“Naizvozvo pfundirai mazwi angu aya, mumwoyo menyu nomumweya wenyu, muasungirire paruoko rwenyu chive chiratidzo, muasungirirewo pahuma dzenyu netsungare. Adzidzisei vana venyu. Taura nezvawo ugere mumba yako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge uvete, napaunomuka. Anyore pamagwatidziro epamba yako napamisuo yako mikuru, kuitira kuti imi navana venyu murarame mazuva akawanda munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu nokusingaperi. “Mukanyatsoteerera mitemo yose iyi yandiri kukupai, mukaichengeta, mukada Tenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake, nokuramba makangoti kwati kwati naye, Tenzi achakudzingirai ndudzi dzose idzi munyika dzadzo kuti imi muzotonga ndudzi huru dzakasimba kupinda imi. Pose pachatsika rutsoka rwenyu pachava penyu. Muganho wenyu uchabvira kurenje kundosvika kuGomo reRebhanoni, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi kundosvika kugungwa rokumadokero. Hapana achagona kumirisana nemi, Tenzi achapa kuti kwose kwamuchasvika vanhu voko vachadedera nokukutyai sokutaura kwaakaita. “Teerera unzwe, nhasi uno ndakuisira zvokusarudza, chikomborero kana rushambwa. Unowana chikomborero kana ukateerera mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno. Asi unowana rushambwa kana ukasateerera mitemo yaTenzi Mwari wako wotsauka panzira yandiri kukuudza nhasi uno, wotevera vamwe vamwari vausina kumboziva. Kana Tenzi Mwari wako azokusvitsa munyika yawava kundoita yako, unofanira kupa chikomborero uri paGomo reGerizimu, worengerera uchishurikidza rushambwa uri paGomo reEbhari.” Inga wani makomo iwayo ari munyika yevaKanani vanogara kuArabha, kwakatarisana neGirigari, kumhiri kwaJorodhani kumadokero munyasi momuti womuoku weMore. “Zvino mava kuyambuka Jorodhani, kundotora nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu, kana maitora maiita yenyu magara mairi, chenjererai kuchengeta mirao nezvirevo zvose zvandiri kuisa pamberi penyu nhasi uno.
Verenga chikamu Kutsinhira Mutemo 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kutsinhira Mutemo 11:18-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo