Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 15:7-18

Deuteronomio 15:7-18 SUB1949

Kana kunomurombo kwauri, mumŋe wehama dzako, mukati mamasuʋo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, usatsuŋgira hama yako murombo, kana kumufumbatirira ruʋoko rwako; asi umutambanudzire ruʋoko rwako kwaɀo, umuɓatsire necikwerete ɀinoriŋgana pakushaiwa kwake, seɀaanokumbira. Cenjera kuti urege kufuŋga ɀakaipa mumŋoyo mako, uciti: Gore recinomŋe, iro gore resunuŋguro, riri pedyo; iwe ukaʋa nomufuŋgo wakaipa kuhama yako, ukasamupa cinhu; iye akacema kunaJehova Mŋari wako pamsoro pako, cikaʋa ciʋi kwauri. Unofanira kumupa ɀakanaka, mŋoyo wako haufaniri kuʋa neshuŋgu, kana ucimupa; nokuti nokuɗa kwecinhu ici Jehova Mŋari wako ucakuropafadza pamaɓasa ako ose, napaɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako. Nokuti ʋarombo haʋaŋgatoŋgoperi panyika; naiɀoɀo ndinokuraira ndiciti: Utambanudzire ruʋoko rwako ɀakanaka kuhama yako, kunaiye unoshaiwa, nokunaʋarombo ʋako panyika yako. Kana hama yako murume muHeberu kana mukadzi muHeberu aciŋge ateŋgeswa kwauri, akakuɓatira makore matanhatu, iwe unofanira kumurega negore recinomŋe aende hake. Ɀino kana ucimurega kuti aende hake, usamuendisa asinecinhu. Unofanira kumugoʋerera ɀakanaka pamakwai ako, napaɓuriro rako, napaciȿiniro cako cewaini; seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako, unofanira kumupa saiɀoɀo. Unofanira kuraŋgarira iwe kuti wakaŋga uri muranda munyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakudzikinura; naiɀoɀo ndinokuraira cinhu ici nhasi. Asi kana akati kwauri: Handiɗi haŋgu kubva kwamuri, nokuti unokuɗa iwe naʋeimba yako, nokuti unofara hake newe, ipapo unofanira kutora runji ndokuʋurura nzeʋe yake narwo pamukoʋa, iye agoʋa muranda wako nokusiŋgaperi. Ʋuye murandakadzi wako unofanira kumuitira ʋo saiɀoɀo. Haɀifaniri kuita sokukuȿiɓisa mŋoyo wako kana ucimurega kuti aende hake; nokuti wakakuɓatira makore matanhatu, acifanirwa nomuɓairo waʋaranda ʋaʋiri; Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paneɀose ɀaunoita.