Jesu asati auya Johani akanga achiparidza kuvanhu vose veIsiraeri kuti vapinduke vaombekwe. Johani paakanga ava kupedza basa rake akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handisini iye. Kwete, asi mushure mangu muri kuuya mumwe, wandisingakodzeri kubvisa shangu patsoka dzake.’
“Hama dzangu, vana vemhuri yaAbhurahamu navamwe vari mukati menyu vanotya Mwari, ndisu takatumirwa shoko roruponeso irworwu. Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga. Kunyange pakanga pasina mhosva yokumupa yaikodzera rufu asi vakakumbira Pirato kuti auraiwe. Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kuvafi. Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu.
“Zvino tinokuunzirai Shoko Rakanaka rokuti Mwari zvaakatsidzira kumadzibaba edu izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi,
“ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu
nhasi ndakubereka.’
Zvokuti Mwari akamumutsa uye kuti haachazombodzokerazve mukuora akataura achiti,
‘Ndichakupa zvikomborero
zvitsvene zvechokwadi zvaDhavhidhi.’
Nezvo anotaura mune rumwe rwiyo achiti,
‘Hamuregi mutsvene wenyu achiora.’
Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora. Asi iye akamutswa naMwari, haana kuora. Naizvozvo chizvizivai hama dzangu kuti nokumunhu uyu kuregererwa kwezvitadzo kunoparidzwa kwamuri. Munhu wose anotenda anosunungurwa naye muna zvose zvamakanga musingakwanisi kusunungurwa nomutemo waMosesi. Saka, chenjerai, kuti zvimwe, mungawirwe nezvakataurwa muvaporofita zvinoti:
‘Chinzwai imi vanyombi
dzungairai muparare
nokuti ndichaita chimwe chinhu
mumazuva enyu
chinhu chamusingabvumi kudavira
kana munhu akutaurirai.’ ”
Pavakanga vava kubuda vanhu vakakumbira kuti vazovataurirazve zvinhu izvi paSabata raitevera. Pakapera musangano wapasinagogu, vaJudha vazhinji navanamati vaMwari vakanga vapindukira kuchiJudha, vakatevera Pauro naBhanabhasi vakataura kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
Pasabata rakatevera chifo cheguta rose rakaungana kuti vazonzwa shoko raMwari. VaJudha pavakaona manyore manyore avanhu vakazadzwa neshanje vakapikisana nezvaitaurwa naPauro vakamunyomba. Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi. Ndizvo zvatakaudzwa naTenzi kuti tinofanira kuita paakati,
“ ‘Inga ndakaita kuti
uve chiedza kune vechirudzi
kuti ruponeso rwangu
rusvike kwakaperera nyika chaiko.’ ”
Vechirudzi pavakazvinzwa, vakafara vakarumbidza Shoko raMwari, vose zvavo vakanga vakasarudzirwa upenyu usingaperi vakatenda. Shoko raMwari rakapararira munyika iyoyo. Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo rokuti vazviparira rushambwa, vakaenda kuIkoniumu. Vadzidzi vakazadzwa norufaro uye naMweya Mutsvene.