Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 6

6
Ʋagere pakati pomufaro ʋacarobga.
1Ʋanenhamo ʋagere ɀakanaka paZioni, naʋagere pakasimba mugomo reSamaria, iʋo ʋanhu ʋanembiri ʋorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsraeri! 2Pfuʋurirai Karne, muʋone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; ɀino muende Gati raʋaFiristia; iʋo ʋakakurira ʋushe bgoʋuno here? Nyika yaʋo ihuru kuneyenyu here? 3Iyemi, munoti zuʋa rakaipa riciri kure, mucisweɗedza ɀigaro panoitwa nesimba; 4imi, munoʋata pamibeda yenyaŋga dzenzou, mucizamura paʋuʋato bgenyu, mucidya makwaiana amapoka, nemhuru dziri mukati mecirugu; 5munoimba nziyo dzisinamaturo mbira dziciridzwa, munoɀiitira ɀinoridzwa saDavidi; 6imi, munonwa waini nemidziyo yokuɓayira, mucizora mafuta akaiȿo‐naka; asi hamunehanya nokukuʋadzwa kwaJosefa. 7Naiɀoɀo ɀino ʋacatapxa noʋokutaŋga ʋanotapxa; ipapo ruzha rwaʋanozamura rucapfuʋura. 8Ishe Jehova wakapika naiye amene‐ndiɀo ɀinotaura Jehova, iye Mŋari wehondo — aciti: Ndinosema kuɀikudza kwaJakobo, ndinoʋeŋga dzimba dzaʋo dzoʋushe; naiɀoɀo ndinoisa guta neɀose ɀiri’mo kuʋaʋeŋgi ʋaʋo. 9Ɀino kana ʋarume ʋanegumi ʋakasara muimba imŋe ʋacafa. 10Kana hama yomunhu wakafa iciʋuya kumutora, iye unozomupisa, icibvisa mafupa mumba, ikati kunouri mukati‐kati meimba: Kucinomumŋe newe here? iye akati: Kwete! ipapo ucati: Nyarara, nokuti haɀina‐kufanira kuti tireʋe zita raJehova. 11Nokuti tarirai, Jehova unoraira, iye ucakoromora imba huru, neimba ɗuku icaita mitswe. 12Ko mabiza aŋgamhanya paruware here? Ko paŋgarimŋa neŋombe here? Nokuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, neɀiɓereko ɀokururama mukaɀiita gaʋakaʋa; 13iyemi, munofarira cinhu cisinamaturo, muciti: Hatinakuɀiwanira nyaŋga nesimba reɗu here? 14Nokuti tarirai, ndicakumutsirai rumŋe rudzi, imi imba yaIsraeri‐ndiɀo ɀinotaura Jehova, iye Mŋari wehondo; rucakutambudzai kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira kurukoʋa rwerenje.

Zvasarudzwa nguva ino

Amosi 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda