Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 7

7
Dhanieri anorota Mhuka Ina
1Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora zvose zvaakarota.
2Dhanieri akati, “Muchiratidzo changu usiku, ndakatarira, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhepo ina dzokudenga dzaibvongodza gungwa guru. 3Mhuka huru ina, dzisina kufanana dzakabuda kubva mugungwa.
4“Yokutanga yakanga yakaita seshumba, uye yakanga ina mapapiro egondo. Ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo abviswa uye ikasimudzwa kubva pasi zvokuti yakamira namakumbo maviri somunhu, uye yakapiwa mwoyo womunhu.
5“Uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechipiri, yakanga yakafanana nebere. Yakanga yakasimudzwa kuno rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu mumuromo mayo. Yakanzi, ‘Simuka udye nyama yako ugute!’
6“Shure kwaizvozvo, ndakatarisa, uye hapo pamberi pangu pakanga pane imwe mhuka, yakanga yakafanana neingwe. Uye yakanga ina mapapiro mana akaita seeshiri kumusana kwayo. Mhuka iyi yakanga ine misoro mina, uye yakapiwa simba rokutonga.
7“Shure kwaizvozvo, ndakatarisa muchiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechina, yaityisa uye yaivhundutsa, uye ine simba guru. Yakanga ina meno makuru esimbi; yakapwanya ikadya nyama yayo uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzose dzakare, uye yakanga ine nyanga gumi.
8“Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza.
9“Ndichakatarisa,
“zvigaro zvoushe zvakagadzikwa,
uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake.
Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando;
bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru.
Chigaro chake chainganduma nomoto,
uye mavhiri acho ose aipfuta.
10Rwizi rwomoto rwaiyerera,
ruchibuda pamberi pake.
Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira;
zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake.
Dare rakagara pasi,
mabhuku ndokuzarurwa.
11“Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta. 12Kana dziri dzimwe mhuka dzakanga dzatorerwa simba radzo, asi dzakatenderwa kurarama kwechinguva.
13“Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake. 14Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.
Kududzirwa kwoKurota
15“Ini Dhanieri ndakatambudzika mumweya wangu, uye zviratidzo zvakasvika mumusoro mangu zvakanditambudza. 16Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose.
“Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti, 17‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika. 18Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’
19“Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. 20Ndakadawo kuziva pamusoro penyanga gumi dzakanga dziri pamusoro wayo uye napamusoro porumwe runyanga rwuya rwakabuda, dzimwe dzacho nhatu dzikawa pamberi payo, runyanga rwuya rwainyanya kuva nomukundo kupfuura dzimwe, uye rwakanga runa meso uye nomuromo waitaura mashoko okuzvikudza. 21Ndichakatarisa, runyanga urwu rwakanga ruchirwa hondo navatsvene ruchivakunda, 22kusvikira Iye Wamazuva Akare asvika akaruramisira vatsvene veWokumusoro-soro, uye nguva ikasvika yavakatora umambo.
23“Akandipa tsananguro iyi achiti, ‘Mhuka yechina ndiyo umambo hwechina huchaonekwa panyika. Huchasiyana nohumwe umambo uye huchaparadza nyika yose, huchiitsika-tsika huchiiparadza. 24Nyanga gumi ndidzo madzimambo gumi achabva kuumambo uhu. Shure kwavo kuchamuka mumwe mambo, akasiyana navaya vokutanga; achakunda madzimambo matatu. 25Achataura zvinorwisana neWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene vake, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva.
26“ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi. 27Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu veWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, vatongi vose vachamunamata uye vachamuteerera.’
28“Aya ndiwo magumo enyaya. Ini, Dhanieri, ndakatambudzika zvikuru nepfungwa dzangu, uye uso hwangu hwakatsvukuruka, asi ndakachengeta nyaya iyi mumwoyo mangu.”

Zvasarudzwa nguva ino

Dhanieri 7: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda