II Samueri 24
24
Davidi unoʋereŋga ʋaIsraeri, ʋanhu ndokurobga neɗenda.
1Ɀino Jehova wakatsamŋira ɀe ʋaIsraeri, akakurudzira Davidi pamsoro paʋo, akati: Enda uʋereŋge ʋaIsraeri naʋaJuda. 2Ipapo mambo akati kunaJoabi mukuru wehondo wakaŋga anaye: Enda ɀino, upote namarudzi ose aIsraeri, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, uʋereŋge ʋanhu, ndiziʋe kuwanda kwaʋo. 3Joabi akati kunamambo: Jehova Mŋari wenyu ŋgaawedzere hake kuʋanhu, ʋapfuʋure aʋa runezana pakuwanda kwaʋo, nameso ashe waŋgu ŋgaaɀiʋone; asi ishe waŋgu mambo unotȿakireiko cinhu ici? 4Kunyaŋge ɀakaɗaro shoko ramambo rakakurira Joabi naʋakuru ʋehondo. Joabi naʋakuru ʋakaɓuɗa pamberi pamambo kundoʋereŋga ʋanhu ʋaIsraeri. 5Ʋakayambuka Joridani, ʋakadzika matente aʋo paAroeri, kurutiʋi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadi, kuȿikira paJazeri. 6Ipapo ʋakaȿika Gireadi, nokunyika yeTatimihodsi; ʋakaȿika ʋo Dani‐jaani, nenyika yakapoteredza kuȿikira paZidoni, 7ʋakaȿika ʋo kunhare yeTire, nokumaguta ose aʋaHivi, naʋaKanani; ʋakapedzisa kurutiʋi rwezasi rwaJuda paBeeri‐sheba. 8Ɀino ʋakati ʋapota nenyika yose, ʋakaȿika Jerusarema, ʋapedza mŋedzi mipfumbamŋe namazuʋa anamakumi maʋiri. 9Joabi akarondedzera kuwanda kwaʋanhu kunamambo; kuʋaIsraeri kwakaŋga kunemhare dzaiʋa neɀuru ɀinamazana masere ʋaigona kurwa nomunondo; ʋuye ʋarume ʋaJuda ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana mashanu.
10Ɀino Davidi wakati apedza kuʋereŋga ʋanhu, hana yake ikamuroʋa. Davidi akati kunaJehova: Ndatadza kwaɀo ɀandaita cinhu ici; asi ɀino Jehova, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita seɓenzi kwaɀo. 11Ɀino Davidi wakati acimuka maŋgwanani, shoko raJehova rikaȿika kumuprofita Gadi, muʋoni waDavidi, rikati: 12Enda, undoʋudza Davidi, uti: Ɀanzi naJehova: Ndinokuisira ɀinhu ɀitatu, ciɀitsaurira cimŋe caɀo, ndikuitire ico. 13Naiɀoɀo Gadi akaenda kunaDavidi, akamuʋudza, akati kwaari: Unoɗa kuti makore manomŋe enzara aʋe panyika yako here? Kana unoɗa kutiza pamberi paʋaʋeŋgi ʋako mŋedzi mitatu ʋacikuteʋerera here? Kana unoɗa kuti ɗenda riʋe panyika yako mazuʋa matatu here? Ɀino cifuŋga hako, uraŋgarire mhinduro yandiŋgadzosera kunaiye wakandituma. 14Ipapo Davidi akati kunaGadi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire heɗu ɀino muruʋoko rwaJehova, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege haŋgu kuwira muruʋoko rwomunhu. 15Ipapo Jehova akatuma ɗenda pakati paIsraeri kubva maŋgwanani kuȿikira paŋguʋa yakaŋga yatarwa, ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋakafa pakati paʋanhu, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba. 16Ɀino mutumŋa wakati acitambanudzira ruʋoko rwake kuJerusarema, kuti ariparadze, Jehova akaɀiɗemba pamsoro pecakaipa ico, akati kumutumŋa wakaŋga aciparadza ʋanhu: Ndiɀo, cidzosa ruʋoko rwako. Ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire paɓuriro raArauna muJebusi. 17Davidi wakati aciʋona mutumŋa wakaŋga aciʋuraya ʋanhu, akataura naJehova, akati: Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita ɀakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruʋoko rwenyu ŋgarundiroʋe harwo ini neimba yaɓaɓa ʋaŋgu.
18Ɀino Gadi akaenda kunaDavidi zuʋa iro, akati kwaari: Enda, undoʋakira Jehova artari paɓuriro raArauna muJebusi. 19Davidi akaenda seɀaakaʋudzwa naGadi, seɀaakarairwa naJehova. 20Ɀino Arauna akatarira, akaʋona mambo naʋaranda ʋake ʋaciʋuya kwaari, Arauna akaɓuɗa, akakotamira pasi neciso cake pamberi pamambo. 21Arauna akati: Ishe waŋgu mambo waʋuyireiko kumuranda wake? Davidi akati: Ndaʋuya kuzoteŋga ɓuriro kwauri, kuti ndiʋakire Jehova artari, kuti ɗenda ripere pakati paʋanhu. 22Arauna akati kunaDavidi: Ishe waŋgu mambo ŋgaatore hake, aɓayireJehova seɀaanoɗa; tarirai, hedzo nzombe dzokuɓayira cipiriso cinopiswa; ʋuye nhumbi dzokupura nadzo, namajoko enzombe, dziʋe huni; 23iɀi ɀose, mambo, Arauna unopa mambo. Arauna akati kunamambo: Jehova Mŋari wenyu ŋgaakugamucirei hake. 24Mambo akati kunaArauna: Kwete, ndicaɀiteŋga kwauri ɀirokwaɀo nomuteŋgo waɀo, ʋuye handiŋgaɓayiri Jehova Mŋari waŋgu ɀipiriso ɀinopiswa, ɀandisinakuteŋga. Naiɀoɀo Davidi akateŋga ɓuriro nenzombe namashekeri#24:24 Mari ineŋge pondo nhanhatu. esirveri anamakumi mashanu. 25Davidi akaʋakira’po Jehova artari, akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. Naiɀoɀo Jehova akanzwira nyika tsitsi, ɗenda rikapera pakati paIsraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
II Samueri 24: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018