Asi kana uciramba kuterera inzwi raJehova Mŋari wako kuti ucenjere kuita mirairo yake yose, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kucaitika kwauri, ucateʋererwa nako. Ucatukwa muguta, ucatukwa mumunda. Ƌeŋgu rako ricatukwa, nomudziyo wako wokukanyira ciŋgwa. Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako ɀicatukwa, neɀiɓereko ɀevu rako, neɀiɓereko ɀemhou dzako, namakwaiana amakwai ako. Ucatukwa kana ucipinda, ucatukwa kana uciɓuɗa. Jehova ucatuma pamsoro pako kutukwa, nokunyoŋganiswa, nokuraŋgwa, paɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako, kuȿikira waparadzwa, ʋuye kuȿikira wakurumidza kupera, nokuɗa kweɀakaipa ɀaunoita, ɀawakandisiya naɀo. Jehova ucakunamatidza ɗenda, kuȿikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti iʋe yako. Jehova ucakuroʋa norukosoro, nefiviri, nokupisa kwomuʋiri, nokuʋaʋiswa kwaɀo, ʋuye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvuva; iɀo ɀicakuteʋerera kuȿikira waparadzwa. Ƌeŋga rako riri pamsoro pako ricaita sendarira, nenyika iri pasi pako seɗare. Jehova ucashandura mvura yenyika yako iʋe ɓukuta neguruʋa; ɀicaɓurukira pamsoro pako ɀicibva kuɗeŋga, kuȿikira waparadzwa. Jehova ucatendera kuti ukundwe naʋaʋeŋgi ʋako; ucaɓuɗa kundorwa naʋo nenzira imŋe, ucatiza pamberi paʋo nenzira nomŋe; ucaʋa cinhu cinotyisa pakati poʋushe bgose bgenyika. Ɀitunha ɀako ɀicaʋa ɀokudya ɀeshiri dzose dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika, kusinomunhu unoɀidziŋga. Jehova ucakuroʋa namamota eEgipita, namaronda, nemhizi, nokufunuka, ɀicaramba kupora. Jehova ucakuroʋa nokupeŋga, noʋupofu, ʋuye nokukaŋganiswa kwomŋoyo; ucatȿaŋgadzira masikati, seɓofu rinotȿaŋgadzira murima, hauŋgafari panzira dzako; ucaremedzwa nokuɓirwa ŋguʋa dzose, hakuŋgaʋi nomunhu unokurwira. Ucanyeŋga mukadzi, asi mumŋe murume ucaʋata naye; ucaʋaka dzimba, asi hauŋgagari’mo; ucarima munda wemizambiriŋga, asi hauŋgaŋgadyi micero yayo. Ŋombe yako icaɓayiwa uciɀiʋona, asi hauŋgaidyi; mboŋgoro yako icatorwa nesimba uciɀiʋona, asi haiŋgadzoserwi kwauri; makwai ako acapiwa ʋaʋeŋgi ʋako, hauŋgawani unokurwira. Ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako ʋacapiwa rumŋe rudzi; meso ako acatarira, ukaneta kuʋashuʋa zuʋa rose; asi ucashaiwa simba paruʋoko rwako. Ɀiɓereko ɀevu rako, neɀamaɓasa ako, ɀicadyiwa norudzi rwausiŋgaziʋi; ucaŋgoremedzwa nokutambudzwa ŋguʋa dzose. Ucapeŋgeswa neɀaucaʋona nameso ako. Jehova ucakuroʋa pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acaramba kupora, kubva parutsoka kuȿikira pamsoro pomusoro wako. Jehova ucakuisa iwe namambo wako waucaɀitsaurira kurudzi rwawakaŋga usiŋgaziʋi iwe namadziɓaɓa ako; ɀino ucandoshumira’po ʋamŋe ʋamŋari ʋamatanda namabge. Iwe ucaitwa cishamiso, neshumo, neciseko, pakati paʋanhu ʋose kwaucandoiswa naJehova. Ucatakurira mbeu zhinji kumunda, asi ucaʋuŋganidza ɀishoma; nokuti ɀicapedzwa nemhashu. Ucarima minda yemizambiriŋga nokuigadzira, asi hauŋganwi waini yayo, kana kutanha mazambiriŋga; nokuti acadyiwa namakonye. Ucaʋa nemiti yemiorivi panyika yako yose, asi hauŋgazori mafuta ayo, nokuti miorivi yako icazuka. Ucaɓereka ʋanakomana naʋanasikana, asi haʋaŋgaʋi ʋako, nokuti ʋacatapxa. Miti yako yose neɀiɓereko ɀevu rako ɀicadyiwa nemhashu. Mutorwa ugere pakati pako ucaramba acikwirira kupfuʋura iwe; iwe ucaramba uciɗerera. Iye ucakupa cikwerete, asi iwe hauŋgamupi cikwerete; iye ucaʋa musoro, iwe ucaʋa muswe. Kutukwa uku kwose kucaitika kwauri, nokukuteʋera, nokukuɓata, kuȿikira waparadzwa; nokuti hauna‐kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, nokuceŋgeta mirairo yake naɀaakatema, ɀaakakuraira. Ɀicaʋa pamsoro pako napamsoro paʋana ʋako, ɀiʋe ɀiratidzo neɀishamiso nokusiŋgaperi; nokuti hauna‐kushumira Jehova Mŋari wako nomufaro, nomŋoyo unofara, nokuɗa kwokuwanda kweɀose. Naiɀoɀo ucafanira kuɓatira ʋaʋeŋgi ʋako, ʋaucatumirwa naJehova kuti urwe naʋo, ucinzwa nzara, nenyota, ucishaiwa ɀokufuka neɀose iɀi; iye ucaisa joko reɗare pamutsipa wako, kuȿikira akuparadza. Jehova ucaʋuyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobururuka, rudzi rwausiŋganzwisisi rurimi rwarwo; rudzi runehasha, rusiŋgaraŋgariri ʋatana, kana kunzwira majaya tsitsi. Ʋacadya ɀiɓereko ɀeŋombe dzako, neɀiɓereko ɀevu rako, kuȿikira waparadzwa; haʋaŋgakusiyiri ɀiyo, kana waini, kana mafuta, kana ɀakaɓerekwa nemhou dzako, kana makwaiana amakwai ako, kuȿikira waparadzwa naʋo. Ʋacakukomba pamasuʋo ako ose, kuȿikira maȿiŋgo ako marefu anesimba awa ose, awakatenda munyika yako yose; ʋacakukomba pamasuʋo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehova Mŋari wako.