“Kana watengeserwa hama yako, muHebheru, murume kana mukadzi ngaakushandire kwamakore matanhatu. Kana gore rechinomwe rasvika murege abve kwauri aende zvake murusununguko. Paunomurega achibva kwauri achienda zvake murusununguko, usamurege achienda asina chokubata. Mupewo dzimwe mbudzi dzako nehwai dzako nembesanwa dzako neimwe waini yako, usingaite kanyimiramundiro. Mupe maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Rangarira kuti wakanga uri muranda kuIjipiti, ukazonunurwa naTenzi Mwari wako, saka ndichikuudza mutemo iwoyu nhasi uno. “Asi kana muranda wako akati, ‘Handidi zvangu kusiyana nemi,’ achidaro nokuti anofarira iwe nemhuri yako achigarawo newe zvakanaka zvichimunakirawo kugara newe, pakadaro apo tora mutsunda, uboorere nzeve yake pagonhi, anobva ava muranda wako narini, kana ari muranda wechikadzi itawo saizvozvo kwaari. Paunopa rusununguko muranda wako kuti aende zvake, ngachirege kuva chinhu chakakuomera nokuti basa raakakuitira kwamakore matanhatu rinopfuura basa rinoitwa nomushandi anotambiriswa mari rwakapetwa ruviri. Pakadaro Tenzi Mwari wako achakukomborera kakapetwa ruviri pane zvose zvaunoita. “Matangwe ose emombe dzako neezvimwe zvipfuwo zvako anenge ari mikono, atsaurire Tenzi Mwari wako. Usaitise basa matangwe emombe kana kuveura makushe amatangwe ezvimwe zvipfuwo zvako. Gore negore enda nemhuri yako undoadyira kuna Tenzi Mwari wako panzvimbo yaanenge asarudza. Asi kana chipfuwo ichocho chine chinoshoreka pachiri, sezvakaita kuremara kana kupofomara kana chimwe chakaipa zvikuru, usachiite chibayiro kuna Tenzi Mwari wako. Chidyirei zvenyu mumaguta enyu. Munhu wose angachidye zvake, anenge an'ora kana asina, semadyiro anoitwa mhara kana mhembwe. Asi ropa racho ndiro chete ramusingadye riregei rirasikire pasi semvura.
Verenga chikamu Kutsinhira Mutemo 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kutsinhira Mutemo 15:12-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo