Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 8

8
Ciratidzo cegondobge nenhoŋgo.
1Negore recitatu rokuɓata ʋushe kwamambo Bershazari, ini Danieri ndakaratidzwa ciratidzo, shure kweciya candakaratidzwa pakutaŋga. 2Ndikaʋona paneɀandakaratidzwa; ɀino ndakati ndicitarira, ndakaŋga ndiri paShushani, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikaʋona paneɀandakaratidzwa, ndiri parwizi Urai. 3Ndikarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona gondobge rimire pamberi porwizi, rinenyaŋga mbiri; nyaŋga mbiri dzakaŋga dzakareɓa, asi rumŋe rwakaŋga rwakapfuʋura rumŋe nokureɓa; rwakaŋga rwakareɓa ndirwo rwakaɓuɗa shure. 4Ndikaʋona gondobge ricituŋga kumatiʋi amaʋirazuʋa, nokumsoro, nezasi; hakuneɀipfuwo ɀaigona kuramba ɀimire pamberi paro, ʋuye kwakaŋga kusina‐waigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakaɗa napo, rikaɀikudza. 5Ɀino ndakati ndicafuŋga iɀoɀo, ndikaʋona nhoŋgo icibva kumaʋirazuʋa icifamba panyika pose, asi isiŋgatsiki pasi; ɀino nhoŋgo yakaŋga inorunyaŋga rukuru pakati pameso ayo. 6Ikaȿika pagondobge, raiʋa nenyaŋga mbiri, randakaʋona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo. 7Ndikaʋona icisweɗera pedyo negondobge, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatuŋga gondobge, ikavuna nyaŋga dzaro mbiri; gondobge rakaŋga risinesimba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, ikatsika pamsoro paro, hakuna‐wakagona kurwira gondobge pasimba rayo. 8Nhoŋgo ikaɀikudza ɀikuru kwaɀo; ɀino yakati yasimba, runyaŋga rukuru ndokuvunika, nyaŋga huru inna dzikaɓuɗa panɀimbo yarwo, dzakatarira kumhepo inna dzokuɗeŋga. 9Ɀino kunorumŋe rwadzo kwakaɓuɗa runyaŋga ruɗuku, rwakazokura kwaɀo, kumatiʋi ezasi, nokumaʋirazuʋa, nokunyika yakaiȿo‐naka. 10Rukakura kuȿikira iko kuhondo dzokuɗeŋga, rukawisira pasi dzimŋe hondo nenyeredzi, ndokutsika pamsoro paɀo. 11Rukaɀikudza kuȿikira kumucinda wehondo; rukamutorera cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, nɀimbo yeimba yake tȿene ikaputswa. 12Hondo ikamutswa kuzorwa necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose nokuɗa kwokuɗarika; rukawisira pasi ɀokwaɗi, rukafara paneɀose ɀarwakaita. 13Ipapo ndakanzwa mumŋe mutȿene acitaura; ɀino mumŋe mutȿene ɀe akati kunaiye wakaŋga acitaura: Ko iɀo ɀakaratidzwa ɀicaȿika rini, iɀo ɀecipiriso cinopiswa nokusiŋgaperi nokuɗarika kunoparadza, kuti nɀimbo tȿene nehondo ɀiregwe ɀicitsikwa netsoka? 14Akati kwandiri: Kuȿikira maɗekwana namaŋgwanani aneɀuru ɀiʋiri namazana matatu; ipapo nɀimbo tȿene icanatswa.
15Ɀino ini, iyeni Danieri, ndakati ndaʋona ɀandaratidzwa, ndikatȿaka kuɀinzwisisa, ndikaʋona mumŋe wakaŋga akaita somunhu amire pamberi paŋgu. 16Ndikanzwa inzwi romunhu ricibva pakati pemhenderekedzo dzaUrai, riciɗana riciti: Gabrieri, ɗudzira munhu uyu ɀaakaratidzwa. 17Ipapo akasweɗera kwandakaŋga ndimire; ɀino wakati aciȿika, ndikatya, ndokuwira pasi neciso caŋgu; asi wakati kwandiri: Cinzwisisa, iwe mŋanakomana womunhu, nokuti ɀawakaratidzwa ndeɀeŋguʋa yokupedzisira. 18Ɀino wakati acataura neni, ndikaɓatwa nehope kwaɀo ndiʋete neciso caŋgu pasi; asi wakandiɓata, akandimisa. 19Akati: Tarira, ndicakuziʋisa ɀicaʋa’po paŋguʋa yokupedzisira yokutsamŋa kwaJehova, nokuti ndeɀeŋguʋa yakatarwa yokupedzisira. 20Gondobge rawakaʋona, rakaŋga rinenyaŋga mbiri, ndiwo madzimambo aʋaMedia naʋaPersia. 21Ʋuye nhoŋgo inemvere ndiye mambo weGirisi; runyaŋga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutaŋga. 22Kana ruri runyaŋga rwakavunika, dzimŋe inna dzikaɓuɗa panɀimbo yarwo, ʋushe ʋunna ʋucaɓuɗa parudzi urwo, asi haʋuŋgaʋi nesimba rarwo. 23Ɀino paŋguʋa yokupedzisira yoʋushe bgaʋo, kana ʋaɗariki ʋazadza ciyero caʋo, mambo uneciso cinehasha, unoziʋa kuita namano akaipa, ucamuka. 24Simba rake ricaʋa guru, asi haɀiŋgaitwi nesimba rake cairo; ucaparadza ɀinoshamisa, asi ucafara paneɀose ɀaanoita; ucaparadza ʋanesimba naʋanhu ʋatȿene. 25Ɀino nokuŋgwara kwake ucafambisa nhema noruʋoko rwake; ucaɀikudza mumŋoyo make, nokuparadza ʋazhinji ʋakafara haʋo; ucamukira ʋo mucinda waʋacinda, asi ucaputswa ɀisiŋgaitwi noruʋoko rwomunhu. 26Ɀawakaratidzwa ɀamaɗekwana neɀamaŋgwanani, ɀawakaʋudzwa, ndeɀaɀokwaɗi; asi iwe ʋanza ɀawaʋona, nokuti ndeɀamazuʋa mazhinji anozoʋuya. 27Ini Danieri ndikapera simba, ndikarwara mazuʋa; ipapo ndikamuka, ndikaɓata maɓasa amambo, ndikashamiswa neɀandakaratidzwa, asi kwakaŋga kusinomunhu waiɀinzwisisa.

Zvasarudzwa nguva ino

Danieri 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda