Danieri 7
7
Danieri unoʋona ɀipenyu ɀinna ɀicibva kuguŋgwa.
1Negore rokutaŋga raBershazari mambo weBabironi Danieri akarota, akaratidzwa ɀimŋe mumusoro make ari panhoʋo dzake; akanyora ɀaakarota, akaʋudza ʋanhu mashoko makuru aɀo. 2Danieri akataura, akati: Ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, tarirai, mhepo inna dzokuɗeŋga dzakamutsa guŋgwa guru. 3Mhuka huru inna dzikakwira dziciɓuɗa muguŋgwa, dzisina‐kufanana. 4Yokutaŋga yakaŋga yakafanana neshumba, inamapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mapapiro ayo ataʋurwa, ikasimudzwa icibva panyika, ikamiswa namakumbo maʋiri somunhu, ikapiwa mŋoyo womunhu. 5Ndikaʋona ɀe imŋe mhuka, yecipiri, yakafanana neɓere; iyo yakaŋga yakasimudza rumŋe rutiʋi rwayo, ʋuye mumuromo mayo yakaŋga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; ʋakati kwariri: Simuka, upedze nyama zhinji. 6Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona imŋe ɀe, yakafanana neŋgwe, yakaŋga inamapapiro manna pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakaŋga inemisoro minna ʋo; ikapiwa simba. 7Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mhuka yecinna, yaityisa nokuvundusa, inesimba guru kwaɀo; yakaŋga inameno makuru oʋutare; ikapedza, nokuvuna‐vuna, nokupxanya ɀakaŋga ɀasara netsoka dzayo; iyi yakaŋga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitaŋgira; yakaŋga inenyaŋga gumi. 8Ndikacerekedza nyaŋga, ndikaʋona rumŋe runyaŋga ruciɓuɗa pakati pedzimŋe, ruri ruɗuku, dzimŋe nyaŋga nhatu panedzokutaŋga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaʋona kuti parunyaŋga urwo pakaŋga panameso omunhu, nomuromo wakaŋga ucitaura ɀinhu ɀikuru. 9Ndikaramba ndakatarira kuȿikira ɀigaro ɀoʋushe ɀagadzwa’po, mumŋe wakakwegura pamazuʋa ake akagara’po; ŋguʋo yake yakaŋga yakacena secando, ʋuye vudzi romusoro wake rakaŋga rakaita samakushe akanatswa; cigaro cake coʋushe yakaŋga iri miraɀo yomŋoto, makumbo aco uri mŋoto unopfuta. 10Rwizi rwomŋoto rwakaŋga ruciɓuɗa rucibva pamberi pake; ɀuru neɀuru ɀakaŋga ɀicimuɓatira, ʋuye pamberi pake pakaŋga pamire ɀuru ɀinegumi ɀeɀuru ɀinegumi; kutoŋga kukataŋga, buku dzikazarurwa. 11Ndikaramba ndakatarira neŋguʋa iyo nemhaka yokuɗana kwamashoko makuru akaŋga acitaurwa norunyaŋga; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mhuka yaʋurawa, muʋiri wayo uciparadzwa, uciiswa kumŋoto kuti upiswe. 12Kana dziri dzimŋe mhuka, dzakatorerwa ʋushe bgadzo, asi ʋupenyu bgadzo bgakawedzerwa kuȿikira nhambo neŋguʋa. 13Ndikaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mumŋe wakafanana nomŋanakomana womunhu aciʋuya namakore okuɗeŋga, akaȿika kunowakakwegura pamazuʋa ake, ʋakamusweɗedza pamberi pake. 14Akapiwa simba, nokubginya, noʋushe, kuti ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋamushumire; simba rake roʋushe isimba risiŋgaperi, risiŋgazopfuʋuri, ʋuye ʋushe bgake haʋuŋgazoparadzwi.
15Kana ndiri’ni Danieri, mŋeya waŋgu wakatambudzika mukati momuʋiri waŋgu, ʋuye ɀandakaʋona mumusoro maŋgu ɀakandivundusa. 16Ndikasweɗera kunomumŋe wakaŋga amire’po, ndikamubvunza kuɗudzirwa kwaɀokwaɗi kweɀinhu iɀo ɀose. Akandiʋudza, akandiziʋisa kuɗudzirwa kweɀinhu iɀo. 17Mhuka idzi huru, idzo inna, ndiwo madzimambo manna acamuka panyika. 18Asi ʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro ʋacapiwa ʋushe, ʋushe ʋucaʋa bgaʋo nokusiŋgaperi‐peri. 19Ipapo ndakaɗa kuziʋa kuɗudzirwa kwaɀokwaɗi kwemhuka yecinna, yakaŋga yakasiyana nedzimŋe dzose, yakaŋga icityisa ɀikuru, yakaŋga inameso oʋutare, nzara dzayo dziri dzendarira; iyo, yakaŋga yapedza, nokuputsanya, nokupxanya ɀakasara netsoka dzayo; 20ʋuye pamsoro penyaŋga dzinegumi dzakaŋga dziri pamusoro wayo, norumŋe runyaŋga rwakazoɓuɗa, dzimŋe nyaŋga nhatu dzikaparadzwa pamberi parwo, irwo runyaŋga rwakaŋga runameso nomuromo wakaŋga ucitaura ɀinhu ɀikuru, rwakaŋga rwakapfuʋura dzimŋe shamŋari dzarwo paʋukuru. 21Ndakatarira, ndikaʋona runyaŋga urwu rucirwa naʋatȿene, nokuʋakunda; 22kuȿikira wakakwegura pamazuʋa ake aciȿika, ʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro ʋakaruramisirwa, ŋguʋa ikaȿika yokuti ʋatȿene ʋapiwe ʋushe. 23Akati: Mhuka yecinna ʋucaʋa ʋushe bgecinna panyika, ʋucasiyana noʋumŋe ʋushe bgose, ʋucapedza nyika yose, nokuʋupxanya nokuʋuputsanya. 24Kana dziri nyaŋga dzinegumi, paʋushe ubgu pacamuka madzimambo anegumi, asi mumŋe ɀe ucamuka shure kwaʋo; iye ucasiyana naʋamŋe ʋokutaŋga, ucakunda madzimambo matatu. 25Ucataura mashoko okumhura Wokumsoro‐soro, ucaparadza ʋatȿene, ʋuye ucatȿaka mano okushandura ŋguʋa nemirairo; iʋo ʋacaiswa mumaʋoko ake kuȿikira ŋguʋa imŋe nedzimŋe ŋguʋa, nehafu yeŋguʋa. 26Asi kutoŋga kucataŋga, ʋacabvisa simba rake, kuti ʋaripedze nokuriparadza kuȿikira pakuguma. 27Ipapo ʋushe nesimba noʋukuru bgoʋushe bgose pasi peɗeŋga rose, ɀicapiwa ʋanhu ʋaʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro; ʋushe bgake ndobgokusiŋgaperi, masimba ose acamushumira nokumuterera. 28Ndi’ko kuguma kweshoko. Kana ndiri’ni Danieri, pfuŋgwa dzaŋgu dzakandivundusa kwaɀo, ciso caŋgu cikashandurwa mukati maŋgu; asi ndakaceŋgeta shoko iri mumŋoyo maŋgu.
Zvasarudzwa nguva ino
Danieri 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018