Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu navakuru vehondo. Joabhu navakuru vakabuda pamberi pamambo kundoverenga vanhu vaIsiraeri. Vakayambuka Jorodhani, vakadzika matende avo paAroeri, kurutivi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadhi, kusvikira paJazeri. Ipapo vakasvika Gireadhi, nokunyika yeTatimihodhisi; vakasvikawo Dhanijaani, nenyika yakapoteredza kusvikira paZidhoni, vakasvikawo kunhare yeTire, nokumaguta ose avaHivhi, navaKenani; vakapedzisa kurutivi rwezasi rwaJudha paBheerishebha.
Zvino vakati vapota nenyika yose, vakasvika Jerusaremu, vapedza mwedzi mipfumbamwe namazuva ana makumi maviri. Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna mambo; kunavaIsiraeri kwakanga kune mhare dzaiva nezviuru zvina mazana masere vaigona kurwa nomunondo; uye varume vaJudha vaiva varume vane zviuru zvina mazana mashanu.
Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, “Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo.”
Zvino Dhavhidhi wakati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita Gadhi, muwoni waDhavhidhi, rikati, “Enda, undoudza Dhavhidhi, uti, ‘Zvanzi naJehovha, ndinokuisira zvinhu zvitatu; chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.’ ” Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, “Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma.”
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.” Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri kubva mangwanani kusvikira panguva yakanga yatarwa, varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati pavanhu, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.