Amosi 6
6
Kuparadzwa kweIsiraeri
1Zvichakuwani imi mugere
pamutambaratede muguta reZioni
nevanozviti tigere zvakanaka
mugomo reSamaria,
vanhu vanozivikanwa kwazvo
vokutangatanga verudzi rwavanhu,
kunoenda imba yaIsiraeri.
2Yambukirai kuguta reKarine,
muone zvenyu, mubvepo muende,
kuguta reHamati, guta guru,
muzodzika kuguta reGati ravaFirisitia.
Maguta iwayo ari nani here
pane nyika mbiri idzi?
Kana kuti iyo nyika yavo,
ihuru here pane yenyu?
3Nhaimi munoramba kuti
zuva rakaipa richasvika
muchitoita kuti utsinye hutonge,
4iyemi munorara
pamibhedha yomunyanga wenzou,
muchitambarara zvenyu
muri mumitepfetepfe yezvigaro,
muchidya zvenyu nyama,
yehwayana dzomuzvirugu,
neyemhuru dzomudanga rezvipfuwo;
5iyemi munoumba nziyo itsva
dzokuimba namadimbwa;
saDhavhidhi muchizvigadzirirawo
zvokuridzisa mumhanzi nazvo zvitsva;
6iyemi munodutira kunwa waini negate
muchizvizora mafuta amandiriri
asi kuparara kwevokwaJosefi
kusingakurwadzei mwoyo!
7Saka imimi ndimi muchava
vokutanga chaivo kuenda kuutapwa,
iyemi vokutambarara imi,
kudyiririra ikoko nehohoho yenyu iyoyo,
zvichapera.
8TENZI Mwari apika naiye pachake,
(zvanzi naTENZI,
Mwari wehondo nehondo):
“Kuzvikudza kwevokwaJakobho
ndinokuzvonda,
uye nhare dzake
dzokuzvidzivirira nadzo muhondo ndinodzivenga
saka guta racho nezvose zvirimo
ndichazviisa mumaoko evavengi.”
9Kana vanhu gumi vakasara mumba imwechete, vachatopafa. 10Hama yomunhu yomumba chaiyo inomuviga yacho, paichauya kuzotakura zvitunha mumba imomo, ikabvunza anenge akahwandamo mukatikati kuti, “Muchine mumwe here asara?”
Iye achati, “Kwete.”
Uyewo uya achabva ati, “Taurira pasi! Kana kudoma zita raTENZI, ngatiregei.”
11Nokuti chionai
TENZI atema kuti,
zimba guru richaparadzwa
kuti warara,
kamba kaduku kachisarawo kangova zvimedu.
12Ko mabhiza anomhanya paruware here?
Ko munhu angarime here
nenzombe pagungwa?
Asi imi munosandura ruenzaniso
muchiruita chepfu,
muchero woururami
muchiaita gavakava kuvava,
13iyemi munofarira
zvinhu zvisina maturo,#6:13 Maturo: kana kuti Rodhavhari.
muchitozviti, “Hatisirisu here isu pano,
takatora guta reKarinaimu#6:13 Karinaimu: kana kuti “Nyanga idzi.”
tikatoriita redu pachedu here?”
14Saka chinzwai munzwe,
TENZI Mwari wehondo nehondo
ari kuti,
“Imi vemba yaIsiraeri
ndichakumutsirai rudzi rwavanhu
vachakudzvanyirirai
kubvira tava kuda kupinda muguta
reHamati, kusvikira kuKakova keArabha.”
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.