2 Samueri 24:4-15
2 Samueri 24:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange zvakadaro, shoko ramambo rakakunda raJoabhu navatungamiri vehondo; saka vakabva pamberi pamambo kuti vandonyora varume vokurwa muIsraeri. Shure kwokuyambuka Jorodhani, vakadzika matende avo pedyo neAroeri, zasi kweguta riri mumupata, uye ipapo vakaenda napakati peGadhi vakandosvika kuJazeri. Vakaenda kuGireadhi nokudunhu reTahitimi Hodhishi, uye napaDhani Joani uye vakapoterera nokuSidhoni. Ipapo vakaenda vakananga kunhare yeTire nokumaguta ose avaHivhi navaKenani. Pakupedzisira, vakaenda kuBheerishebha zasi kweJudha. Mushure mokuenda kwavo munyika yose, vakadzoka kuJerusarema papera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri. Joabhu akazivisa uwandu hwavanhu kuna mambo akati: MuIsraeri makanga mune mazana masere ezviuru zvavarume vakanga vakasimba, vaigona kubata munondo, uye muJudha maiva namazana mashanu ezviuru. Hana yaDhavhidhi yakarova shure kwokuverenga kwake varume vokurwa, akati kuna Jehovha, “Ndatadza zvikuru pane zvandaita. Haiwa Jehovha, zvino ndinokukumbirai, bvisa mhaka yomuranda wenyu. Ndaita chinhu choupenzi kwazvo.” Zvino Dhavhidhi akati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kuna Gadhi muprofita, muoni waDhavhidhi richiti, “Enda undoudza Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chazvo kuti ndichiite pamusoro pako.’ ” Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwamakore matatu here? Kana kuti mwedzi mitatu yokutiza kubva kuvavengi vako ivo vachikudzinganisa? Kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako? Zvino funga pamusoro pazvo ugosarudza kuti ndingandopindura sei iye andituma.” Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakutambudzika kukuru. Ngatiwirei hedu mumaoko aJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru; asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.” Saka Jehovha akatuma denda pamusoro peIsraeri kubva mangwanani iwayo kusvikira panguva yakatarwa, uye vanhu zviuru makumi manomwe vakafa kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha.
2 Samueri 24:4-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu navakuru vehondo. Joabhu navakuru vakabuda pamberi pamambo kundoverenga vanhu vaIsiraeri. Vakayambuka Jorodhani, vakadzika matende avo paAroeri, kurutivi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadhi, kusvikira paJazeri. Ipapo vakasvika Gireadhi, nokunyika yeTatimihodhisi; vakasvikawo Dhanijaani, nenyika yakapoteredza kusvikira paZidhoni, vakasvikawo kunhare yeTire, nokumaguta ose avaHivhi, navaKenani; vakapedzisa kurutivi rwezasi rwaJudha paBheerishebha. Zvino vakati vapota nenyika yose, vakasvika Jerusaremu, vapedza mwedzi mipfumbamwe namazuva ana makumi maviri. Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna mambo; kunavaIsiraeri kwakanga kune mhare dzaiva nezviuru zvina mazana masere vaigona kurwa nomunondo; uye varume vaJudha vaiva varume vane zviuru zvina mazana mashanu. Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, “Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo.” Zvino Dhavhidhi wakati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita Gadhi, muwoni waDhavhidhi, rikati, “Enda, undoudza Dhavhidhi, uti, ‘Zvanzi naJehovha, ndinokuisira zvinhu zvitatu; chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.’ ” Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, “Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma.” Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.” Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri kubva mangwanani kusvikira panguva yakanga yatarwa, varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati pavanhu, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.

2 Samueri 24:4-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvakataurwa namambo ndizvo zvakatozobudirira pane zvaJoabhu nezvavatungamiriri vehondo. Ipapo Joabhu navatungamiriri vehondo vakabva pana mambo voenda kundoverenga varwi veIsiraeri. Vakayambuka Jorodhani vakadzika matendhe avo kuguta reAroero kubvira kuguta riri mukati mebani vakananga kwaGadhi nokuJazeri. Vakazosvika kuGireadhi nokunyika yavaHiti kuHodhishi, vakasvikawo kwaDhanijaani. Vakabva muDhanijaani vakapota nokuSidhoni. Vakazosvika kuguta retsvingo reTire nokumaguta ose avaHivhi navaKanani. Vakabvamo vakaenda kuNegevhu kwaJudha kuBheerishebha. Kuzoti vabvongodza nyika iyi yose vakadzokera zvavo Jerusaremu, izvozvo kwapera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri. Joabhu akataurira mambo uwandi hwavanhu hwakadai izvi: KwaIsiraeri kwaiva nezviuru mazana masere zvavarume vano chaivo vokurwa namapakatwa. Varume vokwaJudha vaivawo mazana mashanu ezviuru. Asi Dhavhidhi apedza kuverenga vanhu kudaro hana yakamutambudza ndokubva ati kuna Tenzi, “Ndakatadza zvikuru kwazvo nezvandakaita. Zvino ndateterera Tenzi we-e. Ndiregerereiwo chitadzo changu ini muranda wenyu nokuti zvandakaita izvi ndezvoupenzi chaizvo.” Kuzoti Dhavhidhi amuka mangwanani acho, izwi raTenzi rakauya kumuporofita Gadhi, muoni wokwaDhavhidhi rikati, “Enda uti kuna Dhavhidhi, zvanzi naTenzi sarudza chandingaite kwauri pazvitatu izvi zvandiri kukupa.” Nokudaro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akamuti, “Mungade here kuti muno munyika yenyu muve namakore manomwe enzara, kana kuti mupedze mwedzi mitatu muchingotiza vavengi venyu vachikurondai, kana kuti muno munyika yenyu murohwe nedenda kwamazuva matatu? Zvino dai mukapafunga mundipewo mhinduro yokundopa andituma.” Dhavhidhi akati kuna vaGadhi, “Inga ndazotambura zvino. Regai zvenyu ndisve ndarangwa zvangu naTenzi nokuti ngoni dzake dzakanyanya kwazvo. Asi zvokuti munhu ave iye wokundiranga, aiwa.” Saizvozvo Tenzi akarova Isiraeri nedenda kubvira mangwanani kusvikira panguva yakanga yarehwa, kukafa vaIsiraeri zviuru makumi manomwe kubvira kwaDhani kudzamara kundosvika kuBheerishebha.
2 Samueri 24:4-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ɀakaɗaro shoko ramambo rakakurira Joabi naʋakuru ʋehondo. Joabi naʋakuru ʋakaɓuɗa pamberi pamambo kundoʋereŋga ʋanhu ʋaIsraeri. Ʋakayambuka Joridani, ʋakadzika matente aʋo paAroeri, kurutiʋi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadi, kuȿikira paJazeri. Ipapo ʋakaȿika Gireadi, nokunyika yeTatimihodsi; ʋakaȿika ʋo Dani‐jaani, nenyika yakapoteredza kuȿikira paZidoni, ʋakaȿika ʋo kunhare yeTire, nokumaguta ose aʋaHivi, naʋaKanani; ʋakapedzisa kurutiʋi rwezasi rwaJuda paBeeri‐sheba. Ɀino ʋakati ʋapota nenyika yose, ʋakaȿika Jerusarema, ʋapedza mŋedzi mipfumbamŋe namazuʋa anamakumi maʋiri. Joabi akarondedzera kuwanda kwaʋanhu kunamambo; kuʋaIsraeri kwakaŋga kunemhare dzaiʋa neɀuru ɀinamazana masere ʋaigona kurwa nomunondo; ʋuye ʋarume ʋaJuda ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana mashanu. Ɀino Davidi wakati apedza kuʋereŋga ʋanhu, hana yake ikamuroʋa. Davidi akati kunaJehova: Ndatadza kwaɀo ɀandaita cinhu ici; asi ɀino Jehova, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita seɓenzi kwaɀo. Ɀino Davidi wakati acimuka maŋgwanani, shoko raJehova rikaȿika kumuprofita Gadi, muʋoni waDavidi, rikati: Enda, undoʋudza Davidi, uti: Ɀanzi naJehova: Ndinokuisira ɀinhu ɀitatu, ciɀitsaurira cimŋe caɀo, ndikuitire ico. Naiɀoɀo Gadi akaenda kunaDavidi, akamuʋudza, akati kwaari: Unoɗa kuti makore manomŋe enzara aʋe panyika yako here? Kana unoɗa kutiza pamberi paʋaʋeŋgi ʋako mŋedzi mitatu ʋacikuteʋerera here? Kana unoɗa kuti ɗenda riʋe panyika yako mazuʋa matatu here? Ɀino cifuŋga hako, uraŋgarire mhinduro yandiŋgadzosera kunaiye wakandituma. Ipapo Davidi akati kunaGadi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire heɗu ɀino muruʋoko rwaJehova, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege haŋgu kuwira muruʋoko rwomunhu. Ipapo Jehova akatuma ɗenda pakati paIsraeri kubva maŋgwanani kuȿikira paŋguʋa yakaŋga yatarwa, ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋakafa pakati paʋanhu, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba.
2 Samueri 24:4-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)