Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 15:7-18

Dhuteronomi 15:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Kana pane murombo pakati pehama dzenyu mune ripi zvaro guta renyika iyo Jehovha ari kukupai musaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko kuhama yenyu inoshayiwa. Asi munofanira kutambanudzira ruoko uye mugopa hama yenyu pachena chipi nechipi chaanoshayiwa. Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi. Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogununʼuna; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako. Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako. Kana mumwe wako wechiHebheru, murume kana mukadzi, achinge azvitengesa kwauri uye achinge akushandira kwamakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kumusunungura umurege aende. Zvino kana uchinge wamusunungura usamusiya achienda asina chinhu. Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako. Rangarirai kuti imi maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai. Nokudaro ndinokupai murayiro uyu nhasi. Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe, ipapo utore runji ugourura nzeve yake narwo pagonhi, uye achava muranda wako nokusingaperi. Uite zvimwe chetezvo kumurandakadzi wako. Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita.

Dhuteronomi 15:7-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Kana kuno murombo kwauri, mumwe wehama dzako, mukati mamasuo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usatsungira hama yako murombo, kana kumupfumbatirira ruoko rwako; asi umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwerete zvinoringana pakushaiwa kwake, sezvaanokumbira. Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako, uchiti, ‘Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedyo;’ iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri. Unofanira kumupa zvakanaka, mwoyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nokuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako. Nokuti varombo havangatongoperi panyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti, ‘Utambanudzire ruoko rwako zvakanaka kuhama yako, kuna iye unoshaiwa, nokuna varombo vako panyika yako.’ “Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake. Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu. Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo. Unofanira kurangarira iwe kuti wakanga uri muranda munyika yeIjipiti, Jehovha Mwari wako akakudzikinura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi. “Asi kana akati kwauri, ‘Handidi hangu kubva kwamuri,’ nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe, ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo. Hazvifaniri kuita sokukusvibisa mwoyo wako kana uchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.

Dhuteronomi 15:7-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Kana pakati penyu pane murombo ari hama yako muIsiraeri muguta renyu ripi zvaro munyika yenyu yamunopiwa naTenzi Mwari wenyu musaomesere mwoyo, kana kutadza kutambanudzira ruoko muchipawo hama yenyu murombo iyeyo. Asi muitire tsiyenyoro ugomupa chikwereti chinokwanirana nechose chaanenge achida chacho. Chenjerera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako uchiti, ‘Zvino gore rechinomwe, gore rokusazoreva chikwereti hero rosvika,’ woomesera mwoyo hama yako murombo uchimunyima. Achachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri. Mupe zvako wakasununguka usinganyunyuti mumwoyo mako pakumupa kwaunoita nokuti Tenzi Mwari wako anozokukomborera pabasa rako rose nezvose zvaunoti ndoita. Varombo havazomboperi munyika, naizvozvo ndinokuudza kuti uve noruoko rwakatambanuka runopa hama yako, murombo naasina chokubata ari munyika yenyu. “Kana watengeserwa hama yako, muHebheru, murume kana mukadzi ngaakushandire kwamakore matanhatu. Kana gore rechinomwe rasvika murege abve kwauri aende zvake murusununguko. Paunomurega achibva kwauri achienda zvake murusununguko, usamurege achienda asina chokubata. Mupewo dzimwe mbudzi dzako nehwai dzako nembesanwa dzako neimwe waini yako, usingaite kanyimiramundiro. Mupe maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Rangarira kuti wakanga uri muranda kuIjipiti, ukazonunurwa naTenzi Mwari wako, saka ndichikuudza mutemo iwoyu nhasi uno. “Asi kana muranda wako akati, ‘Handidi zvangu kusiyana nemi,’ achidaro nokuti anofarira iwe nemhuri yako achigarawo newe zvakanaka zvichimunakirawo kugara newe, pakadaro apo tora mutsunda, uboorere nzeve yake pagonhi, anobva ava muranda wako narini, kana ari muranda wechikadzi itawo saizvozvo kwaari. Paunopa rusununguko muranda wako kuti aende zvake, ngachirege kuva chinhu chakakuomera nokuti basa raakakuitira kwamakore matanhatu rinopfuura basa rinoitwa nomushandi anotambiriswa mari rwakapetwa ruviri. Pakadaro Tenzi Mwari wako achakukomborera kakapetwa ruviri pane zvose zvaunoita.

Dhuteronomi 15:7-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kana kunomurombo kwauri, mumŋe wehama dzako, mukati mamasuʋo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, usatsuŋgira hama yako murombo, kana kumufumbatirira ruʋoko rwako; asi umutambanudzire ruʋoko rwako kwaɀo, umuɓatsire necikwerete ɀinoriŋgana pakushaiwa kwake, seɀaanokumbira. Cenjera kuti urege kufuŋga ɀakaipa mumŋoyo mako, uciti: Gore recinomŋe, iro gore resunuŋguro, riri pedyo; iwe ukaʋa nomufuŋgo wakaipa kuhama yako, ukasamupa cinhu; iye akacema kunaJehova Mŋari wako pamsoro pako, cikaʋa ciʋi kwauri. Unofanira kumupa ɀakanaka, mŋoyo wako haufaniri kuʋa neshuŋgu, kana ucimupa; nokuti nokuɗa kwecinhu ici Jehova Mŋari wako ucakuropafadza pamaɓasa ako ose, napaɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako. Nokuti ʋarombo haʋaŋgatoŋgoperi panyika; naiɀoɀo ndinokuraira ndiciti: Utambanudzire ruʋoko rwako ɀakanaka kuhama yako, kunaiye unoshaiwa, nokunaʋarombo ʋako panyika yako. Kana hama yako murume muHeberu kana mukadzi muHeberu aciŋge ateŋgeswa kwauri, akakuɓatira makore matanhatu, iwe unofanira kumurega negore recinomŋe aende hake. Ɀino kana ucimurega kuti aende hake, usamuendisa asinecinhu. Unofanira kumugoʋerera ɀakanaka pamakwai ako, napaɓuriro rako, napaciȿiniro cako cewaini; seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako, unofanira kumupa saiɀoɀo. Unofanira kuraŋgarira iwe kuti wakaŋga uri muranda munyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakudzikinura; naiɀoɀo ndinokuraira cinhu ici nhasi. Asi kana akati kwauri: Handiɗi haŋgu kubva kwamuri, nokuti unokuɗa iwe naʋeimba yako, nokuti unofara hake newe, ipapo unofanira kutora runji ndokuʋurura nzeʋe yake narwo pamukoʋa, iye agoʋa muranda wako nokusiŋgaperi. Ʋuye murandakadzi wako unofanira kumuitira ʋo saiɀoɀo. Haɀifaniri kuita sokukuȿiɓisa mŋoyo wako kana ucimurega kuti aende hake; nokuti wakakuɓatira makore matanhatu, acifanirwa nomuɓairo waʋaranda ʋaʋiri; Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paneɀose ɀaunoita.

Dhuteronomi 15:7-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)