Mabasa 13:24-52
Mabasa 13:24-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
iye asati asvika, Johani akamboparidzira vanhu vaIsiraeri rubhabhatidzo rwokutendeuka. Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’ “Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatumirwa isu. Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo. “Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe. Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro. Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa; akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gariria, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu. Isu tinokuparidzirai chipikirwa chakaitirwa madzibaba edu. Kuti Mwari wakachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’ Uye kuratidza kuti akamumutsa kuvakafa, kuti arege kuzodzokerazve kuora, akareva kudai, ‘Ndichakupai mikomborero mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.’ “Ndokuti anoreva pane rimwe Pisarema, achiti, ‘Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.’ Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora. Asi uyu, akamutswa naMwari haana kuora. Naizvozvo varume hama muzive imi, kuti kuregererwa zvivi nouyu, inokuparidzirwai imi. Nouyu, mumwe nomumwe anotenda, anoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMosesi. Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti, ‘Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizviudzwa nomunhu.’ ” Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwezve mashoko iwayo neSabata rinotevera. Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navapanduki vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavarayira kuti varambire panyasha dzaMwari. NeSabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari. Zvino vaJudha vakati vachiona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarehwa naPauro, vachimhura Mwari. Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni. Nokuti Ishe wakatirayira saizvozvo, achiti, ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’ ” Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raIshe; navose vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. Shoko raIshe rikaparidzirwa kunyika yose. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBhanabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio. Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.
Mabasa 13:24-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri. Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’ “Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri. Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe. Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye. Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu. “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari, akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi: “ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’ Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti: “ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’ Nokudaro zvinotaurwa pane rimwe pisarema kuti: “ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’ “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora. Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora. “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri. Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi. Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti: “ ‘Tarirai imi vaseki, mushamiswe uye muparare, nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi, kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’ ” Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera. Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari. PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe. VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro. Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “ ‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ” VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. Shoko raShe rakapararira mudunhu rose. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo. Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu. Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.
Mabasa 13:24-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
iye asati asvika, Johani akamboparidzira vanhu vaIsiraeri rubhabhatidzo rwokutendeuka. Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’ “Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatumirwa isu. Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo. “Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe. Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro. Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa; akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gariria, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu. Isu tinokuparidzirai chipikirwa chakaitirwa madzibaba edu. Kuti Mwari wakachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’ Uye kuratidza kuti akamumutsa kuvakafa, kuti arege kuzodzokerazve kuora, akareva kudai, ‘Ndichakupai mikomborero mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.’ “Ndokuti anoreva pane rimwe Pisarema, achiti, ‘Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.’ Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora. Asi uyu, akamutswa naMwari haana kuora. Naizvozvo varume hama muzive imi, kuti kuregererwa zvivi nouyu, inokuparidzirwai imi. Nouyu, mumwe nomumwe anotenda, anoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMosesi. Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti, ‘Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizviudzwa nomunhu.’ ” Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwezve mashoko iwayo neSabata rinotevera. Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navapanduki vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavarayira kuti varambire panyasha dzaMwari. NeSabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari. Zvino vaJudha vakati vachiona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarehwa naPauro, vachimhura Mwari. Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni. Nokuti Ishe wakatirayira saizvozvo, achiti, ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’ ” Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raIshe; navose vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. Shoko raIshe rikaparidzirwa kunyika yose. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBhanabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio. Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.
Mabasa 13:24-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu asati auya Johani akanga achiparidza kuvanhu vose veIsiraeri kuti vapinduke vaombekwe. Johani paakanga ava kupedza basa rake akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handisini iye. Kwete, asi mushure mangu muri kuuya mumwe, wandisingakodzeri kubvisa shangu patsoka dzake.’ “Hama dzangu, vana vemhuri yaAbhurahamu navamwe vari mukati menyu vanotya Mwari, ndisu takatumirwa shoko roruponeso irworwu. Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga. Kunyange pakanga pasina mhosva yokumupa yaikodzera rufu asi vakakumbira Pirato kuti auraiwe. Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kuvafi. Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu. “Zvino tinokuunzirai Shoko Rakanaka rokuti Mwari zvaakatsidzira kumadzibaba edu izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi, “ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.’ Zvokuti Mwari akamumutsa uye kuti haachazombodzokerazve mukuora akataura achiti, ‘Ndichakupa zvikomborero zvitsvene zvechokwadi zvaDhavhidhi.’ Nezvo anotaura mune rumwe rwiyo achiti, ‘Hamuregi mutsvene wenyu achiora.’ Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora. Asi iye akamutswa naMwari, haana kuora. Naizvozvo chizvizivai hama dzangu kuti nokumunhu uyu kuregererwa kwezvitadzo kunoparidzwa kwamuri. Munhu wose anotenda anosunungurwa naye muna zvose zvamakanga musingakwanisi kusunungurwa nomutemo waMosesi. Saka, chenjerai, kuti zvimwe, mungawirwe nezvakataurwa muvaporofita zvinoti: ‘Chinzwai imi vanyombi dzungairai muparare nokuti ndichaita chimwe chinhu mumazuva enyu chinhu chamusingabvumi kudavira kana munhu akutaurirai.’ ” Pavakanga vava kubuda vanhu vakakumbira kuti vazovataurirazve zvinhu izvi paSabata raitevera. Pakapera musangano wapasinagogu, vaJudha vazhinji navanamati vaMwari vakanga vapindukira kuchiJudha, vakatevera Pauro naBhanabhasi vakataura kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari. Pasabata rakatevera chifo cheguta rose rakaungana kuti vazonzwa shoko raMwari. VaJudha pavakaona manyore manyore avanhu vakazadzwa neshanje vakapikisana nezvaitaurwa naPauro vakamunyomba. Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi. Ndizvo zvatakaudzwa naTenzi kuti tinofanira kuita paakati, “ ‘Inga ndakaita kuti uve chiedza kune vechirudzi kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.’ ” Vechirudzi pavakazvinzwa, vakafara vakarumbidza Shoko raMwari, vose zvavo vakanga vakasarudzirwa upenyu usingaperi vakatenda. Shoko raMwari rakapararira munyika iyoyo. Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo rokuti vazviparira rushambwa, vakaenda kuIkoniumu. Vadzidzi vakazadzwa norufaro uye naMweya Mutsvene.
Mabasa 13:24-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
iye asati aȿika, Johane akamboparidzira ʋanhu ʋaIsraeri rubapatidzo rwokutendeʋuka. Ɀino Johane wakati opedzisa ɓasa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwaŋgu mumŋe unoʋuya, wandisakafanira kuti ndisunuŋgure shaŋgu dzetsoka dzake. Ʋarume, hama, ʋana ʋorudzi rwaAbrahama, naʋari pakati penyu ʋanotya Mŋari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu. Nokuti ʋaigara Jerusarema naʋaɓati ʋaʋo, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgamuziʋi iye, kana manzwi aʋaprofita, anorabga saɓata rimŋe nerimŋe, ʋakaazadzisa pakumupa mhaka kwaʋo. Kunyaŋge ʋasina‐kuwana mhoȿa yorufu kwaari, ʋakakumbira kunaPirato kuti aʋurawe. Ɀino ʋakati ʋapedza ɀose ɀakanyorwa pamsoro pake, ʋakamuturura pamuti, ʋakamuʋiga mubgiro. Asi Mŋari wakamumutsa kuʋakafa; akaʋonekwa mazuʋa mazhinji naʋakaŋga ʋakwira naye Jerusarema, ʋacibva Garirea, aʋo ʋari ɀapupu ɀake ɀino kuʋanhu. Isu tinokuparidzirai cipikirwa cakaitirwa madziɓaɓa eɗu. Kuti Mŋari wakaciita kuʋana ʋeɗu, acimutsa Jesu; seɀakanyorwa ʋo paPisarema recipiri, panoti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, nhasi ndakakuɓereka. Ʋuye kuratidza kuti wakamumutsa kuʋakafa, kuti arege kuzodzokera ɀe kukuʋora, wakareʋa kuɗai: Ndicakupai mikomborero mitȿene inotendwa yaDavidi. Nokuti unoreʋa panerimŋe Pisarema, aciti: Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora. Nokuti Davidi wakati aita kuɗa kwaMŋari parudzi rwake, akaʋata rufu, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake, akaʋona kuʋora. Asi uyu, wakamutswa naMŋari haanakuʋora. Naiɀoɀo ʋarume, hama, muziʋe imi, kuti kaŋganwiro yeɀiʋi noyuyu inokuparidzirwai imi. Noyuyu, mumŋe nomumŋe unotenda, unoruramiswa paɀose, ɀamakaŋga musiŋgagoni kururamiswa paɀiri nomurairo waMosesi. Naiɀoɀo cenjerai, kuti murege kuwirwa neɀakarebga naʋaprofita, ɀinoti: Tarirai, imi ʋaɀidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinoɓate‐ɓasa pamazuʋa enyu, Ƃasa ramucaramba kutoŋgotenda, kana muciɀiʋudzwa nomunhu. Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa musinagoge, ʋakakumbira ɀikuru kuti ʋaparidzirwe ɀe mashoko iwayo nesaɓata rinoteʋera. Ɀino ʋesinagoge ʋakati ʋapararira, ʋaJuda ʋazhinji naʋaproserite ʋainamata Mŋari, ʋakateʋera Pauro naBarnabasi; iʋo ʋakataurirana naʋo, ʋakaʋaraira kuti ʋarambire panyasha dzaMŋari. Nesaɓata rakateʋera guta rineŋge rose rakaʋuŋgana kuzonzwa shoko raMŋari. Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciʋona ʋanhu ʋazhinji, ʋakazara negoɗo, ʋakaramba ɀakarebga naPauro, ʋacimhura Mŋari. Ipapo Pauro naBarnabasi ʋakataura ʋasiŋgatyi, ʋakati: Ɀakaŋga ɀakafanira kuti shoko raMŋari ritaŋge kutaurirwa imi, asi ɀamariramba, muciti, hamufanirwi noʋupenyu bgusiŋgaperi, tarirai, ɀino toenda kuʋahedeni. Nokuti Ishe wakatiraira saiɀoɀo, aciti: Ndakakuisa kuti uʋe ciedza caʋahedeni, Kuti uʋe ruponeso kuȿikira kumugumo wenyika. Ɀino ʋahedeni ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafara, ʋakakudza shoko raShe; naʋose ʋakaŋga ʋatarirwa ʋupenyu bgusiŋgaperi ʋakatenda. Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose. Asi ʋaJuda ʋakakurudzira ʋakadzi ʋainamata Mŋari, ʋaikudzwa, naʋakuru ʋeguta; ʋakamutsira Pauro naBarnabasi ɗambudziko, ʋakaʋadziŋga munyika yaʋo. Asi iʋo ʋakazuza guruʋa patsoka dzaʋo, ʋakaenda Ikonio. Ʋadzidzi ʋakaramba ʋacizadzwa nomufaro noMŋeya Mutȿene.
Mabasa 13:24-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)