Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 30

30
Kana vachiteerera vachanzwirwa tsitsi
1“Zvino kana zvinhu izvi zvose zvichikuwira, iko kuropafadzwa nokutukwa, kwandakaisa pamberi pako, ukazvirangarira pakati pendudzi dzose, pawakadzingirwa naJehovha Mwari wako, 2ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera izwi rake, sezvandinokuraira zvose nhasi, iwe navana vako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose; 3ipapo Jehovha Mwari wako uchashandura kutapwa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuunganidzazve pandudzi dzose, kwaakakurashanyira kwadziri, iye Jehovha Mwari wako. 4Kunyange vamwe venyu vakanga vadzingirwa kumagumisiro okudenga, Jehovha Mwari wako uchakuunganidzapo, uchandokutorapo; 5Jehovha Mwari wako uchakuuyisa munyika, yakanga iri yamadzibaba ako, kuti ive yako; uchakuitira zvakanaka, nokukuwanza kupfuura madzibaba ako. 6Jehovha Mwari wako uchadzingisa mwoyo wako, nemwoyo yavana vako, kuti ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, kuti urarame. 7Jehovha Mwari wako uchatuka vavengi vako nokutuka uku kwose, navose vanokuvenga vanokutambudza. 8Zvino iwe uchadzoka nokuteerera izwi raJehovha, nokuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi. 9Jehovha Mwari wako uchawanza zvinobatwa namaoko ako, nezvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kuti zvifare; nokuti Jehovha uchakufarirazve zvakanaka, sezvaakafarira madzibaba ako; 10kana uchiteerera izwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro; kana ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
11“Nokuti murayiro uyu wandinokuraira nhasi haungakuremeri zvikuru, uye hauzi kure. 12Hauzi kudenga, kuti uti, ‘Ndianiko uchatikwirira kudenga, kundotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, kuti tiuite?’ 13Hauzi mhiri kwegungwa, kuti uti, ‘Ndianiko uchatiyambukira mhiri kwegungwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite?’ 14Asi shoko riri pedyo kwazvo newe, mumuromo mako, nomumwoyo mako, kuti uriite.
15“Tarira ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa. 16Zvandinokuraira nhasi ndizvo, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema nezvaakatonga, kuti urarame, uwande, uye kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti ive yako. 17Asi kana mwoyo wako ukatsauka, ukaramba kuteerera, ukatsauswa kunamata vamwe vamwari nokuvashumira, 18ndinokuudzai nhasi, kuti muchaparadzwa zvirokwazvo; hamungavi namazuva mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti ive yako. 19Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; 20kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera izwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abhurahamu naIsaka naJakobho, kuti uchavapa iyo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Dhuteronomi 30: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda