Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 7:1-12

Dhanieri 7:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora zvose zvaakarota. Dhanieri akati, “Muchiratidzo changu usiku, ndakatarira, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhepo ina dzokudenga dzaibvongodza gungwa guru. Mhuka huru ina, dzisina kufanana dzakabuda kubva mugungwa. “Yokutanga yakanga yakaita seshumba, uye yakanga ina mapapiro egondo. Ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo abviswa uye ikasimudzwa kubva pasi zvokuti yakamira namakumbo maviri somunhu, uye yakapiwa mwoyo womunhu. “Uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechipiri, yakanga yakafanana nebere. Yakanga yakasimudzwa kuno rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu mumuromo mayo. Yakanzi, ‘Simuka udye nyama yako ugute!’ “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa, uye hapo pamberi pangu pakanga pane imwe mhuka, yakanga yakafanana neingwe. Uye yakanga ina mapapiro mana akaita seeshiri kumusana kwayo. Mhuka iyi yakanga ine misoro mina, uye yakapiwa simba rokutonga. “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa muchiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechina, yaityisa uye yaivhundutsa, uye ine simba guru. Yakanga ina meno makuru esimbi; yakapwanya ikadya nyama yayo uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzose dzakare, uye yakanga ine nyanga gumi. “Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza. “Ndichakatarisa, “zvigaro zvoushe zvakagadzikwa, uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake. Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando; bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru. Chigaro chake chainganduma nomoto, uye mavhiri acho ose aipfuta. Rwizi rwomoto rwaiyerera, ruchibuda pamberi pake. Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira; zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake. Dare rakagara pasi, mabhuku ndokuzarurwa. “Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta. Kana dziri dzimwe mhuka dzakanga dzatorerwa simba radzo, asi dzakatenderwa kurarama kwechinguva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 7

Dhanieri 7:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanieri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhoo dzake; akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo. Dhanieri akataura, akati, “Ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, tarirai, mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru. Mhuka huru ina dzikakwira dzichibuda mugungwa, dzisina kufanana. Yokutanga yakanga yakafanana neshumba, ina mapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kusvikira mapapiro ayo ataurwa, ikasimudzwa ichibva panyika, ikamiswa namakumbo maviri somunhu, ikapiwa mwoyo womunhu. “Ndikaonazve imwe mhuka, yechipiri, yakafanana nebere; iyo yakanga yakasimudza rumwe rutivi rwayo, uye mumuromo mayo yakanga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; vakati kwariri, ‘Simuka, upedze nyama zhinji.’ “Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona imwezve, yakafanana nengwe, yakanga ina mapapiro mana pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakanga ine misoro minawo; ikapiwa simba. “Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna‐vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi. Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru. “Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta. Rwizi rwomoto rwakanga rwuchibuda ruchibva pamberi pake; zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira, uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi; kutonga kukatanga, bhuku rikazarurwa. “Ndikaramba ndakatarira nenguva iyo nemhaka yokudana kwamashoko makuru akanga achitaurwa norunyanga; ndikaramba ndakatarira kusvikira mhuka yaurawa, muviri wayo uchiparadzwa, uchiiswa mumoto kuti upiswe. Kana dziri dzimwe mhuka, dzakatorerwa ushe hwadzo, asi upenyu hwadzo hwakawedzerwa kusvikira nhambo nenguva zvakatenderwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 7

Dhanieri 7:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mugore rechiposhi rokutonga kwaBherishaza, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope. Akaona zviratidzo mumusoro make arere pamubhedha wake. Akanyora chiroto ichocho akarondedzera muchidimu zvaakarota. Dhanieri akati, “Zvandakaona muchiratidzo usiku ndezvizvi. Ndakaona mhepo dzokumativi mana edenga dzichisimudza zigungwa guru. Ndokubva mugungwa imomo madzumbunuka zvikara zvina zvakakura chaizvo zvakasiyana. Chokutanga chakanga chakaita seshumba uye chiina mapapiro egondo. Ndakati ndakatarisa kudaro, mapapiro acho akadzurwa ndokubva chasumudzwa kubva pasi chikaitwa kuti chimire namakumbo maviri somunhu chikapiwa pfungwa dzinenge dzomunhu. “Onei hecho chimwe chikara chechipiri zvino, chakafanana nebere chakati kwirirei kumwe uku chakaruma namazino pamuromo mbabvu nhatu. Zvino ichi chakanzi, ‘Sumuka udye nyama yakawanda!’ “Pedzepo ndakaona hecho chimwewo chinenge mbada chiina mapapiro mana eshiri pamusana pacho. Chikara ichi chakanga chiine misoro mina chikabvawo chapiwa simba rokutonga. “Tevere, ndakaona zviratidzo usiku, ndakaona chimwezve chikara chechina chakashata chinotyisa kwazvo chiine simba guru kwazvo. Chaiva namazino makuru esimbi chaizhanya chichibvambura-bvambura chichitsokodzera netsoka zvainge zvasara. Chakanga chakasiyana nezvimwe zvikara zvose zvakachitangira. Chakanga chiine nyanga gumi. Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki. “Ndakachitarisa kudaro, pakagadzikirwa zvigaro zvoumambo, mumwe, iye Chidzachapo ndokubva agara pachigaro chake. Hanzu dzake dzakanga dzakati ngwe-e kuchena sechando iro vhudzi iri mumusoro make, rakachena kuti mbu-u sewuru yakanakisisa. Chigaro chake choumambo chakanga chiri marimi omoto anovavaya, mavhiri acho ari moto chaiwo. Kakova chaiko kemoto kaiyerera kachitangira mberi kwake. Zviuru nezviuru zvaimushandira, gumi rezviuru rakapetwa kagumi rakanga rimire paari pakagarwa dare rokutonga, mabhuku akazarurwa. “Ini ndakatarisa pamusana pemheremhere yamazwi asingatauriki aitaurwa nenyanga iyoyo. Ndakatarisa kudaro, chikara ichocho chakaurayiwa mutumbi wacho ukaparadzwa chikabva chapiswa nomoto. Zvimwe zvikara zvose zviya zvakatorerwa simba razvo rokutonga asi zvakambosiyiwa zviri zvipenyu kwemwaka nekachinguva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 7

Dhanieri 7:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Negore rokutaŋga raBershazari mambo weBabironi Danieri akarota, akaratidzwa ɀimŋe mumusoro make ari panhoʋo dzake; akanyora ɀaakarota, akaʋudza ʋanhu mashoko makuru aɀo. Danieri akataura, akati: Ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, tarirai, mhepo inna dzokuɗeŋga dzakamutsa guŋgwa guru. Mhuka huru inna dzikakwira dziciɓuɗa muguŋgwa, dzisina‐kufanana. Yokutaŋga yakaŋga yakafanana neshumba, inamapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mapapiro ayo ataʋurwa, ikasimudzwa icibva panyika, ikamiswa namakumbo maʋiri somunhu, ikapiwa mŋoyo womunhu. Ndikaʋona ɀe imŋe mhuka, yecipiri, yakafanana neɓere; iyo yakaŋga yakasimudza rumŋe rutiʋi rwayo, ʋuye mumuromo mayo yakaŋga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; ʋakati kwariri: Simuka, upedze nyama zhinji. Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona imŋe ɀe, yakafanana neŋgwe, yakaŋga inamapapiro manna pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakaŋga inemisoro minna ʋo; ikapiwa simba. Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mhuka yecinna, yaityisa nokuvundusa, inesimba guru kwaɀo; yakaŋga inameno makuru oʋutare; ikapedza, nokuvuna‐vuna, nokupxanya ɀakaŋga ɀasara netsoka dzayo; iyi yakaŋga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitaŋgira; yakaŋga inenyaŋga gumi. Ndikacerekedza nyaŋga, ndikaʋona rumŋe runyaŋga ruciɓuɗa pakati pedzimŋe, ruri ruɗuku, dzimŋe nyaŋga nhatu panedzokutaŋga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaʋona kuti parunyaŋga urwo pakaŋga panameso omunhu, nomuromo wakaŋga ucitaura ɀinhu ɀikuru. Ndikaramba ndakatarira kuȿikira ɀigaro ɀoʋushe ɀagadzwa’po, mumŋe wakakwegura pamazuʋa ake akagara’po; ŋguʋo yake yakaŋga yakacena secando, ʋuye vudzi romusoro wake rakaŋga rakaita samakushe akanatswa; cigaro cake coʋushe yakaŋga iri miraɀo yomŋoto, makumbo aco uri mŋoto unopfuta. Rwizi rwomŋoto rwakaŋga ruciɓuɗa rucibva pamberi pake; ɀuru neɀuru ɀakaŋga ɀicimuɓatira, ʋuye pamberi pake pakaŋga pamire ɀuru ɀinegumi ɀeɀuru ɀinegumi; kutoŋga kukataŋga, buku dzikazarurwa. Ndikaramba ndakatarira neŋguʋa iyo nemhaka yokuɗana kwamashoko makuru akaŋga acitaurwa norunyaŋga; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mhuka yaʋurawa, muʋiri wayo uciparadzwa, uciiswa kumŋoto kuti upiswe. Kana dziri dzimŋe mhuka, dzakatorerwa ʋushe bgadzo, asi ʋupenyu bgadzo bgakawedzerwa kuȿikira nhambo neŋguʋa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 7

Dhanieri 7:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)