“Asi kana mukarega kuzoteerera zvataurwa naTenzi Mwari wenyu, kana kuchengeta mitemo nemirao yandiri kukupai nhasi uno, rushambwa irworwu rwose ruchakutibikirai.
“Muchawirwa norushambwa mumaguta enyu nomumaruwa enyu.
“Muchawirwa norushambwa rwokushaya kana chokuisa mumatengu enyu kana mutsero dzenyu.
“Muchava norushambwa rwokusava navana vakawanda, norwokuva nezvokukohwa zvishomashoma, uye mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu zvichange zviri zvishomanana.
“Muchava nekashambwa kwokuti zvose zvamunoita hazvibudirire.
“Tenzi achakupai rushambwa, achakuonesai ndondo achakutsiudzai pane zvose zvamuchaita kudzamara maparadzwa matsakatika pasina nenguva yose zvakonzerwa nezviito zvenyu zvakaipa zvamunenge maita muchindiramba. Tenzi achakutumirai denda richakurakatisai kusvikira mose mapera kuti dhu munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu. Tenzi achakurovai nedenda rechikosoro chorurindi neromuviri unopinda chando, namaronda anonyeka, nokupisa muviri nenhamo yokushaya mvura zvokuti mbesa dzenyu dzichaita zvikukuve dzichiita chakuvhuvhu nezuva. Zvichakunonoresai kudzamara mapera kuti nho-o. Denga richaramba kunaya serakadzivirirwa nendarira. Pasi paunotsika pachaomarara sesimbi. Panze pokuti Tenzi anayise mvura, jecha neguruva ndizvo zvichanaya. Zvichabva kudenga zvichikunaya kusvikira waparara.
“Tenzi achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchavavinga nenzira imwechete makatungamidzana asi munozodzokako rava bararamhanya kuvatiza. Ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano dzichadedereswa nazvo. Zvitunha zvenyu zvichadyiwa neshiri dzedenga nezvikara zvesango pasina anozvidzinga. Tenzi achaita kuti uve nedenda ramamota aye okuIjipiti, muviri uchiva namaronda maronda nemhezi, muviri wose uchingova negwenyukwenyu risingarapike. Tenzi achakupa chirwere chokupenga nechoupofu nechokuzungaira. Sebofu rinofamba richiita zvokutsvanzvadzira murima, uchaita kufamba kwokutsvanzvadzira masikati machena. Hauzombobudiriri pane zvaunoita. Vanokukurira vachazogara vachikubata zvakaipa nokukupambira zvinhu zvako pasina anokununura.
“Uchangoti roorei mukadzi wako, gombarume robva rarara zvaro naye. Uchavaka imba asi hauzogaramo. Ucharima munda wamagirepisi, asi haumboruma kana girepisi rayo. Mombe yako ichaurayiwa wakatarisa, asi nyama yacho haumboiisa kumuromo. Dhongi rako richapambwa mumaziso mako, usingazoridzoserwi. Hwai dzako dzichaiswa mumaoko mavavengi vako pasina anokununudzira.
“Vana vako vakomana navasikana vachatapwa navanhu veimwe ndudzi, uchavatsvokorera meso zuva nezuva uchivatarisira kuti vachadzoka pasina chaunokwanisa kuita. Rudzi rwavanhu vausingazivi zvako, ndirwo ruchadya mbesa dzawakadikitira kurima. Vacharamba vachikutonga nechisimba chete zvokuti nhamo yauchaona nameso ako ichakupengesa. Tenzi achakupa rushambwa rwokuve namazironda pamabvi napamakumbo ako. Maronda acho enhuta asingarapiki anobvira pasi petsoka yako kusvikira panhongonya yomusoro wako.
“Tenzi achaita kuti imi namambo wenyu wamunenge magadza kukutongai mutapwe norudzi rwavanhu vasingazikanwi nemi kana namadzibaba enyu. Ikoko muchandonamata vamwari vezvimiti navamabwe. Marudzi ekwauchange waendeswa achakatyamadzwa nazvo zvokuti uchava chinhu chinokatyamadza, chiseko zvacho netsumo yavo.
“Uchadyara mbeu dzakawanda mumunda, asi zvokukohwa zvichava zvishomanana nokuti zvichapera kudyiwa nehwiza. Uchasima minda yamagirepisi ugobindikita kuichengetedza, asi hapana chaunotanhamo, kana kumbonwawo waini yomo nokuti zvose zvichapera kudyiwa namakonye. Uchava nemiti yemiorivhi munyika yako yose, asi hapana kana futa rayo rauchazora nokuti maorivhi acho achakurumuka. Uchabereka vana vakomana navasikana, asi hauzogari navo nokuti vachatapwa. Miti nemichero yomunyika mako ichava yehwiza.
“Mutorwa wauchange ugere naye acharamba achingokwirira chete pamusoro pako iwe uchingoderera. Iye ndiye achatokukweretesa, asi iwe usingakwanise kumukweretesawo. Iye ndiye achava musoro, iwe uriwe muswe.
“Rushambwa rwenhamo dzose idzi ruchakuwira rwugoramba rwakangoti nama nama newe kudzamara wakwana narwo rwakuparadza nokuti unenge usina kuteerera zvakarehwa naTenzi Mwari wako, usina kuchengeta mitemo nemirao yake yaakakuudza. Izvozvi izvi zvichava chiratidzo nezvinhu zvichakushamisa iwe navana vako. Pamusana pokuti unenge usina kushandira Tenzi Mwari wako norufaro nomwoyo wakasununguka panguva yaunenge uchakapfuma, nokudaro uchashandira vavengi vako, vachakuvinga vatumwa naTenzi iwe uine nzara nenyota, usina zvokupfeka zvakakwana, zvinhu zvose zvichingova zvenhamonhamo kwauri vachizokuisa joko resimbi pamutsipa wako kudzamara vakuparadza. Tenzi achatuma rudzi rwavanhu vanobva kure, pasi kwenyika; uchaerekana wavhungwa sezvinoita gondo rodo kubata huku. Vachange vari rudzi rwavanhu vane mutauro wamusinganzwi, rudzi rune zviso zvinodederesa rusina zviya zvokunyara vakura kana kunzwira vana vaduku tsitsi. Vachadya mhuru dzezvipfuwo zvako, nembesa dzomumunda wako kusvikira vakurozva. Havambokusiyiri kana tsanga yembesanwa zvayo kana kukusiyira waini kana mafuta eorivhi, kana mwana zvake wezvimwe zvipfuwo zvako, kana kachipfuwo kako zvako kudzamara vakutsakatisa. Vachakukombai mumaguta enyu kudzamara nhungamakore dzetsvingo dzawo dzamunovimba nadzo dzakoromoka munyika yenyu yose. Vachakomba maguta enyu ose omunyika yenyu yose yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu.