Kutsinhira Mutemo 28
28
Zvikomborero zvinopiwa vanoteerera Mwari
(Mup 26:3–13; Kut 7:12–24)
1“Kana mukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wenyu mukanyatsochengeta mirao yose yandiri kukuudza nhasi uno, Tenzi Mwari wako achakusimudzirai pamusoro kupfuura ndudzi dzose dzavanhu dzapasi pano. 2Kana ukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, makomborero ose aya achauya kwauri achiita zvokunaya pauri.
3“Muchakomborerwa mumaguta menyu nomumaruwa menyu.
4“Muchakomborerwa nokupiwa vana vakawanda, nembesa zhinji muminda yenyu, nemhuka dzakawanda. Zvipfuwo zvako zvichaita matanga namatanga, vana vezvimwe zvipfuwo zvako vachiita gumi nefararira.
5“Muchakomborerwa zvokuti matengu enyu achagara akati pamu pamu kuzara, mutsero dzenyu hamuzomboshayikwa chirimo.
6“Muchakomborerwa mune zvose zvamuchaita.
7“Tenzi achaita kuti vavengi venyu vanenge vakumukirai vakurirwe. Vachakuvingai vakatungamidzana, asi muchavaitisa chimwandamwanda.
8“Tenzi achakomborera basa rako. Achazadza matura ako. Achakukomborera munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
9“Tenzi achakuitai rudzi rwavanhu vake pachake vatsvene maererano nemhiko yaakakuitirai, ndokungewo machengeta mirao yaTenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake. 10Naizvozvo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano vachaona kuti munodaidzwa nezita raTenzi. Vachakutyai. 11Tenzi achakupfumisa achikupa vana vakawanda, nezvipfuwo zvizhinji nembesa zhinji, munyika yakatsidzirwa madzibaba ako naTenzi kuzokupa. 12Tenzi achakuzarurira matura oupfumi hwake hwakanaka hwokumatenga achikunayisira mvura mumunda mako nenguva yayo chaiyo nokukomborera basa rose raunobata. Uchakweretesa ndudzi zhinji dzavanhu, asi iwe usina chaunokwereta kwavari. 13Tenzi achakuitai musoro, kwete muswe. Ucharamba uchibudirira chete, usingakundikane, ndokunge wateerera mirao yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno wanyatsoichengetawo. 14Regawo kutsautsira pane murao upi noupi zvawo pamirao yandiri kukuudza nhasi, woita zvomusoro wako wotevedza vamwe vamwari uchivashandira.
Mubayiro wokusateerera
15“Asi kana mukarega kuzoteerera zvataurwa naTenzi Mwari wenyu, kana kuchengeta mitemo nemirao yandiri kukupai nhasi uno, rushambwa irworwu rwose ruchakutibikirai.
16“Muchawirwa norushambwa mumaguta enyu nomumaruwa enyu.
17“Muchawirwa norushambwa rwokushaya kana chokuisa mumatengu enyu kana mutsero dzenyu.
18“Muchava norushambwa rwokusava navana vakawanda, norwokuva nezvokukohwa zvishomashoma, uye mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu zvichange zviri zvishomanana.
19“Muchava nekashambwa kwokuti zvose zvamunoita hazvibudirire.
20“Tenzi achakupai rushambwa, achakuonesai ndondo achakutsiudzai pane zvose zvamuchaita kudzamara maparadzwa matsakatika pasina nenguva yose zvakonzerwa nezviito zvenyu zvakaipa zvamunenge maita muchindiramba. 21Tenzi achakutumirai denda richakurakatisai kusvikira mose mapera kuti dhu munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu. 22Tenzi achakurovai nedenda rechikosoro chorurindi neromuviri unopinda chando, namaronda anonyeka, nokupisa muviri nenhamo yokushaya mvura zvokuti mbesa dzenyu dzichaita zvikukuve dzichiita chakuvhuvhu nezuva. Zvichakunonoresai kudzamara mapera kuti nho-o. 23Denga richaramba kunaya serakadzivirirwa nendarira. Pasi paunotsika pachaomarara sesimbi. 24Panze pokuti Tenzi anayise mvura, jecha neguruva ndizvo zvichanaya. Zvichabva kudenga zvichikunaya kusvikira waparara.
25“Tenzi achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchavavinga nenzira imwechete makatungamidzana asi munozodzokako rava bararamhanya kuvatiza. Ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano dzichadedereswa nazvo. 26Zvitunha zvenyu zvichadyiwa neshiri dzedenga nezvikara zvesango pasina anozvidzinga. 27Tenzi achaita kuti uve nedenda ramamota aye okuIjipiti, muviri uchiva namaronda maronda nemhezi, muviri wose uchingova negwenyukwenyu risingarapike. 28Tenzi achakupa chirwere chokupenga nechoupofu nechokuzungaira. 29Sebofu rinofamba richiita zvokutsvanzvadzira murima, uchaita kufamba kwokutsvanzvadzira masikati machena. Hauzombobudiriri pane zvaunoita. Vanokukurira vachazogara vachikubata zvakaipa nokukupambira zvinhu zvako pasina anokununura.
30“Uchangoti roorei mukadzi wako, gombarume robva rarara zvaro naye. Uchavaka imba asi hauzogaramo. Ucharima munda wamagirepisi, asi haumboruma kana girepisi rayo. 31Mombe yako ichaurayiwa wakatarisa, asi nyama yacho haumboiisa kumuromo. Dhongi rako richapambwa mumaziso mako, usingazoridzoserwi. Hwai dzako dzichaiswa mumaoko mavavengi vako pasina anokununudzira.
32“Vana vako vakomana navasikana vachatapwa navanhu veimwe ndudzi, uchavatsvokorera meso zuva nezuva uchivatarisira kuti vachadzoka pasina chaunokwanisa kuita. 33Rudzi rwavanhu vausingazivi zvako, ndirwo ruchadya mbesa dzawakadikitira kurima. Vacharamba vachikutonga nechisimba chete 34zvokuti nhamo yauchaona nameso ako ichakupengesa. 35Tenzi achakupa rushambwa rwokuve namazironda pamabvi napamakumbo ako. Maronda acho enhuta asingarapiki anobvira pasi petsoka yako kusvikira panhongonya yomusoro wako.
36“Tenzi achaita kuti imi namambo wenyu wamunenge magadza kukutongai mutapwe norudzi rwavanhu vasingazikanwi nemi kana namadzibaba enyu. Ikoko muchandonamata vamwari vezvimiti navamabwe. 37Marudzi ekwauchange waendeswa achakatyamadzwa nazvo zvokuti uchava chinhu chinokatyamadza, chiseko zvacho netsumo yavo.
38“Uchadyara mbeu dzakawanda mumunda, asi zvokukohwa zvichava zvishomanana nokuti zvichapera kudyiwa nehwiza. 39Uchasima minda yamagirepisi ugobindikita kuichengetedza, asi hapana chaunotanhamo, kana kumbonwawo waini yomo nokuti zvose zvichapera kudyiwa namakonye. 40Uchava nemiti yemiorivhi munyika yako yose, asi hapana kana futa rayo rauchazora nokuti maorivhi acho achakurumuka. 41Uchabereka vana vakomana navasikana, asi hauzogari navo nokuti vachatapwa. 42Miti nemichero yomunyika mako ichava yehwiza.
43“Mutorwa wauchange ugere naye acharamba achingokwirira chete pamusoro pako iwe uchingoderera. 44Iye ndiye achatokukweretesa, asi iwe usingakwanise kumukweretesawo. Iye ndiye achava musoro, iwe uriwe muswe.
45“Rushambwa rwenhamo dzose idzi ruchakuwira rwugoramba rwakangoti nama nama newe kudzamara wakwana narwo rwakuparadza nokuti unenge usina kuteerera zvakarehwa naTenzi Mwari wako, usina kuchengeta mitemo nemirao yake yaakakuudza. 46Izvozvi izvi zvichava chiratidzo nezvinhu zvichakushamisa iwe navana vako. 47Pamusana pokuti unenge usina kushandira Tenzi Mwari wako norufaro nomwoyo wakasununguka panguva yaunenge uchakapfuma, 48nokudaro uchashandira vavengi vako, vachakuvinga vatumwa naTenzi iwe uine nzara nenyota, usina zvokupfeka zvakakwana, zvinhu zvose zvichingova zvenhamonhamo kwauri vachizokuisa joko resimbi pamutsipa wako kudzamara vakuparadza. 49Tenzi achatuma rudzi rwavanhu vanobva kure, pasi kwenyika; uchaerekana wavhungwa sezvinoita gondo rodo kubata huku. Vachange vari rudzi rwavanhu vane mutauro wamusinganzwi, 50rudzi rune zviso zvinodederesa rusina zviya zvokunyara vakura kana kunzwira vana vaduku tsitsi. 51Vachadya mhuru dzezvipfuwo zvako, nembesa dzomumunda wako kusvikira vakurozva. Havambokusiyiri kana tsanga yembesanwa zvayo kana kukusiyira waini kana mafuta eorivhi, kana mwana zvake wezvimwe zvipfuwo zvako, kana kachipfuwo kako zvako kudzamara vakutsakatisa. 52Vachakukombai mumaguta enyu kudzamara nhungamakore dzetsvingo dzawo dzamunovimba nadzo dzakoromoka munyika yenyu yose. Vachakomba maguta enyu ose omunyika yenyu yose yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu.
53“Pamunenge makakombwa kudaro, matambudzwa navavengi venyu, muchasvika pakutodya vana venyu vokubereka, nyama yavana venyu chaivo vakomana navasikana vamunenge mapiwa naTenzi Mwari wenyu, munhamo iyoyo yokukombwa kwamaguta enyu navavengi venyu. 54Kunyange murume ane mwoyo munyoro wokuziva hama, haazonzwira tsitsi mukoma kana munun'una wake kunyange mudzimai wake, chido chomwoyo wake, kana vana vake vanenge vachiripo 55zvokuti anotovanyima nyama yavana vake vaanenge achidya nokuti anenge asisina chokubata munhamo iyoyo yokukombwa mumaguta enyu navavengi venyu. 56Kanawo mukadzi ane mwoyo munyoro wokuziva hama, anenge akapfuma zvokuti haasati ambofunga mumwoyo make kuti rutsoka rwake ruchatsika pasi, haazonzwira tsitsi murume wake, chido chemwoyo wake, kana mwana wake mukomana kana musikana. 57Achangobva mukusununguka, achadya muchivande mwana wake mucheche pamwechete nechavakuru chake pamusana pokuti panenge pasisina chokubata munhamo iyoyo yokukombwa kwemaguta enyu navavengi venyu.
58“Kana ukarega zvako kunyatsoteerera nokuchengeta zvose zvinorehwa nomutemo uyu zvakanyorwa mubhuku rino, uchitorega zvako kutya zita iri rokuti Tenzi Mwari wako rine mukurumbira rinoremekedzwa, 59Tenzi achaita kuti matambudziko ako akure ave ndambirira chaiyo. Achakurwarisa, iwe navana vako namatenda asingapere nezvirwere zvinosiririsa zvisina mugumo. 60Achaunzawo pauri zvirwere zvose zviya zvawaitya zvokuIjipiti zvicharamba zvakati pauri momote. 61Tenzi achauyisa pauri zvirwere nenhamo dzose dzisina kunyorwa mubhuku romutemo irori kusvikira maparadzwa. 62Muchasara mava vanhu vashomanana asi imi maimbova senyenyedzi kuwanda nokuti munenge musina kuteerera zvinorehwa naTenzi Mwari wenyu. 63Sokufara kwakaita Tenzi kukupfumisai nokuita kuti muwande, Tenzi achafarirawo kukuparadzai achikupedzai achikutipurai kubva munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive yenyu.
64“Tenzi achakumwararisai mukati memarudzi avanhu kubvira kwakaperera nyika kusvika kwainoperera, ikoko muchandonamata vamwari vasingambozikanwi nemi kana namadzibaba vezvimiti navamabwe. 65Uri mukati memarudzi evanhu ivavo haumbogadzana mwoyo, unenge usinawo paungati apa ndopahoko yangu. Tenzi achakupa mwoyo wokungova zimbwende romunhu. Ucharasa mwoyo pakutarisira kwako uchigara wakasuruvara. 66Uchagara wakabatira upenyu hwako mumaoko, uchitya kuti zvimwe haridoke uri mupenyu, kana kuti hakuedze uchafema. 67Pako uchapashaya, mangwanani mwoyo wako unenge wongoti dai kwachidoka zvako, kana kwazodoka wochemera kuti dai zuva rachibuda zvaro. Izvozvo unenge wava nebapu mumwoyo mako rokutya chose chose chawaona. 68Kunyange ndakambotaura kuti hamuchazoita rwendo irworwo zvakare, Tenzi achakudzosera kuIjipiti nengarava. Muchandozvishambadza mose varume navakadzi kuti mutengwe navavengi venyu savaranda, asi muchashaya neangadewo kukutengai.”
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 28: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.