Dhuteronomi 15:12-23
Dhuteronomi 15:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana mumwe wako wechiHebheru, murume kana mukadzi, achinge azvitengesa kwauri uye achinge akushandira kwamakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kumusunungura umurege aende. Zvino kana uchinge wamusunungura usamusiya achienda asina chinhu. Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako. Rangarirai kuti imi maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai. Nokudaro ndinokupai murayiro uyu nhasi. Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe, ipapo utore runji ugourura nzeve yake narwo pagonhi, uye achava muranda wako nokusingaperi. Uite zvimwe chetezvo kumurandakadzi wako. Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita. Tsaurira Jehovha Mwari wako chikono chose chokutanga chemombe dzako, makwai ako. Zvikono zvokutanga pakuberekwa zvemombe dzako hazvifaniri kuitiswa basa uye usaveura makushe amakwai ako akatanga kuberekwa. Gore rimwe nerimwe iwe nemhuri yako munofanira kuzvidya muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza. Kana chipfuwo chine chachinopomerwa, chakaremara kana kuti chiri bofu, kana kuti chine chimwe chinhu chakanyanyoipa pachiri, haufaniri kuchibayira kuna Jehovha Mwari wako. Unofanira kuchidyira mumaguta ako. Vose vasina kuchena navakachena vangazvidya havo sokunge vanodya mhara kana nondo. Asi haufaniri kudya ropa; riteurire pasi semvura.
Dhuteronomi 15:12-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake. Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu. Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo. Unofanira kurangarira iwe kuti wakanga uri muranda munyika yeIjipiti, Jehovha Mwari wako akakudzikinura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi. “Asi kana akati kwauri, ‘Handidi hangu kubva kwamuri,’ nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe, ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo. Hazvifaniri kuita sokukusvibisa mwoyo wako kana uchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita. “Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako. Unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore rimwe nerimwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha, iwe nemhuri yako. Kana chakaremara, zvimwe chinokuremara kwokukamhina, kana upofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuchibayira Jehovha Mwari wako. Unofanira kuchidya mukati mamasuo ako; wakanaka nousina kunaka vose vanofanira kuchidya, sezvavanodya mhara nenondo. Asi urege kudya ropa racho, unofanira kuriteurira pasi semvura.
Dhuteronomi 15:12-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana watengeserwa hama yako, muHebheru, murume kana mukadzi ngaakushandire kwamakore matanhatu. Kana gore rechinomwe rasvika murege abve kwauri aende zvake murusununguko. Paunomurega achibva kwauri achienda zvake murusununguko, usamurege achienda asina chokubata. Mupewo dzimwe mbudzi dzako nehwai dzako nembesanwa dzako neimwe waini yako, usingaite kanyimiramundiro. Mupe maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Rangarira kuti wakanga uri muranda kuIjipiti, ukazonunurwa naTenzi Mwari wako, saka ndichikuudza mutemo iwoyu nhasi uno. “Asi kana muranda wako akati, ‘Handidi zvangu kusiyana nemi,’ achidaro nokuti anofarira iwe nemhuri yako achigarawo newe zvakanaka zvichimunakirawo kugara newe, pakadaro apo tora mutsunda, uboorere nzeve yake pagonhi, anobva ava muranda wako narini, kana ari muranda wechikadzi itawo saizvozvo kwaari. Paunopa rusununguko muranda wako kuti aende zvake, ngachirege kuva chinhu chakakuomera nokuti basa raakakuitira kwamakore matanhatu rinopfuura basa rinoitwa nomushandi anotambiriswa mari rwakapetwa ruviri. Pakadaro Tenzi Mwari wako achakukomborera kakapetwa ruviri pane zvose zvaunoita. “Matangwe ose emombe dzako neezvimwe zvipfuwo zvako anenge ari mikono, atsaurire Tenzi Mwari wako. Usaitise basa matangwe emombe kana kuveura makushe amatangwe ezvimwe zvipfuwo zvako. Gore negore enda nemhuri yako undoadyira kuna Tenzi Mwari wako panzvimbo yaanenge asarudza. Asi kana chipfuwo ichocho chine chinoshoreka pachiri, sezvakaita kuremara kana kupofomara kana chimwe chakaipa zvikuru, usachiite chibayiro kuna Tenzi Mwari wako. Chidyirei zvenyu mumaguta enyu. Munhu wose angachidye zvake, anenge an'ora kana asina, semadyiro anoitwa mhara kana mhembwe. Asi ropa racho ndiro chete ramusingadye riregei rirasikire pasi semvura.
Dhuteronomi 15:12-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana hama yako murume muHeberu kana mukadzi muHeberu aciŋge ateŋgeswa kwauri, akakuɓatira makore matanhatu, iwe unofanira kumurega negore recinomŋe aende hake. Ɀino kana ucimurega kuti aende hake, usamuendisa asinecinhu. Unofanira kumugoʋerera ɀakanaka pamakwai ako, napaɓuriro rako, napaciȿiniro cako cewaini; seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako, unofanira kumupa saiɀoɀo. Unofanira kuraŋgarira iwe kuti wakaŋga uri muranda munyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakudzikinura; naiɀoɀo ndinokuraira cinhu ici nhasi. Asi kana akati kwauri: Handiɗi haŋgu kubva kwamuri, nokuti unokuɗa iwe naʋeimba yako, nokuti unofara hake newe, ipapo unofanira kutora runji ndokuʋurura nzeʋe yake narwo pamukoʋa, iye agoʋa muranda wako nokusiŋgaperi. Ʋuye murandakadzi wako unofanira kumuitira ʋo saiɀoɀo. Haɀifaniri kuita sokukuȿiɓisa mŋoyo wako kana ucimurega kuti aende hake; nokuti wakakuɓatira makore matanhatu, acifanirwa nomuɓairo waʋaranda ʋaʋiri; Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paneɀose ɀaunoita. Mikono yose yaʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehova Mŋari wako; haufaniri kuɓate‐ɓasa nomŋana wemhoŋgora dzeŋombe dzako, kana kuʋeʋura ʋana ʋemhoŋgora dzamakwai ako. Unofanira kuɀidya pamberi paJehova Mŋari wako gore rimŋe nerimŋe panɀimbo icatsaurwa naJehova, iwe nemhuri yako. Kana cakaremara, ɀimŋe cinokuremara kwokukamhina, kana ʋupofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuciɓayira Jehova Mŋari wako. Unofanira kucidya mukati mamasuʋo ako; wakanaka nousina‐kunaka ʋose ʋanofanira kucidya, seɀaʋanodya mhara nenondo. Asi urege kudya ropa raco, unofanira kuriteʋurira pasi semvura.
Dhuteronomi 15:12-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)