Dhuteronomi 28:15-52
Dhuteronomi 28:15-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Asi kana mukarega kuzoteerera zvataurwa naTenzi Mwari wenyu, kana kuchengeta mitemo nemirao yandiri kukupai nhasi uno, rushambwa irworwu rwose ruchakutibikirai. “Muchawirwa norushambwa mumaguta enyu nomumaruwa enyu. “Muchawirwa norushambwa rwokushaya kana chokuisa mumatengu enyu kana mutsero dzenyu. “Muchava norushambwa rwokusava navana vakawanda, norwokuva nezvokukohwa zvishomashoma, uye mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu zvichange zviri zvishomanana. “Muchava nekashambwa kwokuti zvose zvamunoita hazvibudirire. “Tenzi achakupai rushambwa, achakuonesai ndondo achakutsiudzai pane zvose zvamuchaita kudzamara maparadzwa matsakatika pasina nenguva yose zvakonzerwa nezviito zvenyu zvakaipa zvamunenge maita muchindiramba. Tenzi achakutumirai denda richakurakatisai kusvikira mose mapera kuti dhu munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu. Tenzi achakurovai nedenda rechikosoro chorurindi neromuviri unopinda chando, namaronda anonyeka, nokupisa muviri nenhamo yokushaya mvura zvokuti mbesa dzenyu dzichaita zvikukuve dzichiita chakuvhuvhu nezuva. Zvichakunonoresai kudzamara mapera kuti nho-o. Denga richaramba kunaya serakadzivirirwa nendarira. Pasi paunotsika pachaomarara sesimbi. Panze pokuti Tenzi anayise mvura, jecha neguruva ndizvo zvichanaya. Zvichabva kudenga zvichikunaya kusvikira waparara. “Tenzi achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchavavinga nenzira imwechete makatungamidzana asi munozodzokako rava bararamhanya kuvatiza. Ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano dzichadedereswa nazvo. Zvitunha zvenyu zvichadyiwa neshiri dzedenga nezvikara zvesango pasina anozvidzinga. Tenzi achaita kuti uve nedenda ramamota aye okuIjipiti, muviri uchiva namaronda maronda nemhezi, muviri wose uchingova negwenyukwenyu risingarapike. Tenzi achakupa chirwere chokupenga nechoupofu nechokuzungaira. Sebofu rinofamba richiita zvokutsvanzvadzira murima, uchaita kufamba kwokutsvanzvadzira masikati machena. Hauzombobudiriri pane zvaunoita. Vanokukurira vachazogara vachikubata zvakaipa nokukupambira zvinhu zvako pasina anokununura. “Uchangoti roorei mukadzi wako, gombarume robva rarara zvaro naye. Uchavaka imba asi hauzogaramo. Ucharima munda wamagirepisi, asi haumboruma kana girepisi rayo. Mombe yako ichaurayiwa wakatarisa, asi nyama yacho haumboiisa kumuromo. Dhongi rako richapambwa mumaziso mako, usingazoridzoserwi. Hwai dzako dzichaiswa mumaoko mavavengi vako pasina anokununudzira. “Vana vako vakomana navasikana vachatapwa navanhu veimwe ndudzi, uchavatsvokorera meso zuva nezuva uchivatarisira kuti vachadzoka pasina chaunokwanisa kuita. Rudzi rwavanhu vausingazivi zvako, ndirwo ruchadya mbesa dzawakadikitira kurima. Vacharamba vachikutonga nechisimba chete zvokuti nhamo yauchaona nameso ako ichakupengesa. Tenzi achakupa rushambwa rwokuve namazironda pamabvi napamakumbo ako. Maronda acho enhuta asingarapiki anobvira pasi petsoka yako kusvikira panhongonya yomusoro wako. “Tenzi achaita kuti imi namambo wenyu wamunenge magadza kukutongai mutapwe norudzi rwavanhu vasingazikanwi nemi kana namadzibaba enyu. Ikoko muchandonamata vamwari vezvimiti navamabwe. Marudzi ekwauchange waendeswa achakatyamadzwa nazvo zvokuti uchava chinhu chinokatyamadza, chiseko zvacho netsumo yavo. “Uchadyara mbeu dzakawanda mumunda, asi zvokukohwa zvichava zvishomanana nokuti zvichapera kudyiwa nehwiza. Uchasima minda yamagirepisi ugobindikita kuichengetedza, asi hapana chaunotanhamo, kana kumbonwawo waini yomo nokuti zvose zvichapera kudyiwa namakonye. Uchava nemiti yemiorivhi munyika yako yose, asi hapana kana futa rayo rauchazora nokuti maorivhi acho achakurumuka. Uchabereka vana vakomana navasikana, asi hauzogari navo nokuti vachatapwa. Miti nemichero yomunyika mako ichava yehwiza. “Mutorwa wauchange ugere naye acharamba achingokwirira chete pamusoro pako iwe uchingoderera. Iye ndiye achatokukweretesa, asi iwe usingakwanise kumukweretesawo. Iye ndiye achava musoro, iwe uriwe muswe. “Rushambwa rwenhamo dzose idzi ruchakuwira rwugoramba rwakangoti nama nama newe kudzamara wakwana narwo rwakuparadza nokuti unenge usina kuteerera zvakarehwa naTenzi Mwari wako, usina kuchengeta mitemo nemirao yake yaakakuudza. Izvozvi izvi zvichava chiratidzo nezvinhu zvichakushamisa iwe navana vako. Pamusana pokuti unenge usina kushandira Tenzi Mwari wako norufaro nomwoyo wakasununguka panguva yaunenge uchakapfuma, nokudaro uchashandira vavengi vako, vachakuvinga vatumwa naTenzi iwe uine nzara nenyota, usina zvokupfeka zvakakwana, zvinhu zvose zvichingova zvenhamonhamo kwauri vachizokuisa joko resimbi pamutsipa wako kudzamara vakuparadza. Tenzi achatuma rudzi rwavanhu vanobva kure, pasi kwenyika; uchaerekana wavhungwa sezvinoita gondo rodo kubata huku. Vachange vari rudzi rwavanhu vane mutauro wamusinganzwi, rudzi rune zviso zvinodederesa rusina zviya zvokunyara vakura kana kunzwira vana vaduku tsitsi. Vachadya mhuru dzezvipfuwo zvako, nembesa dzomumunda wako kusvikira vakurozva. Havambokusiyiri kana tsanga yembesanwa zvayo kana kukusiyira waini kana mafuta eorivhi, kana mwana zvake wezvimwe zvipfuwo zvako, kana kachipfuwo kako zvako kudzamara vakutsakatisa. Vachakukombai mumaguta enyu kudzamara nhungamakore dzetsvingo dzawo dzamunovimba nadzo dzakoromoka munyika yenyu yose. Vachakomba maguta enyu ose omunyika yenyu yose yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu.
Dhuteronomi 28:15-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi, kana usingateereri Jehovha Mwari wako uye usingachenjereri kutevera mirayiro yake yose nemitemo yandinokupa nhasi, kutukwa kwose uku kuchava pamusoro pako, uchakundwa nako: Uchatukwa muguta uye uchatukwa mumunda. Dengu rako nomudziyo wako wokukanyira chingwa zvichatukwa. Chibereko chomuviri wako chichatukwa, uye zvirimwa zvevhu rako, nemhuru dzemhou dzako namakwayana amakwai ako. Uchatukwa kana uchipinda uye uchatukwa kana uchibuda. Jehovha achatuma kutukwa pamusoro pako, nokunyonganiswa uye nokurangwa pazvinhu zvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa uye kusvikira waparara nokukurumidza nokuda kwezvakaipa zvawakaita zvokumuramba. Jehovha achakurova nedenda nezvirwere kusvikira akuparadza kubva panyika yauri kupinda kuti uitore. Jehovha achakurova nechirwere chinoondesa, nefivha nokupisa kwomuviri, nokupisa kukuru, nokusanaya kwemvura nenyunje, nokuvhuvha, uye zvichakutevera kusvikira waparara. Denga riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare. Jehovha achashandura mvura yenyika yako ikava guruva nemhukuta; richanaya kubva kudenga kusvikira waparadzwa. Jehovha achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchauya nenzira imwe chete kuzorwa navo asi mugotiza pamberi pavo nenzira nomwe, uye muchava chinhu chinotyisa kumarudzi ose apanyika. Zvitunha zvenyu zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nezvikara zvenyika, uye hapana achazvidzinga. Jehovha achakurovai namamota eIjipiti uye namaronda, nemhezi nokuswinya zvicharamba kupora. Jehovha achakurovai nokupenga, upofu nokunyonganiswa kwepfungwa. Panguva yamasikati uchatsvanzvadzira sebofu murima. Haungabudiriri pane zvose zvauchaita; zuva nezuva uchamanikidzwa uye uchabirwa pasina anokununura. Uchatsidzirana nomukadzi kuti umuwane, asi mumwe murume achamuwana agovata naye. Uchavaka imba asi haungagarimo. Uchasima munda womuzambiringa asi haungatongotangi kana kudya michero yawo. Nzombe yako ichaurayiwa pamberi pako, asi haungadyi nyama yacho. Mbongoro yako ichatorwa nechisimba kubva kwauri uye haizodzorerwi. Makwai ako achapiwa kuvavengi vako, uye hapana achaanunura. Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa kuno rumwe rudzi, uye meso ako achaneta nokuvatsvaka zuva nezuva, usisina kana simba rokusimudza ruoko. Rudzi rwausingazivi ruchadya zvibereko zvevhu rako nesimba rako, uye uchava nokumanikidzwa kuno utsinye mazuva ose. Zvauchaona zvichakupengesa. Jehovha achakurova mumabvi nomumakumbo namamota anorwadza asingarapiki, achibva pasi petsoka dzako kusvikira pamusoro pomusoro wako. Jehovha achakudzingirai, imi namambo wamakagadza kuti akutongei, kunyika yamusingazivi imi kana madzibaba enyu, ikoko muchandonamata vamwe vamwari, vamwari vamatanda namabwe. Muchava chinhu chinotyisa, chinhu chinotukwa uye chinozvidzwa kundudzi dzose kwamuchadzingirwa naJehovha. Uchadyara mbeu yakawanda mumunda mako asi uchakohwa zvishoma, nokuti zvichaparadzwa nemhashu. Ucharima minda yemizambiringa ugoitimbira, asi haunganwi waini yacho kana kutanha mazambiringa acho, nokuti achadyiwa namakonye. Muchava nemiti yemiorivhi munyika yenyu yose asi haungashandisi mafuta acho, nokuti miorivhi yako ichazuka. Uchabereka vanakomana navanasikana asi haungavachengeti, nokuti vachaenda kuutapwa. Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvose zvichadyiwa nemhashu. Mutorwa anogara pakati penyu acharamba achibudirira kupfuura iwe, asi iwe ucharamba uchidzikira pasi pasi. Achakukweretesa, asi iwe haungamukweretesi. Achava musoro asi iwe uchava muswe. Kutukwa kwose uku kuchauya pamusoro pako. Vachakutevera vagokubata kusvikira vakuparadza, nokuti hauna kuteerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro nemitemo yake yaakakupa. Ivo vachava chiratidzo nechishamiso kwamuri uye nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. Nokuti hamuna kushumira Jehovha Mwari wenyu nomufaro nokupembera panguva yokubudirira, naizvozvo munzara nenyota, mukushama nomuurombo hwakaipisisa, muchashandira vavengi vakatumwa naJehovha kuzokurwisai. Achaisa joko resimbi pamutsipa wako kusvikira akuparadza. Jehovha achauyisa rudzi kubva kure kuzokurwisai, kubva kumigumo yenyika, segondo rinobhururuka, rudzi rune mutauro wamusinganzwisisi, rudzi runotyisa kutarisa rusingakudzi vatana kana kunzwira tsitsi vaduku. Vachaparadza zvibereko zvezvipfuwo zvenyu nezvirimwa zveminda yenyu kusvikira maparadzwa. Havangakusiyirei zviyo, waini itsva kana mafuta, kunyange mhuru dzemhou dzenyu kana makwayana amakwai enyu kusvikira maparadzwa. Vachakomba maguta ose munyika yenyu yose kusvikira masvingo marefu amunovimba nawo awira pasi. Vachakomba maguta ose ari munyika yenyu yose yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.
Dhuteronomi 28:15-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi kana uchiramba kuteerera izwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako. Uchatukwa muguta, uchatukwa mumunda. “Dengu rako richatukwa, nomudziyo wako wokukanyira chingwa. “Zvibereko zvomuviri wako zvichatukwa, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako. Uchatukwa kana uchipinda, uchatukwa kana uchibuda. Jehovha uchatuma pamusoro pako kutukwa, nokunyonganiswa, nokurangwa, pazvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa, uye kusvikira wakurumidza kupera, nokuda kwezvakaipa zvaunoita, zvawakandisiya nazvo. Jehovha uchakunamatidza denda, kusvikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti ive yako. Jehovha uchakurova norukosoro, nefivhiri, nokupisa kwomuviri, nokuvaviswa kwazvo, uye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvhuvha; izvo zvichakuteverera kusvikira waparadzwa. Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare. Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa. “Jehovha uchatendera kuti ukundwe navavengi vako; uchabuda kundorwa navo nenzira imwe, uchatiza pamberi pavo nenzira nomwe; uchava chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika. Zvitunha zvako zvichava zvokudya zveshiri dzose dzokudenga nezvikara zvenyika, kusina munhu unozvidzinga. Jehovha uchakurova namamota eIjipiti, namaronda, nemhizi, nokufunuka, zvicharamba kupora. Jehovha uchakurova nokupenga, noupofu, uye nokukanganiswa kwomwoyo; uchatsvangadzira masikati, sebofu rinotsvangadzira murima, haungafari panzira dzako; ucharemedzwa nokubirwa nguva dzose, hakungavi nomunhu unokurwira. Uchanyenga mukadzi, asi mumwe murume uchavata naye; uchavaka dzimba, asi haungagarimo; ucharima munda wemizambiringa, asi haungadyi michero yayo. Mombe yako ichabayiwa uchizviona, asi haungaidyi; mbongoro yako ichatorwa nesimba uchizviona, asi haingadzoserwi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, haungawani unokurwira. Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa rumwe rudzi; meso ako achatarira, ukaneta kuvashuva zuva rose; asi uchashaiwa simba paruoko rwako. Zvibereko zvevhu rako, nezvamabasa ako, zvichadyiwa norudzi rwausingazivi; uchangoremedzwa nokutambudzwa nguva dzose. Uchapengeswa nezvauchaona nameso ako. Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako. Jehovha uchakuisa iwe namambo wako wauchazvitsaurira kurudzi rwawakanga usingazivi iwe namadzibaba ako; zvino uchandoshumirapo vamwe vamwari vamatanda namabwe. Iwe uchaitwa chishamiso, neshumo, nechiseko, pakati pavanhu vose kwauchandoiswa naJehovha. “Uchatakurira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma; nokuti zvichapedzwa nemhashu. Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haunganwi waini yayo, kana kutanha mazambiringa; nokuti achadyiwa namakonye. Uchava nemiti yemiorivhi panyika yako yose, asi haungazori mafuta ayo, nokuti miorivhi yako ichazuka. Uchabereka vanakomana navanasikana, asi havangavi vako, nokuti vachatapwa. Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvichadyiwa nemhashu. “Mutorwa ugere pakati pako ucharamba achikwirira kupfuura iwe; iwe ucharamba uchiderera. Iye uchakupa chikwerete, asi iwe haungamupi chikwerete; iye uchava musoro, iwe uchava muswe. “Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira. Zvichava pamusoro pako napamusoro pavana vako, zvive zviratidzo nezvishamiso nokusingaperi; nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomwoyo unofara, nokuda kwokuwanda kwezvose. Naizvozvo uchafanira kubatira vavengi vako, vauchatumirwa naJehovha kuti urwe navo, uchinzwa nzara nenyota, uchishaiwa zvokufuka nezvose izvi; iye uchaisa joko redare pamutsipa wako, kusvikira akuparadza. Jehovha achauyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobhururuka, rudzi rwausinganzwisisi rurimi rwarwo; rudzi rune hasha, rusingarangariri vatana, kana kunzwira majaya tsitsi. Vachadya zvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kusvikira waparadzwa; havangakusiyiri zviyo, kana waini, kana mafuta, kana zvakaberekwa nemhou dzako, kana makwayana amakwai ako, kusvikira waparadzwa navo. Vachakukomba pamasuo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba awa ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako.
Dhuteronomi 28:15-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi kana mukarega kuzoteerera zvataurwa naTenzi Mwari wenyu, kana kuchengeta mitemo nemirao yandiri kukupai nhasi uno, rushambwa irworwu rwose ruchakutibikirai. “Muchawirwa norushambwa mumaguta enyu nomumaruwa enyu. “Muchawirwa norushambwa rwokushaya kana chokuisa mumatengu enyu kana mutsero dzenyu. “Muchava norushambwa rwokusava navana vakawanda, norwokuva nezvokukohwa zvishomashoma, uye mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu zvichange zviri zvishomanana. “Muchava nekashambwa kwokuti zvose zvamunoita hazvibudirire. “Tenzi achakupai rushambwa, achakuonesai ndondo achakutsiudzai pane zvose zvamuchaita kudzamara maparadzwa matsakatika pasina nenguva yose zvakonzerwa nezviito zvenyu zvakaipa zvamunenge maita muchindiramba. Tenzi achakutumirai denda richakurakatisai kusvikira mose mapera kuti dhu munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu. Tenzi achakurovai nedenda rechikosoro chorurindi neromuviri unopinda chando, namaronda anonyeka, nokupisa muviri nenhamo yokushaya mvura zvokuti mbesa dzenyu dzichaita zvikukuve dzichiita chakuvhuvhu nezuva. Zvichakunonoresai kudzamara mapera kuti nho-o. Denga richaramba kunaya serakadzivirirwa nendarira. Pasi paunotsika pachaomarara sesimbi. Panze pokuti Tenzi anayise mvura, jecha neguruva ndizvo zvichanaya. Zvichabva kudenga zvichikunaya kusvikira waparara. “Tenzi achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchavavinga nenzira imwechete makatungamidzana asi munozodzokako rava bararamhanya kuvatiza. Ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano dzichadedereswa nazvo. Zvitunha zvenyu zvichadyiwa neshiri dzedenga nezvikara zvesango pasina anozvidzinga. Tenzi achaita kuti uve nedenda ramamota aye okuIjipiti, muviri uchiva namaronda maronda nemhezi, muviri wose uchingova negwenyukwenyu risingarapike. Tenzi achakupa chirwere chokupenga nechoupofu nechokuzungaira. Sebofu rinofamba richiita zvokutsvanzvadzira murima, uchaita kufamba kwokutsvanzvadzira masikati machena. Hauzombobudiriri pane zvaunoita. Vanokukurira vachazogara vachikubata zvakaipa nokukupambira zvinhu zvako pasina anokununura. “Uchangoti roorei mukadzi wako, gombarume robva rarara zvaro naye. Uchavaka imba asi hauzogaramo. Ucharima munda wamagirepisi, asi haumboruma kana girepisi rayo. Mombe yako ichaurayiwa wakatarisa, asi nyama yacho haumboiisa kumuromo. Dhongi rako richapambwa mumaziso mako, usingazoridzoserwi. Hwai dzako dzichaiswa mumaoko mavavengi vako pasina anokununudzira. “Vana vako vakomana navasikana vachatapwa navanhu veimwe ndudzi, uchavatsvokorera meso zuva nezuva uchivatarisira kuti vachadzoka pasina chaunokwanisa kuita. Rudzi rwavanhu vausingazivi zvako, ndirwo ruchadya mbesa dzawakadikitira kurima. Vacharamba vachikutonga nechisimba chete zvokuti nhamo yauchaona nameso ako ichakupengesa. Tenzi achakupa rushambwa rwokuve namazironda pamabvi napamakumbo ako. Maronda acho enhuta asingarapiki anobvira pasi petsoka yako kusvikira panhongonya yomusoro wako. “Tenzi achaita kuti imi namambo wenyu wamunenge magadza kukutongai mutapwe norudzi rwavanhu vasingazikanwi nemi kana namadzibaba enyu. Ikoko muchandonamata vamwari vezvimiti navamabwe. Marudzi ekwauchange waendeswa achakatyamadzwa nazvo zvokuti uchava chinhu chinokatyamadza, chiseko zvacho netsumo yavo. “Uchadyara mbeu dzakawanda mumunda, asi zvokukohwa zvichava zvishomanana nokuti zvichapera kudyiwa nehwiza. Uchasima minda yamagirepisi ugobindikita kuichengetedza, asi hapana chaunotanhamo, kana kumbonwawo waini yomo nokuti zvose zvichapera kudyiwa namakonye. Uchava nemiti yemiorivhi munyika yako yose, asi hapana kana futa rayo rauchazora nokuti maorivhi acho achakurumuka. Uchabereka vana vakomana navasikana, asi hauzogari navo nokuti vachatapwa. Miti nemichero yomunyika mako ichava yehwiza. “Mutorwa wauchange ugere naye acharamba achingokwirira chete pamusoro pako iwe uchingoderera. Iye ndiye achatokukweretesa, asi iwe usingakwanise kumukweretesawo. Iye ndiye achava musoro, iwe uriwe muswe. “Rushambwa rwenhamo dzose idzi ruchakuwira rwugoramba rwakangoti nama nama newe kudzamara wakwana narwo rwakuparadza nokuti unenge usina kuteerera zvakarehwa naTenzi Mwari wako, usina kuchengeta mitemo nemirao yake yaakakuudza. Izvozvi izvi zvichava chiratidzo nezvinhu zvichakushamisa iwe navana vako. Pamusana pokuti unenge usina kushandira Tenzi Mwari wako norufaro nomwoyo wakasununguka panguva yaunenge uchakapfuma, nokudaro uchashandira vavengi vako, vachakuvinga vatumwa naTenzi iwe uine nzara nenyota, usina zvokupfeka zvakakwana, zvinhu zvose zvichingova zvenhamonhamo kwauri vachizokuisa joko resimbi pamutsipa wako kudzamara vakuparadza. Tenzi achatuma rudzi rwavanhu vanobva kure, pasi kwenyika; uchaerekana wavhungwa sezvinoita gondo rodo kubata huku. Vachange vari rudzi rwavanhu vane mutauro wamusinganzwi, rudzi rune zviso zvinodederesa rusina zviya zvokunyara vakura kana kunzwira vana vaduku tsitsi. Vachadya mhuru dzezvipfuwo zvako, nembesa dzomumunda wako kusvikira vakurozva. Havambokusiyiri kana tsanga yembesanwa zvayo kana kukusiyira waini kana mafuta eorivhi, kana mwana zvake wezvimwe zvipfuwo zvako, kana kachipfuwo kako zvako kudzamara vakutsakatisa. Vachakukombai mumaguta enyu kudzamara nhungamakore dzetsvingo dzawo dzamunovimba nadzo dzakoromoka munyika yenyu yose. Vachakomba maguta enyu ose omunyika yenyu yose yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu.
Dhuteronomi 28:15-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana uciramba kuterera inzwi raJehova Mŋari wako kuti ucenjere kuita mirairo yake yose, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kucaitika kwauri, ucateʋererwa nako. Ucatukwa muguta, ucatukwa mumunda. Ƌeŋgu rako ricatukwa, nomudziyo wako wokukanyira ciŋgwa. Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako ɀicatukwa, neɀiɓereko ɀevu rako, neɀiɓereko ɀemhou dzako, namakwaiana amakwai ako. Ucatukwa kana ucipinda, ucatukwa kana uciɓuɗa. Jehova ucatuma pamsoro pako kutukwa, nokunyoŋganiswa, nokuraŋgwa, paɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako, kuȿikira waparadzwa, ʋuye kuȿikira wakurumidza kupera, nokuɗa kweɀakaipa ɀaunoita, ɀawakandisiya naɀo. Jehova ucakunamatidza ɗenda, kuȿikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti iʋe yako. Jehova ucakuroʋa norukosoro, nefiviri, nokupisa kwomuʋiri, nokuʋaʋiswa kwaɀo, ʋuye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvuva; iɀo ɀicakuteʋerera kuȿikira waparadzwa. Ƌeŋga rako riri pamsoro pako ricaita sendarira, nenyika iri pasi pako seɗare. Jehova ucashandura mvura yenyika yako iʋe ɓukuta neguruʋa; ɀicaɓurukira pamsoro pako ɀicibva kuɗeŋga, kuȿikira waparadzwa. Jehova ucatendera kuti ukundwe naʋaʋeŋgi ʋako; ucaɓuɗa kundorwa naʋo nenzira imŋe, ucatiza pamberi paʋo nenzira nomŋe; ucaʋa cinhu cinotyisa pakati poʋushe bgose bgenyika. Ɀitunha ɀako ɀicaʋa ɀokudya ɀeshiri dzose dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika, kusinomunhu unoɀidziŋga. Jehova ucakuroʋa namamota eEgipita, namaronda, nemhizi, nokufunuka, ɀicaramba kupora. Jehova ucakuroʋa nokupeŋga, noʋupofu, ʋuye nokukaŋganiswa kwomŋoyo; ucatȿaŋgadzira masikati, seɓofu rinotȿaŋgadzira murima, hauŋgafari panzira dzako; ucaremedzwa nokuɓirwa ŋguʋa dzose, hakuŋgaʋi nomunhu unokurwira. Ucanyeŋga mukadzi, asi mumŋe murume ucaʋata naye; ucaʋaka dzimba, asi hauŋgagari’mo; ucarima munda wemizambiriŋga, asi hauŋgaŋgadyi micero yayo. Ŋombe yako icaɓayiwa uciɀiʋona, asi hauŋgaidyi; mboŋgoro yako icatorwa nesimba uciɀiʋona, asi haiŋgadzoserwi kwauri; makwai ako acapiwa ʋaʋeŋgi ʋako, hauŋgawani unokurwira. Ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako ʋacapiwa rumŋe rudzi; meso ako acatarira, ukaneta kuʋashuʋa zuʋa rose; asi ucashaiwa simba paruʋoko rwako. Ɀiɓereko ɀevu rako, neɀamaɓasa ako, ɀicadyiwa norudzi rwausiŋgaziʋi; ucaŋgoremedzwa nokutambudzwa ŋguʋa dzose. Ucapeŋgeswa neɀaucaʋona nameso ako. Jehova ucakuroʋa pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acaramba kupora, kubva parutsoka kuȿikira pamsoro pomusoro wako. Jehova ucakuisa iwe namambo wako waucaɀitsaurira kurudzi rwawakaŋga usiŋgaziʋi iwe namadziɓaɓa ako; ɀino ucandoshumira’po ʋamŋe ʋamŋari ʋamatanda namabge. Iwe ucaitwa cishamiso, neshumo, neciseko, pakati paʋanhu ʋose kwaucandoiswa naJehova. Ucatakurira mbeu zhinji kumunda, asi ucaʋuŋganidza ɀishoma; nokuti ɀicapedzwa nemhashu. Ucarima minda yemizambiriŋga nokuigadzira, asi hauŋganwi waini yayo, kana kutanha mazambiriŋga; nokuti acadyiwa namakonye. Ucaʋa nemiti yemiorivi panyika yako yose, asi hauŋgazori mafuta ayo, nokuti miorivi yako icazuka. Ucaɓereka ʋanakomana naʋanasikana, asi haʋaŋgaʋi ʋako, nokuti ʋacatapxa. Miti yako yose neɀiɓereko ɀevu rako ɀicadyiwa nemhashu. Mutorwa ugere pakati pako ucaramba acikwirira kupfuʋura iwe; iwe ucaramba uciɗerera. Iye ucakupa cikwerete, asi iwe hauŋgamupi cikwerete; iye ucaʋa musoro, iwe ucaʋa muswe. Kutukwa uku kwose kucaitika kwauri, nokukuteʋera, nokukuɓata, kuȿikira waparadzwa; nokuti hauna‐kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, nokuceŋgeta mirairo yake naɀaakatema, ɀaakakuraira. Ɀicaʋa pamsoro pako napamsoro paʋana ʋako, ɀiʋe ɀiratidzo neɀishamiso nokusiŋgaperi; nokuti hauna‐kushumira Jehova Mŋari wako nomufaro, nomŋoyo unofara, nokuɗa kwokuwanda kweɀose. Naiɀoɀo ucafanira kuɓatira ʋaʋeŋgi ʋako, ʋaucatumirwa naJehova kuti urwe naʋo, ucinzwa nzara, nenyota, ucishaiwa ɀokufuka neɀose iɀi; iye ucaisa joko reɗare pamutsipa wako, kuȿikira akuparadza. Jehova ucaʋuyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobururuka, rudzi rwausiŋganzwisisi rurimi rwarwo; rudzi runehasha, rusiŋgaraŋgariri ʋatana, kana kunzwira majaya tsitsi. Ʋacadya ɀiɓereko ɀeŋombe dzako, neɀiɓereko ɀevu rako, kuȿikira waparadzwa; haʋaŋgakusiyiri ɀiyo, kana waini, kana mafuta, kana ɀakaɓerekwa nemhou dzako, kana makwaiana amakwai ako, kuȿikira waparadzwa naʋo. Ʋacakukomba pamasuʋo ako ose, kuȿikira maȿiŋgo ako marefu anesimba awa ose, awakatenda munyika yako yose; ʋacakukomba pamasuʋo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehova Mŋari wako.