Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 5

5
1Inzwai shoko iri randinokucemai naro, imi imba yaIsraeri. 2Mhandara yaIsraeri yawira pasi; haaŋgazomuki ɀe; wawiswa pasi panyika yake, hakuna‐uŋgamumutsa ɀe. 3Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Paimba yaIsraeri guta, rakaɓuɗa kundorwa naʋanecuru camazana, ricasara nezana roga, ʋuye rakaɓuɗa nezana ricasara negumi. 4Nokuti ɀanzi naShe Jehova kuimba yaIsraeri: Nditȿakei, murarame; 5asi regai kutȿaka Beti‐eri, kana kupinda Girgari, kana kupfuʋurira Beerisheba; nokuti Girgari ricatapxa ɀirokwaɀo, Beti‐eri ricaroʋa. 6Tȿakai Jehova, murarame; kuti arege kupfuta paimba yaJosefa somŋoto unopedza ɀose, kukasaʋa nomunhu unoudzima paBeti‐eri. 7Imi, munoshandura kururamisira mucikuita segaʋakaʋa, muciwisira kururama pasi, 8tsakai iye, wakaita nyeredzi dzeCimutanhatu nedzeOrioni, unoshandura mumvuri worufu aciuita maŋgwanani, unodzima masikati aciaita ʋusiku, unoɗana mvura yeguŋgwa, ndokuiɗururira panyika (Jehova ndiro zita rake); 9unoʋuyisira ʋanesimba kuparadza kunokurumidza, kuparadza ndokuwira nhare. 10Ʋanoʋeŋga unoʋaraira pasuʋo, ʋanosema unotaura ɀakarurama. 11Ɀino ɀamunotsika murombo pasi, mucitora kwaari muripo weɀiyo, imi makaʋaka dzimba dzamabge akaʋezwa, asi hamuŋgagari’mo, makasima minda yemizambiriŋga inofadza, asi hamuŋganwi waini yayo. 12Nokuti ndinoziʋa kuti kuɗarika kwenyu kuzhinji, ʋuye kuti ɀiʋi ɀenyu ɀikuru, kwaɀo, iyemi, munomanikidza ʋakarurama, munogamucira fufuro, muciramba unoshaiwa pasuʋo. 13Saka wakaŋgwara ucanyarara neŋguʋa yakaɗai, nokuti iŋguʋa yakaipa. 14Tȿakai ɀakanaka, murege kutȿaka ɀakaipa, kuti murarame, ipapo Jehova, Mŋari wehondo ucaʋa nemi, seɀamunoreʋa. 15Ʋeŋgai ɀakaipa, muɗe ɀakanaka, mururamisire ʋanhu musuʋo; ɀimŋe Jehova, iye Mŋari wehondo, ucanzwira nyasha ʋakasara ʋaJosefa. 16Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, iye Mŋari wehondo, iye Ishe: Kucema kucaʋa’po panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha ʋacati: Maiwe! Maiwe! Ʋacaɗana ʋarimi kuzocema, naʋanoziʋa nziyo dzemariro kuzowuŋgudza. 17Kuwuŋgudza kucaʋa’po paminda yose yemizambiriŋga; nokuti ndicapfuʋura napakati penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 18Munenhamo imi munoshuʋa zuʋa raJehova! Zuʋa raJehova munoriɗa neiko? Ricaʋa rima, haciŋgaʋi ciedza. 19Ɀicaita somunhu unotiza shumba, ndokusoŋgana neɓere; kana sounopinda mumba, akaɓata pamadziro noruʋoko rwake, ndokurumŋa nenyoka. 20Ko zuʋa raJehova hariŋgaʋi rima, rikarega kuʋa ciedza here? Hariŋgati, Ɀi! kwaɀo, risino‐kupenya here? 21Ndinoʋeŋga nokuɀidza mitambo yenyu, handiŋgatoŋgofadzwi neʋuŋgano dzenyu dzakatarwa. 22Ɀirokwaɀo, kunyaŋge mukandiʋigira ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa neɀipiriso ɀoʋupfu, handiŋgaɀigamuciri; handiŋgaʋi nehanya neɀipiriso ɀenyu ɀokuʋoŋga ɀeɀipfuwo ɀenyu ɀakakodzwa. 23Bvisai pamberi paŋgu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handiɗi kunzwa kurira kwembira dzenyu. 24Asi kururamisa ŋgakuyerere semvura, ʋuye kururama sorwizi runoŋgoramba ruciɗira. 25Nhai imba yaIsraeri, makandiʋigira ɀiɓayiro neɀipo murenje makore anamakumi manna here? 26Ɀirokwaɀo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni ɀifananidzo ɀenyu, iyo nyeredzi yamŋari wenyu, wamakaɀiitira. 27Naiɀoɀo ndicakutapisai mberi kweDamasko — ndiɀo ɀinotaura Jehova, unezita rinonzi Mŋari wehondo.

Zvasarudzwa nguva ino

Amosi 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda