Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 11:18-32

Dhuteronomi 11:18-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu. Adzidzisei kuvana venyu, muchitaura pamusoro pawo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka. Anyorei pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu, kuitira kuti mazuva enyu namazuva avana venyu awande panyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha kuti achavapa, awande samazuva ayo denga richava pamusoro penyika. Kana mukachenjerera kuchengeta mirayiro yangu iyi yandinokupai kuti mutevere, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, kuti mufambe munzira dzake dzose nokubatirira paari, ipapo Jehovha achadzinga ndudzi dzose pamberi penyu, uye muchatorera nyika ndudzi dzakakura uye dzine simba kukupfuurai. Nzvimbo ipi neipi yamuchatsika netsoka dzenyu ichava yenyu: Nyika yenyu ichabva kurenje ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kuRwizi Yufuratesi ichisvika kugungwa rokumavirazuva. Hakuna munhu achagona kumira kuti akurwisei. Jehovha Mwari wenyu sezvaakakuvimbisai, achaita kuti vanhu vakutyei uye vagokuvhundukai munyika yose, kwose kwose kwamunoenda. Tarirai, nhasi ndiri kuisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa, kuropafadzwa kana muchiteerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai nhasi; kutukwa kana mukasateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukatsauka kubva panzira yandinokurayirai nhasi muchitevera vamwe vamwari, avo vamusati maziva. Kana Jehovha Mwari wenyu akuendesai munyika yamuri kupinda kuti muitore, munofanira kudaidzira kuropafadzwa kuzhinji paGomo reGerizimu, uye kutukwa kuzhinji paGomo reEbhari. Sezvamunoziva, makomo aya ari mhiri kweJorodhani, nechokumavirira kwomugwagwa, makananga kumavirazuva, pedyo nemiti mikuru yeMore, munyika yavaKenani vagere muArabha pedyo neGirigari. Mava kuda kuyambuka Jorodhani kuti mupinde uye mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Kana muchinge maitora uye mava kugaramo, chenjerai kuti muteerere mitemo nemirayiro yose yandiri kuisa pamberi penyu nhasi.

Dhuteronomi 11:18-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Naizvozvo munofanira kuchengeta mashoko angu awa mumwoyo yenyu nomumweya yenyu; munofanira kuasungira pamaoko enyu, chive chiratidzo, uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso enyu. Uye munofanira kuadzidzisa vana venyu, muchitaurirana pamusoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka; unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako; kuti mazuva enyu awedzerwe, namazuva avana venyu, panyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha kuti uchavapa iyo, aite samazuva okudenga pamusoro penyika. “Nokuti kana mukachengeta zvakanaka murayiro uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira; Jehovha uchadzinga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imi muchabata ndudzi dzinokupfuurai noukuru nesimba, dzive dzenyu. Nzvimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu ichava yenyu, nenyika yenyu ichabva parenje, neRebhanoni, kubva parwizi, rwizi Yufuratesi, kusvikira kugungwa rokumavirazuva. Hakuna munhu ungagona kumira pamberi penyu; Jehovha Mwari wenyu uchatyisa nokuvhundusa nyika yose pamusoro penyu, nyika iyo yamuchazotsika pamusoro payo, sezvaakataura kwamuri. “Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai nhasi; nokutukwa, kana musingatereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokuraira nhasi, mukatevera vamwe vamwari vamusina kuziva. “Zvino kana Jehovha Mwari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbhari. Ko makomo awo haazi mhiri kwaJorodhani, mberi kwenzira yokumavirira ezuva, munyika yavaKenani, vagere paMupata, pakatarisana neGirigari, pamiouki yeMore here? Nokuti munofanira kuyambuka Jorodhani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu; ichava yenyu, mugaremo. Chenjerai kuti muite zvakatemwa nezvakatongwa zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi.

Dhuteronomi 11:18-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Naizvozvo pfundirai mazwi angu aya, mumwoyo menyu nomumweya wenyu, muasungirire paruoko rwenyu chive chiratidzo, muasungirirewo pahuma dzenyu netsungare. Adzidzisei vana venyu. Taura nezvawo ugere mumba yako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge uvete, napaunomuka. Anyore pamagwatidziro epamba yako napamisuo yako mikuru, kuitira kuti imi navana venyu murarame mazuva akawanda munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu nokusingaperi. “Mukanyatsoteerera mitemo yose iyi yandiri kukupai, mukaichengeta, mukada Tenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake, nokuramba makangoti kwati kwati naye, Tenzi achakudzingirai ndudzi dzose idzi munyika dzadzo kuti imi muzotonga ndudzi huru dzakasimba kupinda imi. Pose pachatsika rutsoka rwenyu pachava penyu. Muganho wenyu uchabvira kurenje kundosvika kuGomo reRebhanoni, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi kundosvika kugungwa rokumadokero. Hapana achagona kumirisana nemi, Tenzi achapa kuti kwose kwamuchasvika vanhu voko vachadedera nokukutyai sokutaura kwaakaita. “Teerera unzwe, nhasi uno ndakuisira zvokusarudza, chikomborero kana rushambwa. Unowana chikomborero kana ukateerera mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno. Asi unowana rushambwa kana ukasateerera mitemo yaTenzi Mwari wako wotsauka panzira yandiri kukuudza nhasi uno, wotevera vamwe vamwari vausina kumboziva. Kana Tenzi Mwari wako azokusvitsa munyika yawava kundoita yako, unofanira kupa chikomborero uri paGomo reGerizimu, worengerera uchishurikidza rushambwa uri paGomo reEbhari.” Inga wani makomo iwayo ari munyika yevaKanani vanogara kuArabha, kwakatarisana neGirigari, kumhiri kwaJorodhani kumadokero munyasi momuti womuoku weMore. “Zvino mava kuyambuka Jorodhani, kundotora nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu, kana maitora maiita yenyu magara mairi, chenjererai kuchengeta mirao nezvirevo zvose zvandiri kuisa pamberi penyu nhasi uno.

Dhuteronomi 11:18-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Naiɀoɀo munofanira kuceŋgeta mashoko aŋgu awa mumŋoyo yenyu nomumŋeya yenyu; munofanira kuasuŋgira pamaʋoko enyu, ciʋe ciratidzo, ʋuye anofanira kuʋa rundanyara pakati pameso enyu. Ʋuye munofanira kuadzidzisa ʋana ʋenyu, mucitaurirana pamsoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana ucifamba panzira, kana uciʋata pasi, ʋuye kana ucimuka; unofanira kuanyora pamagwatidziro emikoʋa yeimba yako, napamasuʋo ako; kuti mazuʋa enyu awedzerwe, namazuʋa aʋana ʋenyu, panyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova kuti ucaʋapa iyo, aite samazuʋa okuɗeŋga pamsoro penyika. Nokuti kana mukaceŋgeta ɀakanaka murairo uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukaɗa Jehova Mŋari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira; Jehova ucadziŋga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imi mucaɓata ndudzi dzinokupfuʋurai noʋukuru nesimba, dziʋe dzenyu. Nɀimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu icaʋa yenyu, nenyika yenyu icabva parenje, neRebanoni, kubva parwizi, rwizi Ufratesi, kuȿikira kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa. Hakunomunhu uŋgagona kumira pamberi penyu; Jehova Mŋari wenyu ucatyisa nokuvundusa nyika yose pamsoro penyu, nyika iyo yamucazotsika pamsoro payo, seɀaakataura kwamuri. Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehova Mŋari wenyu, yandinokurairai nhasi; nokutukwa, kana musiŋgatereri mirairo yaJehova Mŋari wenyu, asi mucitsauka panzira yandinokurairai nhasi, mukateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋamusina‐kuziʋa. Ɀino kana Jehova Mŋari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbari. Ko makomo awo haazi mhiri kwaJoridani, mberi kwenzira yokumaʋirira ezuʋa, munyika yaʋaKanani, ʋagere paMupata, pakatarisana neGirgari, pamiouki yeMore here? Nokuti munofanira kuyambuka Joridani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu; icaʋa yenyu, mugare’mo. Cenjerai kuti muite ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa ɀose, ɀandinoisa pamberi penyu nhasi.

Dhuteronomi 11:18-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)