Kunyaŋge ɀakaɗaro shoko ramambo rakakurira Joabi naʋakuru ʋehondo. Joabi naʋakuru ʋakaɓuɗa pamberi pamambo kundoʋereŋga ʋanhu ʋaIsraeri. Ʋakayambuka Joridani, ʋakadzika matente aʋo paAroeri, kurutiʋi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadi, kuȿikira paJazeri. Ipapo ʋakaȿika Gireadi, nokunyika yeTatimihodsi; ʋakaȿika ʋo Dani‐jaani, nenyika yakapoteredza kuȿikira paZidoni, ʋakaȿika ʋo kunhare yeTire, nokumaguta ose aʋaHivi, naʋaKanani; ʋakapedzisa kurutiʋi rwezasi rwaJuda paBeeri‐sheba. Ɀino ʋakati ʋapota nenyika yose, ʋakaȿika Jerusarema, ʋapedza mŋedzi mipfumbamŋe namazuʋa anamakumi maʋiri. Joabi akarondedzera kuwanda kwaʋanhu kunamambo; kuʋaIsraeri kwakaŋga kunemhare dzaiʋa neɀuru ɀinamazana masere ʋaigona kurwa nomunondo; ʋuye ʋarume ʋaJuda ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana mashanu.
Ɀino Davidi wakati apedza kuʋereŋga ʋanhu, hana yake ikamuroʋa. Davidi akati kunaJehova: Ndatadza kwaɀo ɀandaita cinhu ici; asi ɀino Jehova, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita seɓenzi kwaɀo. Ɀino Davidi wakati acimuka maŋgwanani, shoko raJehova rikaȿika kumuprofita Gadi, muʋoni waDavidi, rikati: Enda, undoʋudza Davidi, uti: Ɀanzi naJehova: Ndinokuisira ɀinhu ɀitatu, ciɀitsaurira cimŋe caɀo, ndikuitire ico. Naiɀoɀo Gadi akaenda kunaDavidi, akamuʋudza, akati kwaari: Unoɗa kuti makore manomŋe enzara aʋe panyika yako here? Kana unoɗa kutiza pamberi paʋaʋeŋgi ʋako mŋedzi mitatu ʋacikuteʋerera here? Kana unoɗa kuti ɗenda riʋe panyika yako mazuʋa matatu here? Ɀino cifuŋga hako, uraŋgarire mhinduro yandiŋgadzosera kunaiye wakandituma. Ipapo Davidi akati kunaGadi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire heɗu ɀino muruʋoko rwaJehova, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege haŋgu kuwira muruʋoko rwomunhu. Ipapo Jehova akatuma ɗenda pakati paIsraeri kubva maŋgwanani kuȿikira paŋguʋa yakaŋga yatarwa, ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋakafa pakati paʋanhu, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba.