Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 29

29
1Iri ndiro bumbiro remitemo yechitenderano chakataurwa naTenzi kuna Mosesi kuti aitise vaIsiraeri naye munyika yavaMoabhu pamusoro pechimwe chitenderano chiya chaakavaitisa pagomo reHorebhu.
Chitenderano chaTenzi nevaIsiraeri munyika yeMoabhu
2Mosesi akadaidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Makazvionera pachenyu zvose zvakaitwa naTenzi munyika yeIjipiti kuna Farao navaranda vake vose munyika yake yose. 3Makazvionera nameso enyu zviedzo zvikuru nezviratidzo nezvishamiso zvikuru zviya. 4Kunyange pari nhasi Tenzi haasati akupai mwoyo wokunzwisisa kana maziso okuona nawo kana nzeve dzokunzwa nadzo. 5Ndakakutungamirirai kwamakore makumi mana murenje, mbatya dzenyu hadzina kubvaruka pamuviri penyu, shangu dzenyu hadzina kumbosakara mutsoka dzenyu. 6Hamuna kumbodya chingwa kana kumbonwa waini kana doro, kuti muzive kuti ndini Tenzi Mwari wenyu. 7Pamakasvika muno Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgu mambo weBhashani, vakativinga kuzotirwisa, tikavakurira. 8Takavatorera nyika yavo tikaipa vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi nechikamu chevedzinza raManase kuti ive nhaka yavo. 9Naizvozvo nyatsochengetai zvose zvinorehwa muchitenderano ichi kuti zvikufambirei zvakanaka pane zvose zvamuchaita.
10“Nhasi uno imi mose mumire pano pana Tenzi Mwari wenyu muina vatungamiriri vamadzinza enyu navakuru vakuru venyu namakurukota enyu navanhurume vose vevaIsiraeri, 11navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vagere nemi mumatendhe enyu, kusvikira kuna anokutemerai huni dzenyu naanokutekerai mvura. 12Nhasi uno maunganira kuzoita chitenderano pana Tenzi Mwari wenyu chaari kuda kuti atsidzirane nemi nemhiko 13kuitira kuti nhasi uno akuitei vanhu vake, iye achiva Mwari wenyu sokukutaurirai kwaakaita uye sokutsidzira kwaakaita madzitateguru enyu vana Abhurahamu naIsaki naJakobho. 14Handisi kuitisa chitenderano ichi imi moga, 15asi ndiri kuchiitisa vamwe vasati vava nesu pari nhasi navamire nesu pano pamberi paTenzi Mwari wedu nhasi uno.
16“Imi munoziva upenyu hwatakagara munyika yeIjipiti, nokupfuura kwatakaita nomundudzi dzavanhu vomunyika dzatakapfuura nadzo. 17Makazvionera zvinhu zvavo zviye zvisingadiwe zvazvo naMwari nezvifananidzo zvavamwari vavo vezvimiti navamabwe nevesirivha nevendarama zvavaiva nazvo. 18Chichenjerai kuti nhasi uno, pakati penyu pangadaro pakava nedzinza kana mhuri, kunyange murume kana mukadzi anoita mwoyo wokufuratira Tenzi Mwari wedu achindonamata vamwari vendudzi idzodzo. Pakati penyu pangadaro pakava nomudzi unobereka muchero womuchetura unovava unouraya. 19Munhu akadaro angati kana anzwa mazwi aya echitenderano ichi chakaitwa nemhiko otozvipa chikomborero nechomumwoyo achiti, ‘Zvose zvichandifambira zvakanaka, kunyange zvangu ndichizvitutumadza mukupanduka kwangu.’ Izvozvi zvichakusvitsai pakuti kana morangwa, mokukurwa mose vakanaka navakaipa. 20Tenzi haamboregerera munhu iyeyo, asi kutoti hasha dzaTenzi dzichamuvirukira. Majambwa ose aye akanyorwa mubhuku rino iri achamuwira. Tenzi achatsakatisa zita rake panyika pano. 21Pakati pamadzinza ose evaIsiraeri, Tenzi achamutsaurira nhamo yokuti awirwe nemajambwa ose omuchitenderano akanyorwa mubhuku rino iri romutemo.
22“Zvizvarwa zvenyu zvichaberekwa zvichatarisa pamwechete nomutorwa anobva pasi kwenyika, zvichiona nhamo nezvirwere munyika yenyu zvichange zvaunzwa naTenzi. 23Nyika yose ichatsva igosara yangova sarufa nomunyu chete isina chakadyarwamo isingamere chinhu, kana uswa zvahwo. Zvichangofanana nokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora neAdhima neZebhoimu, maguta akaparadzwa naTenzi akatsamwa aine hasha. 24Heeka, ndudzi dzose dzevanhu dzichati, ‘Seiko Tenzi akaitira nyika iyoyi zvakadai? Ko kuviruka nehasha zvakadai kunorevei?’ 25Vanhu vachati, ‘Pamusana pokuti vakakanda pasi chitenderano chaTenzi Mwari wamadzibaba avo, chaakaita navo paainge achivaburitsa munyika yeIjipiti. 26Vakandonamata nokupfugamira vamwe vamwari, vamwari vavasingamboziva, vasina kumbovapa kana nhaka yenyika. 27Ndokusaka hasha dzaTenzi, dzakavirukira nyika iyoyi, akaita kuti majambwa akanyorwa mubhuku rino iri aiwire. 28Tenzi akabva avadzipura munyika yavo akatsamwa, aine hasha, akagumbuka zvikuru. Akandovakandira kune imwe nyikawo sezvazviri nhasi uno.’
29“Zvinhu zvinenge zvakavanzika ndezvaTenzi Mwari wedu, asi zvakaburitswa pachena ndozveduwo navana vedu nokusingaperi kuti tichengete zvose zvinorehwa nomutemo uyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 29: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda