Amosi 6:1-14
Amosi 6:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mune nhamo imi makavarairwa muZioni, nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria, imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru, kunoenda vanhu veIsraeri! Endai kuKarine mundoritarisa; muchibvapo moenda kuHamati guta guru, uye mozodzika kuGati muFiristia. Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here? Munoti zuva rakaipa ngarirege kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira. Munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizorora pazvigaro zvenyu. Munodya makwayana akaisvonaka nemhuru dzakakodzwa. Munoridza zvenyu mbira dzenyu saDhavhidhi, uye munozvigadzirira zviridzwa. Munonwa waini yakawanda, muchizora mafuta akaisvonaka, asi hamuchemi nokuda kwamatongo aJosefa. Naizvozvo muchava pakati pevachatanga kuenda kuutapwa; mabiko enyu nokuzorora kwenyu zvichapera. Ishe Jehovha akapika naiye pachake, Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, uye ndinovenga nhare dzake; ndichaisa guta kuvavengi nezvose zviri mariri.” Kana varume gumi vakasiyiwa muimba imwe chete naivowo vachafa. Uye kana hama inofanira kupisa mitumbi ikauya kuzovabudisa mumba, uye ikabvunza munhu achakahwanda imomo ichiti, “Pane mumwe waunaye here?” uye akati, “Kwete,” ipapo iye achati, “Nyarara! Hatifaniri kuti titaure zita raJehovha.” Nokuti Jehovha akarayira, uye achaparadza imba huru igoita murwi, nemba duku igoti mwarara. Ko, mabhiza angamhanya paruware here? Ko, pane angaparima ipapo nemombe here? Asi makashandura kururamisira mukakuita muchetura, nechibereko chokururama mukachiita gavakava, imi munopembera pakukundwa kweRo Dhibhari uye munoti, “Hatina kuzvitorera Karinaini nesimba redu here?” Nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndichakumutsirai rumwe rudzi kuti rukumukirei, imi imba yaIsraeri, ruchakutambudzai panzira yenyu yose, kubva kuRebho Hamati kusvikira kumupata weArabha.”
Amosi 6:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vane nhamo vagere zvakanaka paZioni, navagere pakasimba mugomo reSamaria, ivo vanhu vane mbiri vorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsiraeri! Pfuurirai Karine, muone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; zvino muende Gati ravaFirisitia; ivo vakakurira ushe hwohuno here? Nyika yavo ihuru kune yenyu here? Iyemi, munoti zuva rakaipa richiri kure, muchiswededza zvigaro panoitwa nesimba; imi, munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizamura pauvato hwenyu, muchidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu; munoimba nziyo dzisina maturo mbira dzichiridzwa, munozviitira zvinoridzwa saDhavhidhi; imi, munonwa waini nemidziyo yokubayira, muchizora mafuta akaisvonaka; asi hamune hanya nokukuvadzwa kwaJosefa. Naizvozvo zvino vachatapwa nowokutanga vanotapwa; ipapo ruzha rwavanozamura ruchapfuura. Ishe Jehovha wakapika naiye amene ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo achiti, “Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, ndinovenga dzimba dzavo dzoushe; naizvozvo ndinoisa guta nezvose zvirimo kuvavengi vavo.” Zvino kana varume vane gumi vakasara muimba imwe vachafa. Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mapfupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, “Kuchinomumwe newe here?” Iye akati, “Kwete!” Ipapo uchati, “Nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.” Nokuti tarirai, Jehovha anoraira, iye achakoromora imba huru, neimba duku ichaita mitswe. Ko mabhiza angamhanya paruware here? Ko pangarimwa nemombe here? Nokuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava; iyemi, munofarira chinhu chisina maturo, muchiti, “Hatina kuzviwanira nyanga nesimba redu here?” “Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imi imba yaIsiraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.
Amosi 6:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvichakuwani imi mugere pamutambaratede muguta reZioni nevanozviti tigere zvakanaka mugomo reSamaria, vanhu vanozivikanwa kwazvo vokutangatanga verudzi rwavanhu, kunoenda imba yaIsiraeri. Yambukirai kuguta reKarine, muone zvenyu, mubvepo muende, kuguta reHamati, guta guru, muzodzika kuguta reGati ravaFirisitia. Maguta iwayo ari nani here pane nyika mbiri idzi? Kana kuti iyo nyika yavo, ihuru here pane yenyu? Nhaimi munoramba kuti zuva rakaipa richasvika muchitoita kuti utsinye hutonge, iyemi munorara pamibhedha yomunyanga wenzou, muchitambarara zvenyu muri mumitepfetepfe yezvigaro, muchidya zvenyu nyama, yehwayana dzomuzvirugu, neyemhuru dzomudanga rezvipfuwo; iyemi munoumba nziyo itsva dzokuimba namadimbwa; saDhavhidhi muchizvigadzirirawo zvokuridzisa mumhanzi nazvo zvitsva; iyemi munodutira kunwa waini negate muchizvizora mafuta amandiriri asi kuparara kwevokwaJosefi kusingakurwadzei mwoyo! Saka imimi ndimi muchava vokutanga chaivo kuenda kuutapwa, iyemi vokutambarara imi, kudyiririra ikoko nehohoho yenyu iyoyo, zvichapera. TENZI Mwari apika naiye pachake, (zvanzi naTENZI, Mwari wehondo nehondo): “Kuzvikudza kwevokwaJakobho ndinokuzvonda, uye nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo ndinodzivenga saka guta racho nezvose zvirimo ndichazviisa mumaoko evavengi.” Kana vanhu gumi vakasara mumba imwechete, vachatopafa. Hama yomunhu yomumba chaiyo inomuviga yacho, paichauya kuzotakura zvitunha mumba imomo, ikabvunza anenge akahwandamo mukatikati kuti, “Muchine mumwe here asara?” Iye achati, “Kwete.” Uyewo uya achabva ati, “Taurira pasi! Kana kudoma zita raTENZI, ngatiregei.” Nokuti chionai TENZI atema kuti, zimba guru richaparadzwa kuti warara, kamba kaduku kachisarawo kangova zvimedu. Ko mabhiza anomhanya paruware here? Ko munhu angarime here nenzombe pagungwa? Asi imi munosandura ruenzaniso muchiruita chepfu, muchero woururami muchiaita gavakava kuvava, iyemi munofarira zvinhu zvisina maturo, muchitozviti, “Hatisirisu here isu pano, takatora guta reKarinaimu tikatoriita redu pachedu here?” Saka chinzwai munzwe, TENZI Mwari wehondo nehondo ari kuti, “Imi vemba yaIsiraeri ndichakumutsirai rudzi rwavanhu vachakudzvanyirirai kubvira tava kuda kupinda muguta reHamati, kusvikira kuKakova keArabha.”
Amosi 6:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanenhamo ʋagere ɀakanaka paZioni, naʋagere pakasimba mugomo reSamaria, iʋo ʋanhu ʋanembiri ʋorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsraeri! Pfuʋurirai Karne, muʋone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; ɀino muende Gati raʋaFiristia; iʋo ʋakakurira ʋushe bgoʋuno here? Nyika yaʋo ihuru kuneyenyu here? Iyemi, munoti zuʋa rakaipa riciri kure, mucisweɗedza ɀigaro panoitwa nesimba; imi, munoʋata pamibeda yenyaŋga dzenzou, mucizamura paʋuʋato bgenyu, mucidya makwaiana amapoka, nemhuru dziri mukati mecirugu; munoimba nziyo dzisinamaturo mbira dziciridzwa, munoɀiitira ɀinoridzwa saDavidi; imi, munonwa waini nemidziyo yokuɓayira, mucizora mafuta akaiȿo‐naka; asi hamunehanya nokukuʋadzwa kwaJosefa. Naiɀoɀo ɀino ʋacatapxa noʋokutaŋga ʋanotapxa; ipapo ruzha rwaʋanozamura rucapfuʋura. Ishe Jehova wakapika naiye amene‐ndiɀo ɀinotaura Jehova, iye Mŋari wehondo — aciti: Ndinosema kuɀikudza kwaJakobo, ndinoʋeŋga dzimba dzaʋo dzoʋushe; naiɀoɀo ndinoisa guta neɀose ɀiri’mo kuʋaʋeŋgi ʋaʋo. Ɀino kana ʋarume ʋanegumi ʋakasara muimba imŋe ʋacafa. Kana hama yomunhu wakafa iciʋuya kumutora, iye unozomupisa, icibvisa mafupa mumba, ikati kunouri mukati‐kati meimba: Kucinomumŋe newe here? iye akati: Kwete! ipapo ucati: Nyarara, nokuti haɀina‐kufanira kuti tireʋe zita raJehova. Nokuti tarirai, Jehova unoraira, iye ucakoromora imba huru, neimba ɗuku icaita mitswe. Ko mabiza aŋgamhanya paruware here? Ko paŋgarimŋa neŋombe here? Nokuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, neɀiɓereko ɀokururama mukaɀiita gaʋakaʋa; iyemi, munofarira cinhu cisinamaturo, muciti: Hatinakuɀiwanira nyaŋga nesimba reɗu here? Nokuti tarirai, ndicakumutsirai rumŋe rudzi, imi imba yaIsraeri‐ndiɀo ɀinotaura Jehova, iye Mŋari wehondo; rucakutambudzai kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira kurukoʋa rwerenje.
Amosi 6:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)