pandudzi dzose, kwaakakurashanyira kwadziri, iye Jehova Mŋari wako.
Dhuteronomi 30:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)