Kutsinhira Mutemo 15
15
Gore rechinomwe
(Mup 25:1–7)
1“Pose panongoti perei gore rechinomwe usareve chikwereti. 2Zvamuchaita ndezvizvi: munhu wose anenge akakweretesa mumwe wake chinhu ngaarege kuchireva. Ngaarege kuchibvunza kuhama yake kana kuno mumwe muIsiraeri nokuti zvakataurwa naTenzi zviya zvokusazoreva chikwereti zvinenge zvatovapo. 3Ungareve zvako chikwereti kumutorwa, asi rega kuchireva kune mumwe wako muIsiraeri.
4“Hapachazovi nomurombo pakati penyu nokuti Tenzi achanyatsokukomborerai munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu. 5Ndokunge wanyatsoteerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, uchingwarirawo kuchengeta mitemo yose yandinokupa nhasi uno. 6Chandinodariro ndechichi chokuti, Tenzi Mwari wako achakukomborerai sokukutsidzirai kwaakaita. Muchakweretesa dzimwe ndudzi dzavanhu zhinji, asi imi musingambokwereti. Imi muchatonga ndudzi dzavanhu zhinji, asi idzo hadzizokutongii.
7“Kana pakati penyu pane murombo ari hama yako muIsiraeri muguta renyu ripi zvaro munyika yenyu yamunopiwa naTenzi Mwari wenyu musaomesere mwoyo, kana kutadza kutambanudzira ruoko muchipawo hama yenyu murombo iyeyo. 8Asi muitire tsiyenyoro ugomupa chikwereti chinokwanirana nechose chaanenge achida chacho. 9Chenjerera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako uchiti, ‘Zvino gore rechinomwe, gore rokusazoreva chikwereti hero rosvika,’ woomesera mwoyo hama yako murombo uchimunyima. Achachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri. 10Mupe zvako wakasununguka usinganyunyuti mumwoyo mako pakumupa kwaunoita nokuti Tenzi Mwari wako anozokukomborera pabasa rako rose nezvose zvaunoti ndoita. 11Varombo havazomboperi munyika, naizvozvo ndinokuudza kuti uve noruoko rwakatambanuka runopa hama yako, murombo naasina chokubata ari munyika yenyu.
Varanda vechiHebheru
12“Kana watengeserwa hama yako, muHebheru, murume kana mukadzi ngaakushandire kwamakore matanhatu. Kana gore rechinomwe rasvika murege abve kwauri aende zvake murusununguko. 13Paunomurega achibva kwauri achienda zvake murusununguko, usamurege achienda asina chokubata. 14Mupewo dzimwe mbudzi dzako nehwai dzako nembesanwa dzako neimwe waini yako, usingaite kanyimiramundiro. Mupe maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. 15Rangarira kuti wakanga uri muranda kuIjipiti, ukazonunurwa naTenzi Mwari wako, saka ndichikuudza mutemo iwoyu nhasi uno.
16“Asi kana muranda wako akati, ‘Handidi zvangu kusiyana nemi,’ achidaro nokuti anofarira iwe nemhuri yako achigarawo newe zvakanaka zvichimunakirawo kugara newe, 17pakadaro apo tora mutsunda, uboorere nzeve yake pagonhi, anobva ava muranda wako narini, kana ari muranda wechikadzi itawo saizvozvo kwaari. 18Paunopa rusununguko muranda wako kuti aende zvake, ngachirege kuva chinhu chakakuomera nokuti basa raakakuitira kwamakore matanhatu rinopfuura basa rinoitwa nomushandi anotambiriswa mari rwakapetwa ruviri. Pakadaro Tenzi Mwari wako achakukomborera kakapetwa ruviri pane zvose zvaunoita.
Matangwe ezvipfuwo
19“Matangwe ose emombe dzako neezvimwe zvipfuwo zvako anenge ari mikono, atsaurire Tenzi Mwari wako. Usaitise basa matangwe emombe kana kuveura makushe amatangwe ezvimwe zvipfuwo zvako. 20Gore negore enda nemhuri yako undoadyira kuna Tenzi Mwari wako panzvimbo yaanenge asarudza. 21Asi kana chipfuwo ichocho chine chinoshoreka pachiri, sezvakaita kuremara kana kupofomara kana chimwe chakaipa zvikuru, usachiite chibayiro kuna Tenzi Mwari wako. 22Chidyirei zvenyu mumaguta enyu. Munhu wose angachidye zvake, anenge an'ora kana asina, semadyiro anoitwa mhara kana mhembwe. 23Asi ropa racho ndiro chete ramusingadye riregei rirasikire pasi semvura.
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 15: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.