Mabasa 21:5
Mabasa 21:5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi nguva yedu yakati yapera, takabvapo tikaenderera mberi norwendo rwedu. Vadzidzi vose pamwe chete navakadzi vavo navana vakatiperekedza vakatisiya tava kunze kweguta, uye pamahombekombe ipapo takapfugama tikanyengetera.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21Mabasa 21:5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino takati tapedzapo mazuva, tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21Mabasa 21:5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakapera mazuva edu ikoko, takasimuka tikaenda murwendo rwedu. Vakatiperekedza vose namadzimai avo navana kusvikira kunze kweguta. Takapfugama pamahombekombe egungwa tikanamata ndokuonekana.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21