Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 15:7-18

Dhuteronomi 15:7-18 SNA2002

“Kana kuno murombo kwauri, mumwe wehama dzako, mukati mamasuo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usatsungira hama yako murombo, kana kumupfumbatirira ruoko rwako; asi umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwerete zvinoringana pakushaiwa kwake, sezvaanokumbira. Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako, uchiti, ‘Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedyo;’ iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri. Unofanira kumupa zvakanaka, mwoyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nokuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako. Nokuti varombo havangatongoperi panyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti, ‘Utambanudzire ruoko rwako zvakanaka kuhama yako, kuna iye unoshaiwa, nokuna varombo vako panyika yako.’ “Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake. Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu. Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo. Unofanira kurangarira iwe kuti wakanga uri muranda munyika yeIjipiti, Jehovha Mwari wako akakudzikinura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi. “Asi kana akati kwauri, ‘Handidi hangu kubva kwamuri,’ nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe, ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo. Hazvifaniri kuita sokukusvibisa mwoyo wako kana uchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita.