iye asati aȿika, Johane akamboparidzira ʋanhu ʋaIsraeri rubapatidzo rwokutendeʋuka. Ɀino Johane wakati opedzisa ɓasa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwaŋgu mumŋe unoʋuya, wandisakafanira kuti ndisunuŋgure shaŋgu dzetsoka dzake. Ʋarume, hama, ʋana ʋorudzi rwaAbrahama, naʋari pakati penyu ʋanotya Mŋari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu. Nokuti ʋaigara Jerusarema naʋaɓati ʋaʋo, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgamuziʋi iye, kana manzwi aʋaprofita, anorabga saɓata rimŋe nerimŋe, ʋakaazadzisa pakumupa mhaka kwaʋo. Kunyaŋge ʋasina‐kuwana mhoȿa yorufu kwaari, ʋakakumbira kunaPirato kuti aʋurawe. Ɀino ʋakati ʋapedza ɀose ɀakanyorwa pamsoro pake, ʋakamuturura pamuti, ʋakamuʋiga mubgiro. Asi Mŋari wakamumutsa kuʋakafa; akaʋonekwa mazuʋa mazhinji naʋakaŋga ʋakwira naye Jerusarema, ʋacibva Garirea, aʋo ʋari ɀapupu ɀake ɀino kuʋanhu. Isu tinokuparidzirai cipikirwa cakaitirwa madziɓaɓa eɗu. Kuti Mŋari wakaciita kuʋana ʋeɗu, acimutsa Jesu; seɀakanyorwa ʋo paPisarema recipiri, panoti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, nhasi ndakakuɓereka. Ʋuye kuratidza kuti wakamumutsa kuʋakafa, kuti arege kuzodzokera ɀe kukuʋora, wakareʋa kuɗai: Ndicakupai mikomborero mitȿene inotendwa yaDavidi. Nokuti unoreʋa panerimŋe Pisarema, aciti: Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora. Nokuti Davidi wakati aita kuɗa kwaMŋari parudzi rwake, akaʋata rufu, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake, akaʋona kuʋora. Asi uyu, wakamutswa naMŋari haanakuʋora. Naiɀoɀo ʋarume, hama, muziʋe imi, kuti kaŋganwiro yeɀiʋi noyuyu inokuparidzirwai imi. Noyuyu, mumŋe nomumŋe unotenda, unoruramiswa paɀose, ɀamakaŋga musiŋgagoni kururamiswa paɀiri nomurairo waMosesi. Naiɀoɀo cenjerai, kuti murege kuwirwa neɀakarebga naʋaprofita, ɀinoti:
Tarirai, imi ʋaɀidzi, mushamiswe,
muparare;
Nokuti ndinoɓate‐ɓasa pamazuʋa enyu,
Ƃasa ramucaramba kutoŋgotenda,
kana muciɀiʋudzwa nomunhu.
Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa musinagoge, ʋakakumbira ɀikuru kuti ʋaparidzirwe ɀe mashoko iwayo nesaɓata rinoteʋera. Ɀino ʋesinagoge ʋakati ʋapararira, ʋaJuda ʋazhinji naʋaproserite ʋainamata Mŋari, ʋakateʋera Pauro naBarnabasi; iʋo ʋakataurirana naʋo, ʋakaʋaraira kuti ʋarambire panyasha dzaMŋari.
Nesaɓata rakateʋera guta rineŋge rose rakaʋuŋgana kuzonzwa shoko raMŋari. Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciʋona ʋanhu ʋazhinji, ʋakazara negoɗo, ʋakaramba ɀakarebga naPauro, ʋacimhura Mŋari. Ipapo Pauro naBarnabasi ʋakataura ʋasiŋgatyi, ʋakati: Ɀakaŋga ɀakafanira kuti shoko raMŋari ritaŋge kutaurirwa imi, asi ɀamariramba, muciti, hamufanirwi noʋupenyu bgusiŋgaperi, tarirai, ɀino toenda kuʋahedeni. Nokuti Ishe wakatiraira saiɀoɀo, aciti:
Ndakakuisa kuti uʋe ciedza caʋahedeni,
Kuti uʋe ruponeso kuȿikira kumugumo wenyika.
Ɀino ʋahedeni ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafara, ʋakakudza shoko raShe; naʋose ʋakaŋga ʋatarirwa ʋupenyu bgusiŋgaperi ʋakatenda. Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose. Asi ʋaJuda ʋakakurudzira ʋakadzi ʋainamata Mŋari, ʋaikudzwa, naʋakuru ʋeguta; ʋakamutsira Pauro naBarnabasi ɗambudziko, ʋakaʋadziŋga munyika yaʋo. Asi iʋo ʋakazuza guruʋa patsoka dzaʋo, ʋakaenda Ikonio. Ʋadzidzi ʋakaramba ʋacizadzwa nomufaro noMŋeya Mutȿene.