Negore rokutaŋga raBershazari mambo weBabironi Danieri akarota, akaratidzwa ɀimŋe mumusoro make ari panhoʋo dzake; akanyora ɀaakarota, akaʋudza ʋanhu mashoko makuru aɀo. Danieri akataura, akati: Ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, tarirai, mhepo inna dzokuɗeŋga dzakamutsa guŋgwa guru. Mhuka huru inna dzikakwira dziciɓuɗa muguŋgwa, dzisina‐kufanana. Yokutaŋga yakaŋga yakafanana neshumba, inamapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mapapiro ayo ataʋurwa, ikasimudzwa icibva panyika, ikamiswa namakumbo maʋiri somunhu, ikapiwa mŋoyo womunhu. Ndikaʋona ɀe imŋe mhuka, yecipiri, yakafanana neɓere; iyo yakaŋga yakasimudza rumŋe rutiʋi rwayo, ʋuye mumuromo mayo yakaŋga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; ʋakati kwariri: Simuka, upedze nyama zhinji. Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona imŋe ɀe, yakafanana neŋgwe, yakaŋga inamapapiro manna pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakaŋga inemisoro minna ʋo; ikapiwa simba. Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mhuka yecinna, yaityisa nokuvundusa, inesimba guru kwaɀo; yakaŋga inameno makuru oʋutare; ikapedza, nokuvuna‐vuna, nokupxanya ɀakaŋga ɀasara netsoka dzayo; iyi yakaŋga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitaŋgira; yakaŋga inenyaŋga gumi. Ndikacerekedza nyaŋga, ndikaʋona rumŋe runyaŋga ruciɓuɗa pakati pedzimŋe, ruri ruɗuku, dzimŋe nyaŋga nhatu panedzokutaŋga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaʋona kuti parunyaŋga urwo pakaŋga panameso omunhu, nomuromo wakaŋga ucitaura ɀinhu ɀikuru. Ndikaramba ndakatarira kuȿikira ɀigaro ɀoʋushe ɀagadzwa’po, mumŋe wakakwegura pamazuʋa ake akagara’po; ŋguʋo yake yakaŋga yakacena secando, ʋuye vudzi romusoro wake rakaŋga rakaita samakushe akanatswa; cigaro cake coʋushe yakaŋga iri miraɀo yomŋoto, makumbo aco uri mŋoto unopfuta. Rwizi rwomŋoto rwakaŋga ruciɓuɗa rucibva pamberi pake; ɀuru neɀuru ɀakaŋga ɀicimuɓatira, ʋuye pamberi pake pakaŋga pamire ɀuru ɀinegumi ɀeɀuru ɀinegumi; kutoŋga kukataŋga, buku dzikazarurwa. Ndikaramba ndakatarira neŋguʋa iyo nemhaka yokuɗana kwamashoko makuru akaŋga acitaurwa norunyaŋga; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mhuka yaʋurawa, muʋiri wayo uciparadzwa, uciiswa kumŋoto kuti upiswe. Kana dziri dzimŋe mhuka, dzakatorerwa ʋushe bgadzo, asi ʋupenyu bgadzo bgakawedzerwa kuȿikira nhambo neŋguʋa.