Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 13

13
Bhanabhasi naSauro Vanotumwa
1Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro. 2Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.” 3Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.
Vapostori vanoparidza paSaipurasi
4Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi. 5Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira.
6Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu, 7akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari. 8Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda. 9Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati, 10“Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe? 11Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.”
Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira. 12Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.
Pauro anoparidza paAndioki yePisidhia
13Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema. 14Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara pasi. 15Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.”
16Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei! 17Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru, 18akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga, 19akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo. 20Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu.
“Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita. 21Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana. 22Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’
23“Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbisa. 24Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri. 25Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
26“Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri. 27Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe. 28Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye. 29Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. 30Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, 31uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
32“Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari, 33akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi:
“ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu;
nhasi ndava baba vako.’
34Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti:
“ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’
35Nokudaro zvinotaurwa pane rimwe pisarema kuti:
“ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’
36“Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora. 37Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.
38“Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri. 39Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi. 40Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:
41“ ‘Tarirai imi vaseki,
mushamiswe uye muparare,
nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu
chamusingazombotendi,
kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’ ”
42Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera. 43Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
44PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe. 45VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.
46Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. 47Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti:
“ ‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi,
kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ”
48VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.
49Shoko raShe rakapararira mudunhu rose. 50Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo. 51Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu. 52Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 13: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda