Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 11:18-32

Deuteronomio 11:18-32 SUB1949

Naiɀoɀo munofanira kuceŋgeta mashoko aŋgu awa mumŋoyo yenyu nomumŋeya yenyu; munofanira kuasuŋgira pamaʋoko enyu, ciʋe ciratidzo, ʋuye anofanira kuʋa rundanyara pakati pameso enyu. Ʋuye munofanira kuadzidzisa ʋana ʋenyu, mucitaurirana pamsoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana ucifamba panzira, kana uciʋata pasi, ʋuye kana ucimuka; unofanira kuanyora pamagwatidziro emikoʋa yeimba yako, napamasuʋo ako; kuti mazuʋa enyu awedzerwe, namazuʋa aʋana ʋenyu, panyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova kuti ucaʋapa iyo, aite samazuʋa okuɗeŋga pamsoro penyika. Nokuti kana mukaceŋgeta ɀakanaka murairo uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukaɗa Jehova Mŋari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira; Jehova ucadziŋga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imi mucaɓata ndudzi dzinokupfuʋurai noʋukuru nesimba, dziʋe dzenyu. Nɀimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu icaʋa yenyu, nenyika yenyu icabva parenje, neRebanoni, kubva parwizi, rwizi Ufratesi, kuȿikira kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa. Hakunomunhu uŋgagona kumira pamberi penyu; Jehova Mŋari wenyu ucatyisa nokuvundusa nyika yose pamsoro penyu, nyika iyo yamucazotsika pamsoro payo, seɀaakataura kwamuri. Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehova Mŋari wenyu, yandinokurairai nhasi; nokutukwa, kana musiŋgatereri mirairo yaJehova Mŋari wenyu, asi mucitsauka panzira yandinokurairai nhasi, mukateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋamusina‐kuziʋa. Ɀino kana Jehova Mŋari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbari. Ko makomo awo haazi mhiri kwaJoridani, mberi kwenzira yokumaʋirira ezuʋa, munyika yaʋaKanani, ʋagere paMupata, pakatarisana neGirgari, pamiouki yeMore here? Nokuti munofanira kuyambuka Joridani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu; icaʋa yenyu, mugare’mo. Cenjerai kuti muite ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa ɀose, ɀandinoisa pamberi penyu nhasi.