Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 6:1-14

Amosi 6:1-14 SCLBD

Zvichakuwani imi mugere pamutambaratede muguta reZioni nevanozviti tigere zvakanaka mugomo reSamaria, vanhu vanozivikanwa kwazvo vokutangatanga verudzi rwavanhu, kunoenda imba yaIsiraeri. Yambukirai kuguta reKarine, muone zvenyu, mubvepo muende, kuguta reHamati, guta guru, muzodzika kuguta reGati ravaFirisitia. Maguta iwayo ari nani here pane nyika mbiri idzi? Kana kuti iyo nyika yavo, ihuru here pane yenyu? Nhaimi munoramba kuti zuva rakaipa richasvika muchitoita kuti utsinye hutonge, iyemi munorara pamibhedha yomunyanga wenzou, muchitambarara zvenyu muri mumitepfetepfe yezvigaro, muchidya zvenyu nyama, yehwayana dzomuzvirugu, neyemhuru dzomudanga rezvipfuwo; iyemi munoumba nziyo itsva dzokuimba namadimbwa; saDhavhidhi muchizvigadzirirawo zvokuridzisa mumhanzi nazvo zvitsva; iyemi munodutira kunwa waini negate muchizvizora mafuta amandiriri asi kuparara kwevokwaJosefi kusingakurwadzei mwoyo! Saka imimi ndimi muchava vokutanga chaivo kuenda kuutapwa, iyemi vokutambarara imi, kudyiririra ikoko nehohoho yenyu iyoyo, zvichapera. TENZI Mwari apika naiye pachake, (zvanzi naTENZI, Mwari wehondo nehondo): “Kuzvikudza kwevokwaJakobho ndinokuzvonda, uye nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo ndinodzivenga saka guta racho nezvose zvirimo ndichazviisa mumaoko evavengi.” Kana vanhu gumi vakasara mumba imwechete, vachatopafa. Hama yomunhu yomumba chaiyo inomuviga yacho, paichauya kuzotakura zvitunha mumba imomo, ikabvunza anenge akahwandamo mukatikati kuti, “Muchine mumwe here asara?” Iye achati, “Kwete.” Uyewo uya achabva ati, “Taurira pasi! Kana kudoma zita raTENZI, ngatiregei.” Nokuti chionai TENZI atema kuti, zimba guru richaparadzwa kuti warara, kamba kaduku kachisarawo kangova zvimedu. Ko mabhiza anomhanya paruware here? Ko munhu angarime here nenzombe pagungwa? Asi imi munosandura ruenzaniso muchiruita chepfu, muchero woururami muchiaita gavakava kuvava, iyemi munofarira zvinhu zvisina maturo, muchitozviti, “Hatisirisu here isu pano, takatora guta reKarinaimu tikatoriita redu pachedu here?” Saka chinzwai munzwe, TENZI Mwari wehondo nehondo ari kuti, “Imi vemba yaIsiraeri ndichakumutsirai rudzi rwavanhu vachakudzvanyirirai kubvira tava kuda kupinda muguta reHamati, kusvikira kuKakova keArabha.”

Verenga chikamu Amosi 6