Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 13:24-52

Mabasa 13:24-52 SNA2002

iye asati asvika, Johani akamboparidzira vanhu vaIsiraeri rubhabhatidzo rwokutendeuka. Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’ “Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatumirwa isu. Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo. “Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe. Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro. Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa; akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gariria, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu. Isu tinokuparidzirai chipikirwa chakaitirwa madzibaba edu. Kuti Mwari wakachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’ Uye kuratidza kuti akamumutsa kuvakafa, kuti arege kuzodzokerazve kuora, akareva kudai, ‘Ndichakupai mikomborero mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.’ “Ndokuti anoreva pane rimwe Pisarema, achiti, ‘Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.’ Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora. Asi uyu, akamutswa naMwari haana kuora. Naizvozvo varume hama muzive imi, kuti kuregererwa zvivi nouyu, inokuparidzirwai imi. Nouyu, mumwe nomumwe anotenda, anoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMosesi. Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti, ‘Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizviudzwa nomunhu.’ ” Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwezve mashoko iwayo neSabata rinotevera. Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navapanduki vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavarayira kuti varambire panyasha dzaMwari. NeSabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari. Zvino vaJudha vakati vachiona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarehwa naPauro, vachimhura Mwari. Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni. Nokuti Ishe wakatirayira saizvozvo, achiti, ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’ ” Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raIshe; navose vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. Shoko raIshe rikaparidzirwa kunyika yose. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBhanabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio. Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.

Verenga chikamu Mabasa 13